< حزقیێل 48 >

«ئەمانەش هۆزەکانن، کە بەم شێوە بەپێی ناوەکانیان ڕێکخران: «لەلای سنووری باکوور، یەک بەش بۆ دان دەبێت، بەلای ڕێگای حەتلۆن هەتا دەروازەی حەمات؛ حەچەر عێینان و سنووری باکووری دیمەشق بەلای حەمات بەشێک لە سنووری دان دەبن، لەلای ڕۆژهەڵاتەوە بۆ لای ڕۆژئاوا. 1
“Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo: “kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira.
لەسەر سنووری دان، لەلای ڕۆژهەڵاتەوە بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ ئاشێر بەشێک دەبێت. 2
Asheri achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaDhani kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
لەسەر سنووری ئاشێر، لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ نەفتالی بەشێک دەبێت. 3
Nafutari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaAsheri kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
لەسەر سنووری نەفتالی، لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ مەنەشە بەشێک دەبێت. 4
Manase achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaNafutari kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
لەسەر سنووری مەنەشە، لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ ئەفرایم بەشێک دەبێت. 5
Efuremu achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaManase kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
لەسەر سنووری ئەفرایم لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ ڕەئوبێن بەشێک دەبێت. 6
Rubheni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaEfuremu kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
لەسەر سنووری ڕەئوبێن لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ یەهودا بەشێک دەبێت. 7
Judha achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaRubheni kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
«لەسەر سنووری یەهودا لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا ئەو دیارییە تایبەت دەبێت کە پێشکەشی دەکەن، بیست و پێنج هەزار باڵ بە پانی و درێژییەکەشی وەک یەکێک لە بەشی هۆزەکان لەلای ڕۆژهەڵاتەوە بۆ لای ڕۆژئاوا، پیرۆزگاش لەناوەڕاستی دەبێت. 8
“Kubva pamuganhu wenyika yaJudha zvichibvira kumabvazuva kusvikira kumavirira, uchava mugove wamuchapa sechipo chakatsaurwa. Uchava namakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paupamhi uye kureba kwawo kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira kuchaenzana nomugove worudzi rumwe, nzvimbo tsvene ichava pakati payo.
«ئەو بەشەش کە بۆ یەزدانی تەرخان دەکەن، بیست و پێنج هەزار باڵ درێژی و دە هەزار باڵیش پانی دەبێت. 9
“Mugove wakatsaurwa wamunofanira kupa kuna Jehovha unofanira kureba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu, nezviuru gumi paupamhi.
ئەمە دەبێتە بەشی تەرخانکراوی کاهینەکان: لەلای باکوورەوە بیست و پێنج هەزار باڵ بە درێژی و لەلای ڕۆژئاواشەوە دە هەزار باڵ بە پانی و لای ڕۆژهەڵاتیش دە هەزار باڵ بە پانی و لەلای باشووریش بیست و پێنج هەزار باڵ بە درێژی دەبێت، پیرۆزگای یەزدانیش لەناوەڕاستیدا دەبێت. 10
Uyu ndiwo uchava mugove mutsvene wavaprista. Uchareba makubhiti makumi maviri namashanu ezviuru nechokurutivi rwokumusoro, nezviuru gumi zvamakubhiti paupamhi kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru gumi paupamhi kurutivi rwokumabvazuva nezviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti pakureba kurutivi rwezasi. Pakati payo pachava nenzvimbo tsvene yaJehovha.
ئەم بەشە بۆ کاهینە تەرخانکراوەکان لە نەوەی سادۆق دەبێت، بۆ ئەوانەی ئەرکەکانی منیان بەجێهێنا، ئەوانەی گومڕا نەبوون کاتێک نەوەی ئیسرائیل گومڕا بوون هەروەک چۆن لێڤییەکان گومڕا بوون. 11
Iyi ichava yavaprista vakaitwa vatsvene, ivo vaZadhoki, vakanga vakatendeka pakundishumira uye vasina kutsauka sezvakaitwa navaRevhi panguva yakatsauka vaIsraeri.
ئەمە بۆیان دەبێت بە دیارییەکی تایبەت لە بەشە تەرخانکراوی زەوییەکە، بەشێکی زۆر پیرۆز لەتەنیشت سنووری لێڤییەکان. 12
Ichava chipo chakatsaurwa kwavari kubva pamugove wakatsaurwa wenyika, iwo mugove mutsvene-tsvene, unoganhura nyika yavaRevhi.
«بەشە زەوی لێڤییەکانیش بە تەریبی سنووری زەوی کاهینەکان دەبێت، بیست و پێنج هەزار باڵ بە درێژی و دە هەزاریش بە پانی، هەموو درێژییەکەی بیست و پێنج هەزار باڵ و پانییەکەشی دە هەزار باڵ دەبێت. 13
“VaRevhi vachava nomugove wamakubhiti akareba makumi maviri namashanu ezviuru nezviuru gumi paupamhi, zvichienderana nenyika yavaprista. Kureba kwayo kunofanira kuita makubhiti zviuru gumi.
نە لێی دەفرۆشن و نە دەیگۆڕن و نە یەکەم بەری زەوییەکە بە کەسی دیکە دەدەن، چونکە تەرخانکراوە بۆ یەزدان. 14
Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa chimwe chikamu chayo. Iyi inyika yakanakisisa uye haifaniri kuiswa mumaoko avamwe vanhu, nokuti itsvene kuna Jehovha.
«ئەو زەوییەی ماوەتەوە کە پانییەکەی پێنج هەزار باڵ و درێژییەکەی بیست و پێنج هەزار باڵە بۆ هەموو دانیشتووانی شارەکە دەبێت بۆ نیشتەجێبوون و لەوەڕگا، شارەکەش لەناوەڕاستیدا دەبێت. 15
“Nzvimbo dzakasara, dzina makubhiti zviuru zvishanu paupamhi namakubhiti zviuru makumi maviri namashanu pakureba, dzichashandiswa neguta, sepokugara namafuro. Guta richava pakati pazvo
ئەمەش پێوانەکانییەتی، لای باکوور چوار هەزار و پێنج سەد باڵ و لای باشوور چوار هەزار و پێنج سەد باڵ و لای ڕۆژهەڵات چوار هەزار و پێنج سەد باڵ و لای ڕۆژئاوا چوار هەزار و پێنج سەد باڵ. 16
uye richava nezviyero izvi: kurutivi rwokumusoro makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, kurutivi rwezasi makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, kurutivi rwokumabvazuva, makubhiti zviuru zvina namazana mashanu, uye kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru zvina namazana mashanu.
بۆ شارەکەش لەوەڕگا دەبێت بەرەو باکوور دوو سەد و پەنجا باڵ، بەرەو باشوور دوو سەد و پەنجا، بەرەو ڕۆژهەڵات دوو سەد و پەنجا، بەرەو ڕۆژئاوا دوو سەد و پەنجا باڵ. 17
Nzvimbo yamafuro yeguta ichange ina makubhiti mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumusoro, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwezasi, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumabvazuva, namazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumavirira.
ئەوەی لە درێژییەکە دەمێنێتەوە تەریب بە بەشە تەرخانکراوەکە، دە هەزار باڵ ڕووەو ڕۆژهەڵات و دە هەزار باڵ ڕووەو ڕۆژئاوا، بەروبوومەکەی دەبێت بە خواردن بۆ کرێکارانی شارەکە. 18
Nzvimbo inosara, inoganhurana nenzvimbo yomugove mutsvene ichitevedza kureba kwayo, ichava namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumabvazuva, namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumavirira. Zvibereko zvayo zvichapiwa kuti zvive zvokudya zvavashandi vomuguta.
کرێکارەکانی شارەکەش کە لە زەوییەکە کار دەکەن، لە هەموو هۆزەکانی ئیسرائیل دەبن. 19
Vashandi vanobva muguta vanoirima vachabva kumarudzi ose eIsraeri.
هەموو بەشەکە چوارگۆشەیی دەبێت، ئەندازەی هەر لایەکی بیست و پێنج هەزار باڵە. بەشە تەرخانکراوەکە لەگەڵ موڵکی شارەکە تەرخان دەکەن. 20
Mugove wacho wose uchava wakaenzana kumativi ose, makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kurutivi rumwe norumwe rwamativi ose ari mana. Sechipo chakasarudzika, muchatsaurira parutivi mugove mutsvene, pamwe chete nenzvimbo yeguta.
«ئەوەی دەمێنێتەوە لەم لا و لەو لای بەشە تەرخانکراوەکە و موڵکی شارەکەش بۆ میر دەبێت. سنووری زەوی میرەکە بەرەو ڕۆژهەڵات لە بیست و پێنج هەزار باڵەکەی بەشە تەرخانکراوەکەوە هەتا سنووری ڕۆژهەڵات دەبێت، بەرەو ڕۆژئاواش لە بیست و پێنج هەزار باڵەکەوە هەتا دەریای سپی ناوەڕاست. هەردوو ناوچەکەی تەریب بە بەشی هۆزەکان موڵکی میر دەبن، بەشە تەرخانکراوەکەش لەگەڵ پیرۆزگای پەرستگاکەش لەناوەڕاستیان دەبێت. 21
“Zvinosara kumativi maviri enzvimbo echikamu chitsvene, uye enzvimbo yeguta, zvichava zvomuchinda. Zvichaenda nechokumabvazuva zvichibva pazviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti zvomugove mutsvene kundosvika kumuganhu wokurutivi rwokumabvazuva, uye nokurutivi rwokumavirira kubva pamakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kusvikira kumuganhu wokumavirira. Nzvimbo idzi dziri mbiri dzakaenzana nemigove yamarudzi pakureba dzichava dzomuchinda, uye mugove mutsvene nenzvimbo tsvene yetemberi zvichava pakati pazvo.
ئیتر موڵکی لێڤییەکان و موڵکی شارەکەش لە ناوەڕاستی بەشی میرەکە دەبن. بەشی میرەکە لەنێوان سنووری یەهودا و سنووری بنیامین دەبێت. 22
Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini.
«سەبارەت بە ئەو هۆزانەش کە ماونەتەوە: «لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ بنیامین بەشێک دەبێت: 23
“Kana ari mamwe marudzi asara: “Bhenjamini achava nomugove mumwe chete: Uchabva kurutivi rwokumabvazuva uchindosvika kurutivi rwokumavirira.
لەسەر سنووری بنیامین لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ شیمۆن بەشێک دەبێت. 24
Simeoni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaBhenjamini kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
لەسەر سنووری شیمۆن لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ یەساخار بەشێک دەبێت. 25
Isakari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaSimeoni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
لەسەر سنووری یەساخار لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ زەبولون بەشێک دەبێت. 26
Zebhuruni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaIsakari kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
لەسەر سنووری زەبولون لەلای ڕۆژهەڵات بۆ لای ڕۆژئاوا بۆ گاد بەشێک دەبێت. 27
Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
سنووری گاد لەلای باشوور بەرەو باشوور دەبێت، سنوورەکەش لە تامارەوە بۆ مێرگی مەریبای قادێش، لە دۆڵی میسرەوە هەتا دەریای سپی ناوەڕاست. 28
Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru.
«ئەمە ئەو خاکەیە کە بە میرات بەسەر هۆزەکانی ئیسرائیلدا دابەشی دەکەن و ئەمەش بەشەکانیان دەبێت.» ئەوە فەرمایشتی یەزدانی باڵادەستە. 29
“Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
«ئەمانەش دەروازەی چوونە دەرەوەن بۆ شارەکە: «ئەندازەی لایەکی شارەکە ڕووەو باکوور چوار هەزار و پێنج سەد باڵە، 30
“Aya achava masuo okubuda nawo eguta: “Kutangira kurutivi rwokumusoro, kureba kwacho kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu,
دەروازەکانی شارەکەش بە ناوی هۆزەکانی ئیسرائیلەوە دەبن، سێ دەروازە ڕووەو باکوور، دەروازەی ڕەئوبێن و دەروازەی یەهودا و دەروازەی لێڤی. 31
masuo eguta achatumidzwa mazita amarudzi aIsraeri. Masuo matatu ari kurutivi rwokumusoro achava suo raRubheni, suo raJudha nesuo raRevhi.
لەلای ڕۆژهەڵاتیش کە چوار هەزار و پێنج سەد باڵە، سێ دەروازە دەبێت: دەروازەی یوسف، دەروازەی بنیامین و دەروازەی دان. 32
Kurutivi rwokumabvazuva, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raJosefa, suo raBhenjamini nesuo raDhani.
لای باشووریش کە چوار هەزار و پێنج سەد باڵە، سێ دەروازە دەبێت: دەروازەی شیمۆن، دەروازەی یەساخار و دەروازەی زەبولون. 33
Kurutivi rwezasi, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raSimeoni, suo raIsakari nesuo raZebhuruni.
لای ڕۆژئاواش کە چوار هەزار و پێنج سەد باڵە، سێ دەروازە دەبێت: دەروازەی گاد، دەروازەی ئاشێر و دەروازەی نەفتالی. 34
Kurutivi rwokumavirira, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raGadhi, suo raAsheri nesuo raNafutari.
«چێوەکەش هەژدە هەزار باڵ دەبێت. «ناوی شارەکەش لەو ڕۆژەوە دەبێتە: یەزدان لەوێیە.» 35
“Kutenderera nzvimbo yacho kuchaita nhambwe zviuru gumi nezvisere. “Uye zita reguta kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi richanzi: Jehovha aripo.”

< حزقیێل 48 >