< Ii Paralipomenon 8 >

1 Expletis autem viginti annis postquam ædificavit Salomon domum Domini et domum suam,
Kwapera makore makumi maviri, munguva iyo Soromoni akavaka temberi yaJehovha nomuzinda wake,
2 civitates quas dederat Hiram Salomoni, ædificavit, et habitare ibi fecit filios Israël.
Soromoni akavaka patsva misha yaakanga apiwa naHiramu, akagarisa vaIsraeri mairi.
3 Abiit quoque in Emath Suba, et obtinuit eam.
Ipapo Soromoni akaenda kuHamati Zobha, akandorikunda.
4 Et ædificavit Palmyram in deserto, et alias civitates munitissimas ædificavit in Emath.
Akavaka Tadhimori murenje namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati.
5 Exstruxitque Bethoron superiorem, et Bethoron inferiorem, civitates muratas habentes portas et vectes et seras:
Akavaka patsva Bheti Horoni Yokumusoro neBheti Horoni Yezasi samaguta akakomberedzwa namasvingo namasuo namazariro,
6 Balaath etiam et omnes urbes firmissimas quæ fuerunt Salomonis, cunctasque urbes quadrigarum, et urbes equitum. Omnia quæcumque voluit Salomon atque disposuit, ædificavit in Jerusalem, et in Libano, et in universa terra potestatis suæ.
pamwe chete neBhaarati namaguta ake okuchengetera ose namaguta ose engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.
7 Omnem populum qui derelictus fuerat de Hethæis, et Amorrhæis, et Pherezæis, et Hevæis, et Jebusæis, qui non erant de stirpe Israël,
Vanhu vose vakasara kubva kuvaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri)
8 de filiis eorum, et de posteris, quos non interfecerant filii Israël, subjugavit Salomon in tributarios, usque in diem hanc.
zvichireva kuti vana vavo vakasara munyika, avo vasina kuparadzwa navaIsraeri, ava Soromoni akavatora kuti vave vashandi vake vechibharo sezvazviri nanhasi.
9 Porro de filiis Israël non posuit ut servirent operibus regis: ipsi enim erant viri bellatores, et duces primi, et principes quadrigarum et equitum ejus.
Asi Soromoni haana kuita vaIsraeri nhapwa kuti vamuitire basa rake; vaiva varwi vake, vatungamiri vavakuru vamapoka, uye vatungamiri vengoro navachairi vengoro.
10 Omnes autem principes exercitus regis Salomonis fuerunt ducenti quinquaginta, qui erudiebant populum.
Vaivazve vakuru vavabati vamambo Soromoni, vakuru mazana maviri namakumi mashanu vaitungamirira vanhu.
11 Filiam vero Pharaonis transtulit de civitate David in domum quam ædificaverat ei. Dixit enim rex: Non habitabit uxor mea in domo David regis Israël, eo quod sanctificata sit: quia ingressa est in eam arca Domini.
Soromoni akauyisa mwanasikana waFaro kubva kuGuta raDhavhidhi akamuisa mumuzinda waakanga amuvakira nokuti akati, “Mudzimai wangu haafaniri kugara mumuzinda waDhavhidhi mambo waIsraeri nokuti nzvimbo dzose dzakambopinzwa areka yaJehovha itsvene.”
12 Tunc obtulit Salomon holocausta Domino super altare Domini, quod exstruxerat ante porticum,
Paaritari yaJehovha yaakanga avaka pamberi pebiravira, Soromoni akapisira zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha,
13 ut per singulos dies offerretur in eo juxta præceptum Moysi in sabbatis et in calendis, et in festis diebus, ter per annum, id est, in solemnitate azymorum, et in solemnitatem hebdomadarum, et in solemnitate tabernaculorum.
maererano nezvaidikanwa zuva nezuva pazvipiriso sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa naMozisi pamaSabata, Kugara kwoMwedzi weChingwa Chisina Mbiriso, Mutambo waMavhiki noMutambo waMatumba.
14 Et constituit juxta dispositionem David patris sui officia sacerdotum in ministeriis suis, et Levitas in ordine suo, ut laudarent et ministrarent coram sacerdotibus juxta ritum uniuscujusque diei, et janitores in divisionibus suis per portam et portam: sic enim præceperat David homo Dei.
Maererano nomutemo wababa wake Dhavhidhi, akapa mapoka avaprista mabasa avo uye vaRevhi kuti vatungamirire kurumbidza uye kuti vabatsire vaprista sezvaidikanwa zuva nezuva. Akapazve mabasa akasiyana-siyana, nokuti izvi ndizvo zvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.
15 Nec prætergressi sunt de mandatis regis tam sacerdotes quam Levitæ, ex omnibus quæ præceperat, et in custodiis thesaurorum.
Havana kutsauka kubva pakurayira kwamambo kuvaprista kana kuvaRevhi munyaya ipi neipi kusanganisira yenzvimbo dzokuchengetera upfumi.
16 Omnes impensas præparatas habuit Salomon ex eo die quo fundavit domum Domini usque in diem quo perfecit eam.
Basa rose raSoromoni rakaitwa kubva pazuva rokuvakwa kwenheyo dzetemberi yaJehovha kusvikira pakupedziswa kwayo. Saka temberi yaJehovha yakapera kuvakwa.
17 Tunc abiit Salomon in Asiongaber, et in Ailath ad oram maris Rubri, quæ est in terra Edom.
Ipapo Soromoni akaenda kuEzioni Gebheri neErati pamahombekombe egungwa munyika yeEdhomu.
18 Misit autem ei Hiram per manus servorum suorum naves, et nautas gnaros maris, et abierunt cum servis Salomonis in Ophir, tuleruntque inde quadringenta quinquaginta talenta auri, et attulerunt ad regem Salomonem.
Uye Hiramu akatumira zvikepe zvake zvakatungamirirwa namachinda ake varume vaiziva gungwa. Ava navanhu vaSoromoni, vakaenda nezvikepe kuOfiri uye vakandouya namatarenda mazana mana namakumi mashanu egoridhe, vakaapa kuna Mambo Soromoni.

< Ii Paralipomenon 8 >