< Mitendo 1 >

1 Imbuka inibañoli kale, Tiofiliusi, ibawambi zonse zabatangi kutenda ni kuluta Jesu,
Mubhuku rangu rokutanga, Teofirasi, ndakanyora pamusoro pezvose zvakatanga kuitwa uye nokudzidziswa naJesu
2 kutwala izuba lyabatambulwa kwiwulu. Ichi chibatendahali hamana kuha itaelo cha Luhuho Lujolola kuba Apositola babaketi.
kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga, shure kwokunge arayira, kubudikidza noMweya Mutsvene, vapostori vaakanga asarudza.
3 Kuzwa hakunyanda kwakwe, abalileti iye mwine nahala kubali ni bupaki buzuweka. Mumazuba achita makumi wone abalibonahazi kubali, mi abawambi ziamana ni mubuso we Ireeza.
Mushure mokutambudzika kwake, akazviratidza kuvarume ava uye akaratidza zviratidzo zvakasimba zvizhinji zvokuti akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari.
4 Habali kulikopanya nabo, ababalaeli kuti kanji bazwi mwa Jerusalema, kono balindile insepiso ye Shetu, cheyo, nati, “Mubazuwi kwangu
Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavarayira achiti, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho.
5 kuti initi Johani abali kukolobeza ni menzi, kono inwe kamukolobezwe muLuhuho luJolola mumazubazana akezite.”
Nokuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi mushure mamazuva mashoma muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.”
6 Munako ibabakungene hamwina babamubuzi, “Simwine, iyi nji nako yeti nolete mubuso kwa Isilaele?”
Saka, vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?”
7 Abawambi kubali, “kahena njikwenu kuti mwizibe inako kapa inkalulo yabatomi Tayo chamaata akwe.
Akati kwavari, “Hazvisi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo.
8 Kono kamutambule inguzu, munako yaLuhuho Lujolola heti nilwize hehulu lyenu, mi kamube impaki zangu monse mwa Jerusalema ni mwa Judeya ni Samaria, ni kutwala kumamanimani ekanda.”
Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”
9 Simwine Jesu hamana kuwamba izi zintu, nibalolete kwilu, abatwalwa kwilu, mi ikope ni lyamuwunguli hamenso abo.
Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.
10 Habachitutubalile kwiwulu nakaya, hahobulyo, bakwame bobele babazimene hembali ni bazwete zituba.
Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari.
11 Nibati, “Inwe mubakwame ba Galileya, chinzi hamuzimene aha ni mulolete kwiwulu? Uzu Jesu wayenda kwiwulu mwakabole munzila iswana sina mumwamubonena nakaya kwiwulu.”
Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.”
12 Kuzwaho nibabola kwa Jerusalema kuzwa kwi Lundu la Olivi, lina hafwihi ni Jerusalema, musipili umana izuba Lesabata.
Ipapo vakadzokera kuJerusarema vachibva kugomo rinonzi reMiorivhi, rwendo rwezuva reSabata uchibva kuguta.
13 Habasika, nibatanta mumuzako wina kwiwulu, kubabali kwikala. Ibali nji Pitolosi, Johani, Jacobo, Andriasi, Filipi, Tomasi, Bartolome, Mateu, Jacobo mwana wa Alufeya, ni Simoni Zeloti, ni Juda mwana wa Jacobo.
Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti: Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi; Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifeasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho.
14 Bonse babakopene kuba chintu chimwina, kuzwila habusu kulapela katata. Babena nabo ibali banakazi, Maria nyina Jesu, ni bache bakwe.
Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake.
15 Mwawo mazuba Pitolosi abazimi mukati kabanakwabo, balikana bantu basika ha 120, mi nati,
Mumazuva iwayo, Petro akasimuka pakati pavatendi (ungano yaida kusvika zana namakumi maviri)
16 Bakwetu, kuyelele kuti chiñoletwe chizuzilizwe, kutalusa kuti Luhuho Lujolola lubawambi itanzi chakaholo ka Davida kuamana ni Judasi, yabaetelele babakasumini Jesu.
akati, “Hama, Rugwaro rwaifanira kuzadziswa rwakataurwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, uyo akabatsira kutungamirira vaya vakasunga Jesu,
17 Mukuti ibali zumwi wetu mi abatambuli inkabelo yakwe yempo yelinu iluko.”
akanga ari mumwe wedu uye akanga ano mugove muushumiri uhu.”
18 (Linu uzu mukwame abawuli luwa chentifo zabawani chabubilala bwakwe, mi haho natangisa kuwisa mutwi, mi mumili wakwe niwañatuka kwiyaluka, mi zamwibumo lyakwe zonse nizalongotoka.
(Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika, ura hwake hukabuda.
19 Bonse babalikuhala mwa Jerusalema babazuwi zateni, chobulyo babasumpi ulo luwa muchishobo chabo “Akeldama,” njikuti, “Luwa lwa Malaha.”)
Munhu wose akanzwa nezvazvo muJerusarema, saka vakatumidza munda uya nomutauro wavo kuti Akeridhama, ndiko kuti, Munda weRopa.)
20 Mukuti kuñoletwe mumbuka ya Lisamu, 'Musiye luwa lwakwe lube lusinyehete, mi kanji musiyi nanga muntu umwina kuhala mo'; 'Muleke zumwi ahinde chitulo chabuyenzi bwakwe.'
Petro akati, “Nokuti kwakanyorwa mubhuku raMapisarema kuti, “‘Musha wake ngauve dongo; ngakurege kuva nomunhu anogaramo,’ uye kuti, “‘Mumwe ngaatore nzvimbo yake youtungamiri.’
21 Chobulyo, kusakahala kuti umwina wa bakwame yabali kuyendanga naswe inako yonse Simwine Jesu habali kuyendanga mukati ketu,
Naizvozvo zvakafanira kuti kusarudzwe mumwe murume akanga anesu nguva yose Ishe Jesu paaipinda nokubuda pakati pedu,
22 kukatangila hakolobezwa kwa Johani kuya kwizuba lyabazwiswa kwetu, utameha kuba impaki hamwina naswe kuamana nikubuka kwakwe kubafu.”
kutanga parubhabhatidzo rwaJohani kusvikira panguva yakabviswa Jesu kwatiri. Nokuti mumwe waava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake, pamwe chete nesu.”
23 Babaleti habusu bakwame bobele, Josefa yosumpwa Barsabasi, yabali kusumpwa hape kuti nji Justusi, ni Matias.
Saka vakasarudza varume vaviri vaiti: Josefa ainzi Bhanabhasi (aizivikanwawo sokunzi Jastasi) naMatiasi.
24 Babalapeli nibati, “Iwe, Simwine, wizi inkulo zabantu bonse, chobulyo wizibahaze kuti njeni mukati kaba bobele yobaketi.
Ipapo vakanyengetera vachiti, “Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose. Tiratidzei pakati pavaviri ava wamasarudza
25 kuhinda chibaka mweli ikolo ni buapositola waba choli Judasi kuya kuchibaka chakwe,”
kuti atore basa iri roupostori, rakasiyiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.”
26 Babalauli; mi idaula zibawili ha Mateu mi ababikwa hepalo yamuapostola wekumi ni wumwina.
Ipapo vakakanda mijenya, uye mujenya ukawira kuna Matiasi; saka akawedzerwa kuvapostori vane gumi nomumwe.

< Mitendo 1 >