< Osee Propheta 10 >
1 Vitis frondosa Israel, fructus adæquatus est ei: secundum multitudinem fructus sui multiplicavit altaria, iuxta ubertatem terræ suæ exuberavit simulachris.
Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, akashongedzawo matombo ake anoera.
2 Divisum est cor eorum, nunc interibunt: ipse confringet simulachra eorum, depopulabitur aras eorum.
Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. Jehovha achaputsa aritari dzavo uye achaparadza matombo avo akaereswa.
3 Quia nunc dicent: Non est rex nobis: non enim timemus Dominum: et rex quid faciet nobis?
Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange taiva namambo, angadai akatiitireiko?”
4 Loquimini verba visionis inutilis, et ferietis fœdus: et germinabit quasi amaritudo iudicium super sulcos agri.
Vanovimbisa zvakawanda, vanoita mhiko dzenhema uye vanoita zvibvumirano; naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.
5 Vaccas Bethaven coluerunt habitatores Samariæ: quia luxit super eum populus eius, et æditui eius super eum exultaverunt in gloria eius, quia migravit ab eo.
Vanhu vanogara muSamaria vanotyira chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. Vanhu vacho vachachichema, ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.
6 Siquidem et ipse in Assur delatus est, munus regi Ultori: confusio Ephraim capiet, et confundetur Israel in voluntate sua.
Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. Efuremu achanyadziswa; Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.
7 Transire fecit Samaria regem suum quasi spumam super faciem aquæ.
Samaria namambo wayo ichaeredzwa sechimuti pamusoro pemvura.
8 Et disperdentur excelsa idoli, peccatum Israel: lappa, et tribulus ascendet super aras eorum: et dicent montibus: Operite nos; et collibus: Cadite super nos.
Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, ichi ndicho chivi chaIsraeri. Minzwa norukato zvichamera zvigofukidza aritari dzavo. Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”
9 Ex diebus Gabaa, peccavit Israel, ibi steterunt: non comprehendet eos in Gabaa prælium super filios iniquitatis.
“Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri, uye ukarambirapo. Hondo haina kukunda vaiti vezvakaipa paGibhea here?
10 Iuxta desiderium meum corripiam eos: congregabuntur super eos populi, cum corripientur propter duas iniquitates suas.
Nenguva yandinoda ndichavaranga; ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise dzivaise muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri.
11 Ephraim vitula docta diligere trituram, et ego transivi super pulchritudinem colli eius: ascendam super Ephraim, arabit Iudas, confringet sibi sulcos Iacob.
Efuremu itsiru rakapingudzwa rinofarira kupura; saka ndichaisa joko pamutsipa waro wakanaka. Ndichatinha Efuremu, Judha anofanira kurima, uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho.
12 Seminate vobis in iustitia, et metite in ore misericordiæ, innovate vobis novale: tempus autem requirendi Dominum, cum venerit qui docebit vos iustitiam.
Zvidyarirei kururama, kohwai chibereko chorudo rusingaperi, mugorima gombo renyu; nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira auya kuzonayisa utsvene pamusoro penyu.
13 Arastis impietatem, iniquitatem messuistis, comedistis frugem mendacii: quia confisus es in viis tuis, in multitudine fortium tuorum.
Asi makarima uipi, mukacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvounyengeri, nokuti makavimba nesimba renyu uye navarwi venyu vakawanda,
14 Consurget tumultus in populo tuo: et omnes munitiones tuæ vastabuntur, sicut vastatus est Salmana a domo eius qui iudicavit Baal in die prælii, matre super filios allisa.
kuomba kwehondo kuchamukira vanhu venyu, zvokuti masvingo enyu ose achaparadzwa, sokuparadzwa kwakaitwa Bheti Aribheri neSharimani pazuva rokurwa, vanamai pavakapanhirwa pasi pamwe chete navana vavo.
15 Sic fecit vobis Bethel, a facie malitiæ nequitiarum vestrarum.
Ndizvo zvichaitika kwauri, iwe Bheteri, nokuti uipi hwako hukuru. Kana zuva iroro roswedera, mambo weIsraeri achaparadzwa zvachose.