< Ephesios 2 >
1 Et vos, cum essetis mortui delictis, et peccatis vestris,
Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi,
2 in quibus aliquando ambulastis secundum sæculum mundi huius, secundum principem potestatis aeris huius, spiritus, qui nunc operatur in filios diffidentiæ, (aiōn )
izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera; (aiōn )
3 in quibus et nos omnes aliquando conversati sumus in desideriis carnis nostræ, facientes voluntatem carnis, et cogitationum, et eramus natura filii iræ, sicut et ceteri:
vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo.
4 Deus autem, qui dives est in misericordia, propter nimiam charitatem suam, qua dilexit nos,
Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,
5 et cum essemus mortui peccatis, convivificavit nos in Christo, (cuius gratia estis salvati)
kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha);
6 et conresuscitavit, et consedere fecit in cælestibus in Christo Iesu:
akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu;
7 ut ostenderet in sæculis supervenientibus abundantes divitias gratiæ suæ in bonitate super nos in Christo Iesu. (aiōn )
kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu. (aiōn )
8 Gratia enim estis salvati per fidem, et hoc non ex vobis: Dei enim donum est,
Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari;
9 non ex operibus, ut nequis glorietur.
hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza.
10 Ipsius enim sumus factura, creati in Christo Iesu in operibus bonis, quæ præparavit Deus ut in illis ambulemus.
Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari.
11 Propter quod memores estote, quod aliquando vos Gentes in carne, qui dicimini præputium ab ea, quæ dicitur circumcisio in carne, manu facta:
Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko,
12 quia eratis illo in tempore sine Christo, alienati a conversatione Israel, et hospites testamentorum, promissionis spem non habentes, et sine Deo in hoc mundo.
kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika.
13 Nunc autem in Christo Iesu vos, qui aliquando eratis longe, facti estis prope in sanguine Christi.
Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu.
14 Ipse enim est pax nostra, qui fecit utraque unum, et medium parietem maceriæ solvens, inimicitias in carne sua:
Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa,
15 legem mandatorum decretis evacuans, ut duos condat in semetipso in unum novum hominem, faciens pacem,
aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare,
16 et reconciliet ambos in uno corpore, Deo per crucem, interficiens inimicitias in semetipso.
uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo,
17 Et veniens evangelizavit pacem vobis, qui longe fuistis, et pacem iis, qui prope.
uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo;
18 Quoniam per ipsum habemus accessum ambo in uno Spiritu ad Patrem.
nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba.
19 Ergo iam non estis hospites, et advenæ: sed estis cives sanctorum, et domestici Dei:
Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari.
20 superædificati super fundamentum Apostolorum, et Prophetarum, ipso summo angulari lapide Christo Iesu:
Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona.
21 in quo omnis ædificatio constructa crescit in templum sanctum in Domino,
Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe.
22 in quo et vos coædificamini in habitaculum Dei in Spiritu.
Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya.