< Deuteronomii 23 >

1 Non intravit eunuchus, attritis vel amputatis testiculis et abscisso veretro, ecclesiam Domini.
Hapana murume akakuvadzwa manhu ake kana kubviswa nhengo yake achapinda paungano yaJehovha.
2 Non ingredietur mamzer, hoc est, de scorto natus, in ecclesiam Domini, usque ad decimam generationem.
Hapana munhu akaberekwa noupombwe, kana vana vake, anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kuchizvarwa chegumi.
3 Ammonites et Moabites etiam post decimam generationem non intrabunt ecclesiam Domini in æternum:
Hapana muAmoni kana muMoabhu, kana munhu upi worudzi rwake anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kuchizvarwa chegumi.
4 quia noluerunt vobis occurrere cum pane et aqua in via quando egressi estis de Ægypto: et quia conduxerunt contra te Balaam filium Beor de Mesopotamia Syriæ, ut malediceret tibi:
Nokuti havana kuuya kuzokuchingamidzai nechingwa nemvura parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti, uye vakaripa Bharamu mwanakomana waBheori wePetori muAramu Naharaimu kuti akutukei.
5 et noluit Dominus Deus tuus audire Balaam, vertitque maledictionem ejus in benedictionem tuam, eo quod diligeret te.
Asi, Jehovha Mwari wenyu haana kuteerera Bharamu asi akashandura kutuka akakuropafadzai, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokudai.
6 Non facies cum eis pacem, nec quæras eis bona cunctis diebus vitæ tuæ in sempiternum.
Usatsvaka rugare kana ushamwari navo mazuva ose oupenyu hwako!
7 Non abominaberis Idumæum, quia frater tuus est: nec Ægyptium, quia advena fuisti in terra ejus.
Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake.
8 Qui nati fuerint ex eis, tertia generatione intrabunt in ecclesiam Domini.
Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha.
9 Quando egressus fueris adversus hostes tuos in pugnam, custodies te ab omni re mala.
Kana muchinge maungana kuti murwe navavengi venyu, zvichengetedzei kubva pazvinhu zvose zvakaipa.
10 Si fuerit inter vos homo, qui nocturno pollutus sit somnio, egredietur extra castra,
Kana mumwe wavarume venyu asina kuchena nokuda kwokuti akazvirotera usiku, anofanira kubuda kunze kwomusasa agareko.
11 et non revertetur, priusquam ad vesperam lavetur aqua: et post solis occasum regredietur in castra.
Asi kana ava madekwana anofanira kuzvigeza, uye pakuvira kwezuva ngaapinde zvake mumusasa.
12 Habebis locum extra castra, ad quem egrediaris ad requisita naturæ,
Munofanira kuva nenzvimbo kunze kwomusasa kwamunofanira kuenda muchinozvibatsira.
13 gerens paxillum in balteo: cumque sederis, fodies per circuitum, et egesta humo operies
Sezvo panhumbi dzenyu dzokurwa nadzo paine zvokucheresa, zvino kana uchinge wapedza kuzvibatsira, unofanira kufushira gomba rawazvibatsira.
14 quo revelatus es: Dominus enim Deus tuus ambulat in medio castrorum, ut eruat te, et tradat tibi inimicos tuos: et sint castra tua sancta, et nihil in eis appareat fœditatis, ne derelinquat te.
Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba-famba pamusasa wenyu achikuchengetedzai nokukurwirai kubva kuvavengi venyu. Musasa wenyu unofanira kuva mutsvene, kuitira kuti arege kuona zvisakarurama pakati penyu uye akazokufuratirai.
15 Non trades servum domino suo, qui ad te confugerit.
Kana muranda atizira kwauri, usamudzosera kuna tenzi wake.
16 Habitabit tecum in loco, qui ei placuerit, et in una urbium tuarum requiescet: ne contristes eum.
Murege agare pakati penyu paanoda hake uye muguta ripi raachasarudza. Usamumanikidza.
17 Non erit meretrix de filiabus Israël, nec scortator de filiis Israël.
Hakuna muIsraeri, murume kana mukadzi achava mhombwe.
18 Non offeres mercedem prostibuli, nec pretium canis in domo Domini Dei tui, quidquid illud est quod voveris: quia abominatio est utrumque apud Dominum Deum tuum.
Hamufaniri kuuya nomubayiro wechifeve kana wemhombwe mumba maJehovha Mwari wenyu kuti mupike nawo. Nokuti zvose izvi zviri zviviri zvinonyangadza Jehovha Mwari wenyu.
19 Non fœnerabis fratri tuo ad usuram pecuniam, nec fruges, nec quamlibet aliam rem:
Usaripisa hama yako mhindu, ingava yemari kana zvokudya kana chinhu chipi zvacho chaungawane mhindu kubva pachiri.
20 sed alieno. Fratri autem tuo absque usura id quo indiget, commodabis: ut benedicat tibi Dominus Deus tuus in omni opere tuo in terra, ad quam ingredieris possidendam.
Ungaripisa zvako mutorwa mhindu, asi kwete hama yako muIsraeri, kuitira kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pane zvose zvaungabate noruoko rwako munyika yauri kupinda kuti ive yenyu.
21 Cum votum voveris Domino Deo tuo, non tardabis reddere: quia requiret illud Dominus Deus tuus, et si moratus fueris, reputabitur tibi in peccatum.
Kana ukaita mhiko pamberi paJehovha Mwari wako, usanonoka kuiripa, nokuti Jehovha Mwari wako zvirokwazvo achaibvunza kwauri uye uchava nemhosva yechivi.
22 Si nolueris polliceri, absque peccato eris.
Asi kana ukarega kuita mhiko, haungavi nemhosva.
23 Quod autem semel egressum est de labiis tuis, observabis, et facies sicut promisisti Domino Deo tuo, et propria voluntate et ore tuo locutus es.
Uchenjerere kuti uite zvose zvaunotaura nomuromo wako, nokuti wakaita mhiko nokuda kwako kuna Jehovha Mwari wako nomuromo wako.
24 Ingressus vineam proximi tui, comede uvas, quantum tibi placuerit: foras autem ne efferas tecum.
Kana ukapinda mumunda womuzambiringa womuvakidzani wako, ungadya mazambiringa ose aunoda asi haufaniri kuisa mamwe mudengu rako.
25 Si intraveris in segetem amici tui, franges spicas, et manu conteres: falce autem non metes.
Kana ukapinda mumunda wezviyo womuvakidzani wako, ungavhuna hako hura noruoko rwako, asi haufaniri kucheka zviyo zvake nejeko.

< Deuteronomii 23 >