< Insinulo 21 >

1 Linu chinabona iwulu ihya ni nikanda inhya, mukuti iwulu lyetanzi ni inkanda lyetanzi zibamani, imi kana kubasina iwate.
Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa.
2 Chinabona muleneñi, Jerusalema muhya, kuti chilizwa mukati kewulu kuzwa kwe Ireeza, yolibakanya sina museswa yolilotuseza muhyabwe.
Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka.
3 Nibazuwi inzwi inkando lizwa hachihuna licho, “Bone! Chibaka chabwikalo bwa Ireeza chinakubantu, imi mwahale nabo. Kababe bantu bakwe, imi Ireeza iyemwine kabenabo imi kabe Ireeza wabo.
Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo.
4 Kasinde zisonzi zonse mumenso abo, imi kese nikube nifu, kapa kubilayela, kapa kulila, kapa kuchiswa. Zintu zakale zibahiti.
Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”
5 Yabakele hachihuna chati, “Bone! Nipanga zintu zonse buhya,” Nati, “Ñole izi hansi kakuli aa manzwi asakusima ni buniti.”
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”
6 Chati kwangu, “Izi zintu chizamana! Njime wetanzi ni wamamani mani, wa matanginzo ni wa mamaninizo. Yofwile innyotwa kanimuhe chakunywa nikusena chaliha kuzwa muchisima chamenzi abuhalo.
Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu.
7 Yetanazunde kayole izi zintu, imi Kanibe Ireeza wakwe, imi kabe mwan'a ngu.
Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu.
8 Kono kumapyeha, betumelo inini, basenahabekele, behayi, basangu, balozi bachikwame, balapela maswaniso, imi nimasawana bonse, chibaka chabo kachibe chiziba chamulilo umbukuka wo bumbe. Njokuti njefu lyabubeli.” (Limnē Pyr g3041 g4442)
Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” (Limnē Pyr g3041 g4442)
9 Limwi kumañiloi atenda iyanza in obele chilyeza kwangu, limwi libakukwete tuhambwe twizwile inziyezi zikwana iyanza nitobele, imi chati, “Wize kunu. Munikutondeze museswa, mwihyabwe we Mbelele.”
Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”
10 Linu chanitwala Muluhuho helundu inkando liwumbukite imi nikunitondeza muleneñi uchenete wa Jerusalema niukazwa kwiwulu kwe Ireeza kwiza hansi.
Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari.
11 Jerusalema ibene ikanya ya Ireeza, imi iseli lyateni libenya sina ibwe lyabutokwa, sina ibwe lyajaspe libelela sina kristal.
Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro.
12 Ubikitwe mulukwakwa lukando lule kwina milyango ikwana ikumi ni yobele, ni mañiloi akwana ikumi niwobele. Imi hamilwango habañoletwe mazina abana ba Isilaele akwana ikumi ni wobele.
Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri.
Kumabvazuva kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumavirira.
14 Imota lya muleneñi libena mitomo, ina ikumi ni milyango yobele, imi kwili kubena mazina ene ikumi ni obele abalutwana bena ikumi ni bobele be Imbelele.
Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.
15 Yabawambi name abena inkoli yakupimisa ibatendwa chegauda kupimisa Muleneñi, milyango ni mamota ateni.
Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro.
16 Muleneñi ubazalitwa chenkona zone; bule bwateni bubali kulikanelela ni mubufuhi bwateni, Abapimi muleneñi chenkoli yakupimisa, zikiti zina ikumi ni zobele mubule (bule bwao, zibalikuswana).
Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro.
17 Abapimi bulyo ni mota lyateni, bukima bwamakiyibbu ena 144 chamupimino wabuntu (Ili ichita chipimo cheñiloi hape).
Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namana nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa.
18 Imota libazakwa chajaspe ni muleneñi chegauda ineine, ni gilasi ibelela.
Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi.
19 Mitomo yamamota abakabiswe chamabwe amifuta yonse. Chetanzi ibali jaspa, chabubeli ibali safiro, chabutatu ibali kalesedo, chabune ibali emeralda,
Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi;
20 Chikwana iyanza ibali sardlusi, chikwana iyanza ni chimwina ibali sardiyo, chikwana iyanza ni zobele ibali krisolito, chikwana iyanza ni zotatwe ibali berilo, chikwana iyanza ni zone ibali topazo, chikwana ikumi ibali krizoprazo, chikwana ikumi ni chimwina ibali jasinto, mi chikwana ikumi ni zobele ibali ametisto.
yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yekrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti.
21 Ziyazo zamilyango zibena ikumi ni zobele zibali zalipelela; umwi ni umwi wamilyango ubapangiwa hepelela yonke. Mikwakwa yamuleneñi ibali yagauda yineyine, sina igilazi ibelela.
Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.
22 Kananibaboni itempele mumuleneñi, chokuti Simwine Ireeza wina Maata Wonse ni Mbelele bekele mwitempele.
Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.
23 Muleneñi kakubena intokwahalo yezuba kapa mwezi ili kutu kubenye mukuti ikanyaye Ireeza ibamuniki hateni, mi ilambi lyate imbelele.
Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.
24 Mishobo kayiwambe cheli iseli lyowuna muleneñi. Malena bahansi kabalete chifumu chabo muwuli. Mushobo wete upuluswe kawuwambe cheseli lyowuna muleneñi.
Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro.
25 Minyango yateni keti niyiyale mukati kezuba, mi ketenikube masiku kwateni.
Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazova nousiku ikoko.
26 Kabalete mwateni chifumu chabo ni tompo yakumisho yabo,
Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri.
27 mikakwina chisajololi cheti nichinjile mwateni. Kapa zumwi ni zumwi yotenda chintu chonse chiswabisa kapa chichenga yeti nenjile, kono haisi abo bamazina añoletwe muMbuka ye Mbelele ya Buhalo.
Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

< Insinulo 21 >