< Leviticus 22 >

1 Locutus quoque est Dominus ad Moysen, dicens:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 Loquere ad Aaron et ad filios ejus, ut caveant ab his quæ consecrata sunt filiorum Israël, et non contaminent nomen sanctificatorum mihi, quæ ipsi offerunt. Ego Dominus.
“Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha.
3 Dic ad eos, et ad posteros eorum: Omnis homo qui accesserit de stirpe vestra ad ea quæ consecrata sunt, et quæ obtulerunt filii Israël Domino, in quo est immunditia, peribit coram Domino. Ego sum Dominus.
“Uti kwavari, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha.
4 Homo de semine Aaron, qui fuerit leprosus, aut patiens fluxum seminis, non vescetur de his quæ sanctificata sunt mihi, donec sanetur. Qui tetigerit immundum super mortuo, et ex quo egreditur semen quasi coitus,
“‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu,
5 et qui tangit reptile, et quodlibet immundum cujus tactus est sordidus,
kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako.
6 immundus erit usque ad vesperum, et non vescetur his quæ sanctificata sunt: sed cum laverit carnem suam aqua,
Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura.
7 et occubuerit sol, tunc mundatus vescetur de sanctificatis, quia cibus illius est.
Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake.
8 Morticinum et captum a bestia non comedent, nec polluentur in eis. Ego sum Dominus.
Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha.
9 Custodiant præcepta mea, ut non subjaceant peccato, et moriantur in sanctuario, cum polluerint illud. Ego Dominus qui sanctifico eos.
“‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene.
10 Omnis alienigena non comedet de sanctificatis; inquilinus sacerdotis et mercenarius non vescentur ex eis.
“‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya.
11 Quem autem sacerdos emerit, et qui vernaculus domus ejus fuerit, his comedent ex eis.
Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake.
12 Si filia sacerdotis cuilibet ex populo nupta fuerit, de his quæ sanctificata sunt, et de primitiis non vescetur.
Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista.
13 Sin autem vidua, vel repudiata, et absque liberis reversa fuerit ad domum patris sui: sicut puella consueverat, aletur cibis patris sui. Omnis alienigena comedendi ex eis non habet potestatem.
Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku.
14 Qui comederit de sanctificatis per ignorantiam, addet quintam partem cum eo quod comedit, et dabit sacerdoti in sanctuarium.
“‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu chimwe chete muzvishanu pamusoro.
15 Nec contaminabunt sanctificata filiorum Israël, quæ offerunt Domino:
Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha,
16 ne forte sustineant iniquitatem delicti sui, cum sanctificata comederint. Ego Dominus qui sanctifico eos.
nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’”
17 Locutusque est Dominus ad Moysen, dicens:
Jehovha akati kuna Mozisi,
18 Loquere ad Aaron et filios ejus, et ad omnes filios Israël, dicesque ad eos: Homo de domo Israël, et de advenis qui habitant apud vos, qui obtulerit oblationem suam, vel vota solvens, vel sponte offerens, quidquid illud obtulerit in holocaustum Domini,
“Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo,
19 ut offeratur per vos, masculus immaculatus erit ex bobus, et ovibus, et ex capris:
munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
20 si maculam habuerit, non offeretis, neque erit acceptabile.
Musauya nechinhu chipi zvacho chakaremara nokuti hachizogamuchirwi panzvimbo yenyu.
21 Homo qui obtulerit victimam pacificorum Domino, vel vota solvens, vel sponte offerens, tam de bobus quam de ovibus, immaculatum offeret ut acceptabile sit: omnis macula non erit in eo.
Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe.
22 Si cæcum fuerit, si fractum, si cicatricem habens, si papulas, aut scabiem, aut impetiginem: non offeretis ea Domino, nec adolebitis ex eis super altare Domini.
Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
23 Bovem et ovem, aure et cauda amputatis, voluntarie offerre potes, votum autem ex eis solvi non potest.
Munogona kupa zvakadaro sechipo chokungopawo, nzombe kana gwai rakaremera kana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupikisa, asi hazvigamuchirwi pakuzadzisa mhiko.
24 Omne animal, quod vel contritis, vel tusis, vel sectis ablatisque testiculis est, non offeretis Domino, et in terra vestra hoc omnino ne faciatis.
Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu.
25 De manu alienigenæ non offeretis panes Deo vestro, et quidquid aliud dare voluerit, quia corrupta, et maculata sunt omnia: non suscipietis ea.
Uye hamufaniri kugamuchira mhuka dzakadai kubva mumaoko omutorwa muchizodzipa sechokudya chaMwari wenyu. Hadzizogamuchirwi panzvimbo yenyu nokuti dzakaremara uye hadzina kukwana.’”
26 Locutusque est Dominus ad Moysen, dicens:
Jehovha akati kuna Mozisi,
27 Bos, ovis et capra, cum genita fuerint, septem diebus erunt sub ubere matris suæ: die autem octavo, et deinceps, offerri poterunt Domino.
“Mhuru, kana gwai, kana mbudzi ikaberekwa, inofanira kugara namai vayo kwamazuva manomwe. Kubva pazuva rorusere zvichienda mberi, ichagamuchirwa sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
28 Sive illa bos, sive ovis, non immolabuntur una die cum fœtibus suis.
Musauraya mombe nomwana wayo kana gwai nomwana waro musi mumwe chete.
29 Si immolaveritis hostiam pro gratiarum actione Domino, ut possit esse placabilis,
“Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, chibayirei nenzira inoita kuti chigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
30 eodem die comedetis eam: non remanebit quidquam in mane alterius diei. Ego Dominus.
Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha.
31 Custodite mandata mea, et facite ea. Ego Dominus.
“Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha.
32 Ne polluatis nomen meum sanctum, ut sanctificer in medio filiorum Israël. Ego Dominus qui sanctifico vos,
Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene
33 et eduxi de terra Ægypti, ut essem vobis in Deum. Ego Dominus.
uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.”

< Leviticus 22 >