< 1 Petorosi 3 >
1 Mweyi zira, inwe muli vafumahali muli tule kunsi yiva mwihyenwanu. Mupange ichi iri kuli, nanga vamwi vakwame kava zuwisisi kuli zwi, cho kuya che mikwa ya vanakazi vavo, mikwa i wola kuva koma nikusena linzwi.
Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa,
2 Chiva vavoni mikwa yenu i zwirire havusu che kute.
pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu.
3 Musiye i kupangiwe insiñi cho mukwa uvoneka kuvena hanze: insuki zi hosetwe, maseka e gaunda, kamba zizwato zo mujoko.
Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka.
4 Kono, musiye zipangiwe cho muntu o mukati we nkulo, mi vulontu vusa mani bwina hande ni kuntontola muluhuho, nili chilotu havusu bwe Ireza.
Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.
5 Chavanakazi va jolola vavali susuwezi mowu mukwa. Vena i sepo mwe Ireza mi vavali tulite kwi konde liva muhyabwavo.
Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo,
6 Mweyi zira Sara avali kuzuwa Aburahama ni kumusupa simwine wakwe. Inwe hanu muvana vakwe haiva ni mupanga zina hande ni kusa tiya i nkozi.
saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.
7 Cho mukwa u swana, inwe vashetu muswanera kuhala ni vafumahali venu cho kuya che kutwisiso, sina che chiviko chi fokola, mwanakazi. Muswanera kuvaha i kute sina vamwi vayoli ve mpo zo vuhalo. Mupange ichi iri kuli itapero zenu kanji zikaninwi.
Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
8 Cha ma manimani, mwense, muswane mumi hupulo, chishemo, kulisaka sina mizwale, inkulo zina hande ni kuli kokoveza.
Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
9 Kanji muvozekezi vuvi cho vuvi kapa itapa che tapa. Cho kusa yenderera, muzwire havusu ku fuyola, vakeñi chezi muva supwa, iri kuti muyole imbuyoti.
Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10 “I ye yosaka vuhalo ni kuvona mazuva malotu u siyisa lulimi lwakwe ku vuvi ni milomo yakwe kuku wamba mapa.
Nokuti, “Uyo anoda upenyu kuti agoona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.
11 Mumu siye a sanduke kuzintu zivi ni kupanga zilotu. Mumusiye a sake inkozo ni kuzwira muili.
Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka; anofanira kutsvaka rugare agorutevera.
12 Menso a Simwine avona va shiyamite, mi matwi akwe a zuwa ziva kumbira. Kono chifateho cha Simwine chi vengere avo va panga vuvi.”
Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo, asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa.”
13 Jeni uzo yasa mi horofaze haiva ni mulakamina zina zilotu?
Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?
14 Kono haiva ni munyanda che vaka lyo kuluka, mufuya ulitwe. Kanji mutiyi ziva tiya. Kanji mu firikani.
Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”
15 Kono, muvikire ha mbali Simwine Keresite mwi nkulo zenu sina yo jolola. Honse mulitukiseze kwi tava vonse vami vuza chinzi hamwina i sepo mwa Ireza. Mupange ichi cha mañenke ni kute.
Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,
16 Muve ni muhupulo mulotu iri kuli vantu va tukola vuhalo bwenu vulotu mwa Keresite vawole kuswava kakuli va wamba cho kumilwisa uvu mane muva pangi vo vuvi.
muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.
17 Kwina hande, haiva Ireza ulakamina, kuti munyanda cho kupanga vulotu kuhita kupanga vuvi.
Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa.
18 Keresite naye ava nyandi hamwina che zivi. Iye yo lukite ava nyandiri iswe, vasina vavali kulukite, iri kuli awole ku tuleta kwe Ireza. Ava vikiwa kwifu mwi nyama, kono ava pangiwa yo hala cho Luhuho.
Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,
19 Cho Luhuho, ava yendi ni kukakutaza kwi huho yina hanu mwi torongo.
nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo
20 Vavali kusa zuwa aho kulindira kwe Ireza kuvali kulindire muma zuva a Nuwe, muma zuva o kuzaka i aleka, mi Ireza a va hazi vantu vache vulyo- ihuho ye yanza ni to tatwe- cha menzi.
yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura,
21 Ili nji swayo lye nkorovezo iyo imihaza hanu- isiñi uvu ku shanjiwa kwe ikwe lye miviri, kono sina kovekisa kwe nkulo indontu kwe Ireza- chokuya kuvuka kwa Jesu Keresite kuvafu.
uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu,
22 Keresite wina kwi yanza lye chilyo lye Ireza. Ava yendi kwi wulu. Mañiroyi, mivuso, ne ziho ziswanera kulivika kunsi yakwe.
iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake.