< 시편 148 >
1 할렐루야 하늘에서 여호와를 찬양하며 높은 데서 찬양할지어다
Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga, murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro.
2 그의 모든 사자여 찬양하며 모든 군대여 찬양할지어다
Murumbidzei, imi vatumwa vake vose, murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga.
3 해와 달아 찬양하며 광명한 별들아 찬양할지어다
Murumbidzei, imi zuva nomwedzi, murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya.
4 하늘의 하늘도 찬양하며 하늘 위에 있는 물들도 찬양할지어다
Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga.
5 그것들이 여호와의 이름을 찬양할 것은 저가 명하시매 지음을 받았음이로다
Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.
6 저가 또 그것들을 영영히 세우시고 폐치 못할 명을 정하셨도다
Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri, akapa chirevo chisingazombopfuuri.
7 너희 용들과 바다여 땅에서 여호와를 찬양하라
Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza,
8 불과 우박과 눈과 안개와 그 말씀을 좇는 광풍이며
nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva,
9 산들과 모든 작은 산과 과목과 모든 백향목이며
imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose,
10 짐승과 모든 가축과 기는 것과 나는 새며
mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka,
11 세상의 왕들과 모든 백성과 방백과 땅의 모든 사사며
Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika,
majaya nemhandara, vatana navana.
13 다 여호와의 이름을 찬양할지어다 그 이름이 홀로 높으시며 그 영광이 천지에 뛰어나심이로다
Ngavarumbidze zita raJehovha, nokuti zita rake iye oga iguru; kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga.
14 저가 그 백성의 뿔을 높이셨으니 저는 모든 성도 곧 저를 친근히 하는 이스라엘 자손의 찬양거리로다 할렐루야
Akasimudzira vanhu vake runyanga, iyo rumbidzo yavatsvene vake vose, yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake. Rumbidzai Jehovha.