< پەیدابوون 46 >

ئیتر ئیسرائیل بە هەرچییەکەوە کە هەیبوو کۆچی کرد، هاتە بیری شابەع و قوربانی بۆ خودای ئیسحاقی باوکی سەربڕی. 1
Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.
خودا بە شەو لە بینینێکدا بە ئیسرائیلی فەرموو: «یاقوب! یاقوب!» ئەویش گوتی: «ئەوەتام.» 2
Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.”
فەرمووی: «من خودام، خودای باوکتم. مەترسە لە چوونت بۆ میسر، چونکە لەوێ دەتکەمە نەتەوەیەکی مەزن. 3
Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.
من لەگەڵ تۆ دێمە میسر، بێگومان خۆشم دەتگەڕێنمەوە. یوسفیش دەستی خۆی دەنێتە سەر چاوەکانت.» 4
Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.”
ئیتر یاقوب بیری شابەعی بەجێهێشت، کوڕەکانی ئیسرائیلیش یاقوبی باوکیان و منداڵەکانیان و ژنەکانیان هەڵگرت و سواری ئەو عەرەبانانەیان کردن کە فیرعەون بۆ هەڵگرتنی ئەو ناردبووی. 5
Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure.
هەروەها یاقوب و هەموو نەوەکانی، لەگەڵ خۆیان مەڕوماڵاتەکەیان و ئەو کەلوپەلانەی لە خاکی کەنعان دەستیان کەوتبوو، هەڵگرت و هاتنە میسر. 6
Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti.
کوڕ و کوڕەزا و کچ و کچەزاکانی، هەموو نەوەکەی لەگەڵ خۆی هێنایە میسر. 7
Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.
ئەمانەش ناوی کوڕەکانی ئیسرائیلن کە هاتنە میسر، واتە یاقوب و نەوەکانی: ڕەئوبێن کوڕە نۆبەرەی یاقوب. 8
Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho.
کوڕەکانی ڕەئوبێن: حەنۆک، پەڵو، حەسرۆن و کەرمی. 9
Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami.
کوڕەکانی شیمۆن: یەموئێل، یامین، ئۆهەد، یاکین و چۆحەر، هەروەها شائوول کە لە ژنێکی کەنعانی بوو. 10
Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani.
کوڕەکانی لێڤی: گێرشۆن، قەهات و مەراری. 11
Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
کوڕەکانی یەهودا: ئێر، ئۆنان، شالەح، پێرێز و زەرەح، بەڵام ئێر و ئۆنان لە خاکی کەنعان مردن. کوڕەکانی پێرێزیش ئەمانە بوون: حەسرۆن و حامول. 12
Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
کوڕەکانی یەساخار: تۆلاع، پوڤە، یاشوڤ و شیمرۆن. 13
Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.
کوڕەکانی زەبولون: سەرەد، ئێلۆن و یەحلئێل. 14
Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.
ئەمانە کوڕەکانی لێئەن کە بۆ یاقوبی بوون لە پەدان ئارام، لەگەڵ دینەی کچیشی. هەموو کوڕ و کچەکانی سی و سێ کەس بوون. 15
Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.
کوڕەکانی گاد: چیفۆن، حەگی، شونی، ئەچبۆن، عێری، ئەرۆدی و ئەرئێلی. 16
Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri.
کوڕەکانی ئاشێر: یمنە، یەشڤە، یەشڤی و بەریعە لەگەڵ سەرەحی خوشکیان. کوڕەکانی بەریعە: حەڤەر و مەلکیێل. 17
Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yakanga iri Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri.
ئەمانەش کوڕەکانی زیلپە بوون کە لابان دابووی بە لێئەی کچی. ئەویش ئەمانەی بۆ یاقوب خستەوە کە شازدە کەس بوون. 18
Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete.
دوو کوڕەکەی ڕاحێلی ژنی یاقوب: یوسف و بنیامین. 19
Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini.
لە خاکی میسریش، مەنەشە و ئەفرایم بۆ یوسف لەدایک بوون لە ئاسنەتی کچی پۆتی‌فەرەعی کاهینی ئۆن. 20
MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni.
کوڕەکانی بنیامین: بەلەع، بەکەر، ئەشبێل، گێرا، نەعمان، ئێحی، ڕۆش، موپیم، حوپیم و ئەرد. 21
Vanakomana vaBhenjamini vaiva: Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi.
ئەمانە کوڕەکانی ڕاحێلن کە بۆ یاقوبی بوون. هەموویان چواردە کەس بوون. 22
Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete.
کوڕەکەی دان: حوشیم. 23
Mwanakomana waDhani aiva: Hushimi.
کوڕەکانی نەفتالی: یەحزئێل، گۆنی، یێچەر و شلێم. 24
Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi.
ئەمانە کوڕەکانی بیلهە بوون کە لابان دابووی بە ڕاحێلی کچی. ئەویش ئەمانەی بۆ یاقوب بوو. هەموویان حەوت کەس بوون. 25
Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete.
هەموو ئەوانەی لەگەڵ یاقوب هاتنە میسر و لە پشتی ئەوەوە دەرچووبوون، جگە لە ژنانی کوڕەکانی، شەست و شەش کەس بوون. 26
Vose vakaenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda.
بە هەردوو کوڕەکەی یوسفەوە کە لە میسر لەدایک ببوون، سەرجەمی کەسانی ماڵی یاقوب کە هاتنە میسر، حەفتا کەس بوون. 27
Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete.
یاقوب یەهودای لەپێش خۆیەوە نارد بۆ لای یوسف هەتا بەرەو گۆشەن ڕێنمایی بکات. ئینجا هاتنە ناوچەی گۆشەن. 28
Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni,
یوسف گالیسکەکەی خۆی بەستەوە و بەرەو گۆشەن هەڵکشا بۆ پێشوازیکردنی ئیسرائیلی باوکی. کە بینی دەستی لە ملی کرد و بۆ ماوەیەک گریا. 29
Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu.
ئیسرائیل بە یوسفی گوت: «ئێستا با بمرم، لەدوای ئەوەی ڕووی تۆم بینی و زانیم هێشتا زیندوویت.» 30
Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.”
ئینجا یوسف بە براکانی و ماڵی باوکی گوت: «دەچم و بە فیرعەون ڕادەگەیەنم، پێی دەڵێم:”براکانم و ماڵی باوکم کە لە خاکی کەنعان بوون، هاتنە لام. 31
Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri.
پیاوەکانیش شوانی مەڕن، چونکە خاوەن ماڵاتن، جا مەڕ و مانگاکانیان و هەرچییان هەیە هێناویانە.“ 32
Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’
ئینجا ئەگەر فیرعەون بانگی کردن و گوتی:”کارتان چییە؟“ 33
Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’
دەڵێن:”خزمەتکارانت خاوەن ماڵاتن، لە منداڵیمانەوە هەتا ئێستا، خۆمان و باوباپیرانمان،“بۆ ئەوەی لە ناوچەی گۆشەن نیشتەجێ ببن، چونکە میسرییەکان قێزیان لە هەموو شوانێکی مەڕ دەبێتەوە.» 34
imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.”

< پەیدابوون 46 >