< Leviticus 15 >

1 Locutusque est Dominus ad Moysen et Aaron, dicens:
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 Loquimini filiis Israël, et dicite eis: Vir, qui patitur fluxum seminis, immundus erit.
“Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume upi zvake ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, uye achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku.
3 Et tunc judicabitur huic vitio subjacere, cum per singula momenta adhæserit carni ejus, atque concreverit fœdus humor.
Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena.
4 Omne stratum, in quo dormierit, immundum erit, et ubicumque sederit.
“‘Mubhedha upi zvawo unorarwa nomurume anobuda zvinoerera mumuviri wake uchava usina kuchena, uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.
5 Si quis hominum tetigerit lectum ejus, lavabit vestimenta sua, et ipse lotus aqua, immundus erit usque ad vesperum.
Ani naani anobata mubhedha wake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
6 Si sederit ubi ille sederat, et ipse lavabit vestimenta sua: et lotus aqua, immundus erit usque ad vesperum.
Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
7 Qui tetigerit carnem ejus, lavabit vestimenta sua: et ipse lotus aqua, immundus erit usque ad vesperum.
“‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
8 Si salivam hujuscemodi homo jecerit super eum qui mundus est, lavabit vestimenta sua: et lotus aqua, immundus erit usque ad vesperum.
“‘Kana murume ane zvinoerera akasvipira mumwe munhu akachena, munhu iyeye anofanira kushambidza nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
9 Sagma, super quo sederit, immundum erit:
“‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena,
10 et quidquid sub eo fuerit, qui fluxum seminis patitur, pollutum erit usque ad vesperum. Qui portaverit horum aliquid, lavabit vestimenta sua: et ipse lotus aqua, immundus erit usque ad vesperum.
uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
11 Omnis, quem tetigerit qui talis est, non lotis ante manibus, lavabit vestimenta sua, et lotus aqua, immundus erit usque ad vesperum.
“‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
12 Vas fictile quod tetigerit confringetur: vas autem ligneum lavabitur aqua.
“‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura.
13 Si sanatus fuerit qui hujuscemodi sustinet passionem, numerabit septem dies post emundationem sui, et lotis vestibus et toto corpore in aquis viventibus, erit mundus.
“‘Kana murume acheneswa kubva pakuerera kwake, anofanira kuverenga mazuva manomwe okucheneswa kwake; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura yakachena, uye achava akachena.
14 Die autem octavo sumet duos turtures, aut duos pullos columbæ, et veniet in conspectum Domini ad ostium tabernaculi testimonii, dabitque eos sacerdoti:
Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana agodzipa kumuprista.
15 qui faciet unum pro peccato et alterum in holocaustum: rogabitque pro eo coram Domino, ut emundetur a fluxi seminis sui.
Muprista anofanira kudzibayira, imwe sechipiriso chechivi uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwokuerera kwake.
16 Vir de quo egreditur semen coitus, lavabit aqua omne corpus suum: et immundus erit usque ad vesperum.
“‘Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushamba muviri wake wose nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
17 Vestem et pellem, quam habuerit, lavabit aqua, et immunda erit usque ad vesperum.
Chipfeko chipi zvacho chake kana dehwe rine mbeu pariri rinofanira kusukwa nemvura uye richava risina kuchena kusvikira manheru.
18 Mulier, cum qua coierit, lavabitur aqua, et immunda erit usque ad vesperum.
Kana murume akavata nomukadzi uye akabuda mbeu, vaviri ava vanofanira kushamba nemvura uye vachava vasina kuchena kusvikira manheru.
19 Mulier, quæ redeunte mense patitur fluxum sanguinis, septem diebus separabitur.
“‘Kana mukadzi ari kumwedzi, kusachena kwokuenda kumwedzi kwake kuchapera mushure mamazuva manomwe, uye ani naani achamubata achava asina kuchena kusvikira manheru.
20 Omnis qui tetigerit eam, immundus erit usque ad vesperum:
“‘Chinhu chose chaachavata pachiri achiri kutevera chichava chisina kuchena uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.
21 et in quo dormierit vel sederit diebus separationis suæ, polluetur.
Ani naani achabata paanovata anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
22 Qui tetigerit lectum ejus, lavabit vestimenta sua: et ipse lotus aqua, immundus erit usque ad vesperum.
Ani naani achabata chinhu chaachagara anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
23 Omne vas, super quo illa sederit, quisquis attigerit, lavabit vestimenta sua: et ipse lotus aqua, pollutus erit usque ad vesperum.
Mubhedha kana chimwe chinhu chaanga akagara, kana munhu upi noupi akachibata achava asina kuchena kusvikira manheru.
24 Si coierit cum ea vir tempore sanguinis menstrualis, immundus erit septem diebus: et omne stratum, in quo dormierit, polluetur.
“‘Kana murume akavata naye uye kuerera kwake kwomwedzi kukasangana naye, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, kunyange mubhedha waanovata pauri uchava usina kuchena.
25 Mulier, quæ patitur multis diebus fluxum sanguinis non in tempore menstruali, vel quæ post menstruum sanguinem fluere non cessat, quamdiu subjacet huic passioni, immunda erit quasi sit in tempore menstruo.
“‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi, kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi.
26 Omne stratum, in quo dormierit, et vas in quo sederit, pollutum erit.
Mubhedha upi zvawo waachavata pauri panguva yaanenge achiri kubuda ropa, uchava usina kuchena somubhedha wapakuva kwake kumwedzi, chose chaachagara chichava chisina kuchena sapanguva yokuva kwake kumwedzi.
27 Quicumque tetigerit ea, lavabit vestimenta sua: et ipse lotus aqua, immundus erit usque ad vesperam.
Ani naani achazvibata achava asina kuchena; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
28 Si steterit sanguis, et fluere cessaverit, numerabit septem dies purificationis suæ:
“‘Kana achinge acheneswa kubva pakuerera kwake anofanira kuverenga mazuva manomwe, mushure maizvozvo achava akachena.
29 et die octavo offeret pro se sacerdoti duos turtures, aut duos pullos columbarum, ad ostium tabernaculi testimonii:
Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki agouya nadzo kumuprista pamusuo weTende Rokusangana.
30 qui unum faciet pro peccato, et alterum in holocaustum, rogabitque pro ea coram Domino, et pro fluxu immunditiæ ejus.
Muprista anofanira kubayira imwe sechipiriso chechivi, uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake kwokubuda ropa.
31 Docebitis ergo filios Israël ut caveant immunditiam, et non moriantur in sordibus suis, cum polluerint tabernaculum meum quod est inter eos.
“‘Munofanira kutsaura vaIsraeri kubva pazvinhu zvose zvinoita kuti vave vasina kuchena, kuitira kuti vasafa mukusachena kwavo nokuda kwokuti vasvibisa nzvimbo yandinogara, iri pakati penyu.’”
32 Ista est lex ejus, qui patitur fluxum seminis, et qui polluitur coitu,
Iyi ndiyo mirayiro yomurume anenge ane zvinoerera, youpi noupi anenge asvibiswa nokubuda kwezvinoerera,
33 et quæ menstruis temporibus separatur, vel quæ jugi fluit sanguine, et hominis qui dormierit cum ea.
yomukadzi anenge ari kumwedzi, yomurume kana mukadzi anenge ane zvinoerera, uye neyomurume anovata nomukadzi anenge asina kuchena.

< Leviticus 15 >