< Johani 1 >

1 Kumatangilo kuvali kwina linzwi, mi linzwi lyivena kwa Ireeza, mi linzwi ivali Ireeza.
Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari.
2 Ichi chiva kwina ku matangilo ni Ireeza.
Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga.
3 Zintu zonse ziva pangwa kwali, mi nikusena iye kakwina nanga chintu chonke chisena chapangwa chiva pangwa
Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa.
4 Mwali kuva kwina vuhalo, mi vuhalo vu vwina mwiseli lya vantu vonse.
Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu.
5 Iseli lyi munika mukwelima, mi mukwelima kena uvakomi iseli.
Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
6 Kuva kwina mukwame yava ku tumitwe kwa Ireeza, uzo izina lyakwe ivali Johani.
Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani.
7 Avakezi cho kuva Impaki kwiza ku paka ze seli, njokuti vonse njete va zumine kakwe.
Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye.
8 Johani kena vali iseli, kono avakezi kuti za pake ze seli.
Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza.
9 Ivali iseli lyeniti, lyiha iseli ku vantu vonse, lyikeza mwi fasi.
Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
10 Avena mwi fasi, mi fasi lyiva pangwa kwali, mi fasi kena lyiva kumwizi.
Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva.
11 Avakezi kuzakwe, mi zakwe kena ziva mutambuli.
Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira.
12 Kono kwavo vangi vava mutambuli, vava zumini mwi zina lyakwe, Avahi inswanelo yo kuva vana ve Ireeza.
Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,
13 Ava kena vava zalwa cha malaha, kapa kentato ye nyama, kapa ke ntato yo muntu, kono ye Ireeza.
vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
14 Mi linzwi chilyeza kuva inyama niku hala mukati ketu. Tuva voni inkanya yakwe, inkanya sina yozo mi iye vulyo yava kuka zwilila kwe Shetu, ye zwile chisemo ni niti.
Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
15 Jahani avapaki kuamana iye niku lilila kwakwe, na wamba, uzu njiyena wa kwavo vani va wambi, 'uzo yo keza mumasule angu u i hitilila, kakuli kwavali kwina ni niseni kuva kwateni ime.'”
Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’”
16 Kuzwa ku kwizula kwakwe tuva tambili chisemo kuzwa chisemo.
Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.
17 Kaho mulao uvahewa kwa Mushe. Chisemo ne niti ziva kezi ka Jesu Kreste.
Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.
18 Kakwina yava voni Ireeza ke nako ni nako. Ireeza yenkefela, yena hembali ni chizuva che Shetu, ava mwizivahazi.
Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.
19 Mi uvu nji vupaki bwa Johani aho majuda hava tumina ma Prisita ni naLivite kwali kuzwa kwa Jerusalema kuka muvuza, “njewe ni?”
Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani.
20 Chentukuluho chawamba, mi kena va sampuli, kono che tava, “kena njime Kreste.”
Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”
21 Cwale chiva muvuza, “Uchinzi cwale? Njewe Eliya?” Cha cho, “kena ime,” Chiva cho, “Umuporofita?” Chetava,” Ne.”
Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?” Iye akati, “Handizi iye.” “Uri muprofita here?” Akapindura akati, “Kwete.”
22 Cwale chiva wamba kwakwe, “njewe ni, njokuti tuwole kukaha inkalavo kwavo vakatutuma? Uwambanzi kuama iwe umwine?”
Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”
23 Chacho, “ni mulumo, ulila mwihalaupa: 'Mupange inzila ya Simwine iwoloke; sina muporofita Isaya mwava teli.”
Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’”
24 Mi avo vavatumwa vavali ma Pharisi.
Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa
25 Chiva, muvuza niku muwambila, “Chinzi hokoloveza cwale heva kena njewe Kreste kapa Eliya kapa muporofita?”
vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?”
26 Mi Johani cha vetava, kuwamba, “nikoloveza cha menzi. Kono mukati kenu kuzimene muntu imusezi;
Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi.
27 iye yani chilila, uzo tukwele twe nsangu kani swaneli kusumununa.”
Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”
28 Izi zintu ziva pangwini Bethani kwi neku lyimwi lya Jordani, uko Johani kwava ka kolovelezwa.
Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.
29 Izuva lyi chilila Johani cha vona Jesu na keza kwali, “Lole, kwina imbelele ya Ireeza izwisa zivi mwi fasi!
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!
30 Uzu njiyena kuni va wambi, 'iye yokeza ku masule angu uni hitilila, kakuli kwavali kwina nini seni kuva kwateni.'
Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’
31 Kena niva kumwizi, kono ivapangali kuti e zivahazwe ku isilaele kuti niva ku koloveza ni menzi.”
Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.”
32 Johani avapaki, kuwamba, “na vona Luho nilushetumuka sina inkuva kwi wulu, mi lyeza kwi kala hewulu lyakwe.
Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake.
33 kena niva mwi zivi, kono iye yava ni tumi kwiza kukoloveza ni menzi wawamba kwangu, 'Kozo yete uvone Luhuho ni lushemukela hali ni kwikala hali, njeye yo koloveza mu Luhuho lu Jolola.'
Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’
34 Niva voni vonse niku paka kuti uzu nji mwana wa Ireeza.”
Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
35 Hape, izuva lyi chilila, sina Johani hava kuzimene ni Varutwana vo vele,
Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri.
36 vava voni Jesu na yenda hembali, mi Johani chawamba, “Lole, Imbela ye Ireeza!”
Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
37 Mi varutwana vakwe vava muzuwi na wamba izi, mi chive chilila Jesu.
Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.
38 Cwale Jesu chava vona niva mwichilile mi chava wambila, “Musakanzi?” Chivetava, “Rabbi (Itoloka muruti), Wikala kwi?”
Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?”
39 Cha wamba kuvali, “mwize ze muvone.” Cwale chiva keza kwiza kuvona kwekala; vave kali naye ilyo izuva, hakuli chivali inako ikwana ikumu.
Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
40 Zumwi kuvali ava zuwi Johani na wamba mi nikwi chilila Jesu ivali nji Andrew, mukulwa Simone Pitolosi.
Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu.
41 Avatangi kuwana mukulwe Simone mi chawamba kwali, “Twawana Messiah” (italusa Kreste).
Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).
42 Ava muleti kwa Jesu. Mi Jesu cha mulola niku wamba, “Njewe Simoni mwana Johani, Kosupwe Cephas” (itoloka Pitolosi).
Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).
43 Izuva lyi chilila, Jesu hava kusaka kuyenda kwa Galilee, cha wana Filipi niku muwambila, “Nichilile.”
Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”
44 Hanu Filipi ava kukazwililekwa Bethsaida, intoropo ya Andrew ni Pitolosi.
Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro,
45 Filipi chawana Natheniel niku wamba kwali, “Iye uzo Mushe ava ñoli mumulao, ni maporofita, chitwa muwana: Jesu mwana a Josefa, kwa Nazereta.”
Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.”
46 Nathaniel chamu wambila, “kwina chintu chilotu chiwola kuzwa kwa Narazeta?” Fiipi chamu wambila, “wize zo vone.”
Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?” Firipi akati, “Uya uone.”
47 Jesu chavona Natheniel nakeza kwali niku wamba zali, “vone, mu isilaele we niti, yasena kuchenga!”
Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”
48 Nathaniel cha mu wambila, “unizini vule?” Jesu chetava niku mu wambila, “Filipi naseni kukusumpa, ni wina munsi ye chikuni cha feige, niva kuvoni.”
Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”
49 Nathaniel che tava, “Rabbi, umwana we Ireeza! umurena wa Isilaele!”
Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.”
50 Jesu che tava niku mu wambila, “kakuli na wamba kwako, 'naku vona munsi ye chikuni cha feige; uzumina? Movone zintu zikando kuhita izi.”
Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.”
51 mi chawamba, “Zeniti, zeniti, ni wamba kwako, Kovone ma wulu ne yalukite, ni ma ñiloyi e Ireeza azwa hansi nikuya kwi wulu hewulu lya Mwana a Muntu.”
Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”

< Johani 1 >