< Joshua 19 >

1 Kitakat se akluo som nu sin sou in sruf lal Simeon. Acn lalos uhc oasr pana luin acn lun sruf lal Judah.
Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.
2 Acn inge pa Beersheba, Sheba, Moladah,
Nhaka yavo yaisanganisira: Bheerishebha (kana kuti Shebha), Moradha,
3 Hazar Shual, Balah, Ezem,
Hazari Shuari, Bhara, Ezemi,
4 Eltolad, Bethul, Hormah,
Eritoradhi, Bheturi, Homa,
5 Ziklag, Beth Marcaboth, Hazar Susah,
Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa,
6 Beth Lebaoth, ac Sharuhen — siti singoul tolu nufon, wi inkul nukewa ma raunela.
Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;
7 Oayapa Ain, Rimmon, Ether, ac Ashan — siti akosr, wi inkul nukewa ma raunela,
Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,
8 weang pacna acn nukewa raunela siti inge nwe Baalath Beer (ku Ramah), su oan nu eir. Pa inge acn ma itukyang nu sin sou in sruf lal Simeon tuh in ma lalos.
nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi). Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri.
9 Ke sripen acn lal Judah yohk liki ma elos enenu, oru itukyang sie ip lalos inge nu sin sruf lal Simeon.
Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakakura kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.
10 Kitakat se aktolu som nu sin sou in sruf lal Zebulun. An se elos eis inge fahla na nwe sun acn Sarid.
Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, mhuri nemhuri: Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi.
11 Liki acn sacn, masrol an fahla roto lac nu Mareal, ac pusralla acn Dabbesheth ac infacl srisrik soko kutulap in acn Jokneam.
Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurukova rwuri pedyo neJokineami.
12 Ke layen kutulap in acn Sarid, masrol an fahla nu kutulap nu ke masrol nu Chisloth Tabor, na sifilpa fahla nu Daberath ac utyak nu Japhia.
Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJafia.
13 Sifilpa fahla liki acn sacn nu kutulap nwe sun Gath Hepher ac Ethkazin, ac kuhfla nu Neah ke inkanek nu Rimmon.
Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea.
14 Ke masrol epang an, el kuhfla nu Hannathon, fahla safla Infahlfal Iphtahel.
Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri.
15 Acn inge pa Kattath, Nahalal, Shimron, Idalah, ac Bethlehem— siti singoul luo nufon, wi inkul nukewa ma raunela.
Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pane maguta gumi namaviri nemisha yawo.
16 Siti inge wi acn ma raunela, oan in acn ma itukyang nu sin sou in sruf lal Zebulun tuh in ma lalos.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, mhuri nemhuri.
17 Kitakat se akakosr som nu sin sou in sruf lal Issachar.
Mugove wechina wakapiwa Isakari, mhuri nemhuri.
18 Acn inge pa Jezreel, Chesulloth, Shunem,
Nyika yavo yaisanganisira: Jezireeri, Kesuroti, Shunami,
19 Hapharaim, Shion, Anaharath,
Hafaraimi, Shioni, Anaharati,
20 Rabbith, Kishion, Ebez,
Rabhiti, Kishioni, Ebhezi,
21 Remeth, Engannim, Enhaddah, ac Bethpazzez.
Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi.
22 Masrol in acn Issachar fahla pusralla Tabor, Shahazumah, Beth Shemesh, ac safla Infacl Jordan — siti singoul onkosr nufon, wi inkul nukewa ma raunela.
Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.
23 Siti inge wi acn ma raunela, oan in acn ma itukyang nu sin sou in sruf lal Issachar tuh in ma lalos.
Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, mhuri nemhuri.
24 Kitakat se aklimekosr som nu sin sou in sruf lal Asher.
Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, mhuri nemhuri.
25 Acn inge pa Helkath, Hali, Beten, Achshaph,
Nyika yavo yaisanganisira: Herikati, Hari, Bheteni, Akishafi,
26 Allam Melech, Amad, ac Mishal. Masrol nu roto an pusralla Carmel ac Shihor Libnath.
Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati.
27 Ac nu kutulap, masrol an fahla sun acn Bethdagon, pusralla acn Zebulun ac Infahlfal Iphtahel nu epang nu Bethemek ac Neiel, na fahla na nwe epang nu Cabul,
Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Dhagoni, ugobata Zebhuruni noMupata weIfita Eri, uye ugonanga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuura Kabhuri iri nechokuruboshwe.
28 Ebron, Rehob, Hammon, ac Kanah nwe ke sun acn Sidon.
Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru.
29 Na masrol an kuhfla nu Ramah, ac sun Tyre (sie siti rauniyukla ke pot fulat) na sifil kuhfla nu Hosah, ac fahla safla ke Meoa Mediterranean. Siti inge oasr pac we: Mahalab, Achzib,
Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi,
30 Ummah, Aphek, ac Rehob — siti longoul luo nufon, wi inkul nukewa ma raunela.
Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pane maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.
31 Siti inge wi acn ma raunela, oan in acn ma itukyang nu sin sou in sruf lal Asher tuh in ma lalos.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, mhuri nemhuri.
32 Kitakat se akonkosr som nu sin sou in sruf lal Naphtali.
Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, mhuri nemhuri:
33 Masrol ke acn se inge fahla Heleph lac nu ke sak oak in Zaanannim ac fahla nu Adaminekeb ac nu Jamnia, ac fahla nwe Lakkum ac safla ke Infacl Jordan.
Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani.
34 Na masrol sacn kuhfla nu roto som nu Aznoth Tabor, ac liki acn sacn fahla nu Hukkok pusralla Zebulun nu eir, ac Asher nu roto, ac Infacl Jordan nu kutulap.
Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva.
35 Siti inge nukewa rauniyukla ke pot fulat: Ziddim, Zer, Hammath, Rakkath, Chinnereth,
Maguta akanga ane masvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti,
36 Adamah, Ramah, Hazor,
Adhama, Rama, Hazori,
37 Kedesh, Edrei, Enhazor,
Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori,
38 Yiron, Migdalel, Horem, Bethanath, ac Beth Shemesh — siti singoul eu nufon wi inkul nukewa ma raunela.
Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo.
39 Siti inge wi acn ma raunela, oan in acn ma itukyang nu sin sou in sruf lal Naphtali tuh in ma lalos.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, mhuri nemhuri.
40 Kitakat se akitkosr som nu sin sou in sruf lal Dan.
Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.
41 Acn inge pa Zorah, Eshtaol, Irshemesh,
Nyika yenhaka yavo yaisanganisira: Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi,
42 Shaalbim, Aijalon, Ithlah,
Shaarabhini, Aijaroni, Itira,
43 Elon, Timnah, Ekron,
Eroni, Timuna, Ekironi,
44 Eltekeh, Gibbethon, Baalath,
Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati,
45 Jehud, Beneberak, Gathrimmon,
Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni,
46 Mejarkon, ac Rakkon, ac acn nukewa raunela Joppa.
Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa.
47 Ke itukla acn sin tulik natul Dan inge, elos som nu Laish ac mweuni. Elos sruokya ac onela mwet we, ac eisla acn sac lalos. Elos oakwuki we ac ekulla inen siti sac liki Laish nu ke Dan, in oana inen papa tumun sruf lalos.
(Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.)
48 Siti inge wi acn ma raunela, oan in acn ma itukyang nu sin sou in sruf lal Dan tuh in ma lalos.
Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.
49 Ke mwet Israel elos kitalik tari acn nukewa, elos sang ipin acn se nu sel Joshua wen natul Nun tuh in ma lal.
Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo,
50 In oana ma LEUM GOD El tuh sapkin, elos sang siti se el tuh siyuk ah: Timnath Serah, su oan fineol uh in Ephraim. Joshua el sifil musaela siti se inge ac muta we.
sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.
51 Eleazar mwet tol, Joshua wen natul Nun, ac mwet kol lun kais sie sou in sruf lun Israel, elos kitalik acn inge ke fa ye mutun LEUM GOD in acn Shiloh, ke mutunoa in Lohm Nuknuk sin LEUM GOD. Pa inge saflaiyen kitakatelik lun acn inge.
Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.

< Joshua 19 >