< Mateu 18 >
1 Mwinako iswana. Jesu “abawambi kubaluti bakwe njeni mukando mwiulu.”
Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?”
2 Jesu casumpa muhwire nikumubika mukati kabo,
Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo.
3 “ikumbya ni wamba kwenu Konji hosanduka niku swana sina bahwile banini, kakwina mowolela kwi njirira mumubuso wa kwi ulu.
Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.
4 Cwale muntu uliboza mwi konde Sina Muhwile Munini, muntu yoswana nji mukando mumubuso wa kwiulu.
Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.
5 Yense yotambula muhwire munini mwi zina lyangu watambula ime.
“Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.
6 Yense yoletisa kuti aba bahwire bachite bubi, kwina butuka kuti asuminwe ibwe ikando mwinsingo, nikumusohela mubuliba bwe wate.
Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika.
7 Bumai kwinkanda kakuli inako celi za kucuncula! Ka kuli kwina butokwa kuti izo inako zikeza! Kono bumai kacozo muntu izi inako kazize cakwe!
“Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike.
8 Haiba iiyanza lyako kapa itende lyako likuletela kuwa, likosole kwateni ni kulisohela kule nawe. Kwina butuka kwako kwi njila mubuso wakwilu ni uli cihole kwanda kuuti usohelwe mumulilo usazimi ni wina onse mayanza ni matende. (aiōnios )
Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. (aiōnios )
9 Haiba linso lyako likuleteza kufosai, lizwise mo ulisohele kule nawe. Kushiyeme kwako kwi njila mubuso wakwilu nilinso lyonke kuzamba kusohelwa mulyangalilo niwina menso obele. (Geenna )
Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. (Geenna )
10 Ubone kuti kanzi unyansilizi zumwi waba bahwile. Nimiwambila kuti mwiwulu mangeloi abo inako yonse a lolete habusu bubaTayo bena kwiwulu.
“Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga.
11 Kakuti mwana muntu a vakezi kukuhaza cizovete.
Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika.
12 Muhupula nzi? Muntu wina imbelele zicita mwanda, cikwazoba hateni yonke, ketico siya zimwi zicita makumi acita iyanza ni zone zibaka zama luundu ni kukagana imwiina yazoba?
“Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here?
13 mi haiwana, ikumbya ni miwambila, kasangalala cayo kuhita izo zina makumi a cita iyanza ni toone ni yanza ni toone zisana za zooba.
Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.
14 Mwinzila iswana kahena kusuna kwe Tayo wina kwiwulu kuti imwina kazenini i zenengehe.
Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.
15 Haiba mukwako wakufosekeza, yende, mu tondeze mulandu wakwe mukati kaako naye. Haiba naa kutekeleza ciwa muwola mwaako.
“Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako.
16 Kono haiba nasateeki kwako, uhinde ipaki imwina kapa zobele zimwi, njo kuti tuholo twabantu bobeele nandi botaatwe kuba ipaki lenzwi ni inzwi.
Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’
17 Linu haiba na kaana kutekeleza kubali, wambe i ndaba Kwi nkeleke. Haiba naakana kuzuwa kwi nkeleke, muhinde sina mulicaba ni mutelisi.
Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.
18 Chabusakusima ni kuwambila, chonse chintu chisuminwe hansi ni kwiwulu chisuminwe. Chonse chisumuninwe hansi ni kwiwulu kachisumununwe.
“Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga.
19 Kwekeza henzo nimiwambila kuti, haiba mububeli bwenu muzuminzene hansi kuamana ni chimwi ni chimwi chonse chimukumbila, chintu ni chintu chibakumbila, kabachitendelwe ne Tayo wina kwiwulu.
“Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa.
20 Mukuti konse kwina bobele kapa botatwe bakopene hamwina mwizina lyangu, ime kanibe mukati kabo.”
Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
21 Linu Pitorosi chabuza Jesu, “Simwine, tongai mwaangu twa wola kuni fosekeza mu kuti nimu swalele? Kwanda twina iyanza nito beele?”
Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?”
22 Jesu na muti, “kaniku wambili twe iyanza ni to beele, kono makumi eyanza ni obeele makumi. hape.
Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.
23 Cheyo inzila ipuso yekwiwulu ibambanywa ni simwine zumwi yaba sake namanise chikoloti ni muhikana kwe.
“Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake.
24 Habati batangise za kushiamisa, muhikana umwina abaletwa kwali yabali kumukolota italenta zichita zikiti zina ikumi.
Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumi akauyiswa kwaari.
25 Kono ibaka lakuti kanabena mwawola kuitabila, mfumwakwe chalaela kuti awuzwe, hamwina ni mwihyabwe ni bahwile ni zonse zabena naze, ibaka le ntifo i tendwe.
Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti.
26 Linu muhikana chawila hansi, ni kukubama habusu bwakwe, mi nati, 'Mfumwangu, munifwile inse, mi kanikulihe zonse.'
“Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’
27 Chobulyo mfumu wamuhikana, kakuli ababi ni nse, abamulukululi nikuswalela chikoloti chakwe.
Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chiya chose, uye akamuregedza achienda zvake.
28 Muhikana uzo na yenda kunze mi naka wana ba mwaakwe, ya bali kumu kolota ikumi lwa mali na mu fwañata. Ni kumu kwatila mumumino, mi nati, 'ni life co kolota.'
“Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’
29 Kono mwaakwe wo mutanga na wila hansi ni kumu kumbila, nati, 'U ni kwatile, mi munikulihe.'
“Muranda uya saiyewo muranda akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’
30 Linu muhikana wa matangizo nakana. Kwanda bulyo, nayenda ni kumusohela mwi ntolongo, kusikila hete namulihe zonse zo kolota.
“Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose.
31 Linu ba mwi batanga haba boona cibatendahali, baba bengi maswe. Nikwiza kuwambila mfumwe ziba chitahali.
Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika.
32 Linu ifumwe wamuhikana na musumpa, namuti, 'iwe mutanga yo fosaheele, ni baku wondeli mulandu wako kakuli ubani kumbili.
“Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru.
33 Kete no babi ni nse nawe kwa mwaako, ubu muni ba ku kwatili nawe?'
Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’
34 Simwine wakwe nabenga mi namuha mu mayanza aba nyandisi kusikila hete namane kuliha zonse za mukolwete.
Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho.
35 Njekuti Tayo wakuwulu naye mwa tende mu kuswana, haiba zumwi ni zumwi wenu kate awasalele mwaakwe mwi nkulo.”
“Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.”