< 잠언 26 >
1 미련한 자에게는 영예가 적당하지 아니하니 마치 여름에 눈오는 것과 추수 때에 비오는 것 같으니라
Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa, rukudzo haruna kufanira kubenzi.
2 까닭 없는 저주는 참새의 떠도는 것과 제비의 날아가는 것 같이 이르지 아니하느니라
Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve, saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita.
3 말에게는 채찍이요 나귀에게는 자갈이요 미련한 자의 등에는 막대기니라
Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro, uye shamhu musana webenzi!
4 미련한 자의 어리석은 것을 따라 대답하지 말라 두렵건대 네가 그와 같을까 하노라
Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro, kana kuti iwe pachako uchafanana naro.
5 미련한 자의 어리석은 것을 따라 그에게 대답하라 두렵건대 그가 스스로 지혜롭게 여길까 하노라
Pindura benzi maererano noupenzi hwaro, kuti rirege kuona sokuti rakachenjera.
6 미련한 자 편에 기별하는 것은 자기의 발을 베어 버림이라 해를 받느니라
Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo, ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi.
7 저는 자의 다리는 힘 없이 달렸나니 미련한 자의 입의 잠언도 그러하니라
Samakumbo echirema akangorembera ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.
8 미련한 자에게 영예를 주는 것은 돌을 물매에 매는 것과 같으니라
Sokusungira ibwe pachipfuramabwe ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi.
9 미련한 자의 입의 잠언은 술 취한 자의 손에 든 가시나무 같으니라
Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa, ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi.
10 장인이 온갖 것을 만들지라도 미련한 자를 고용하는 것은 지나가는 자를 고용함과 같으니라
Somuwemburi weuta anopfura pose pose, ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake.
11 개가 그 토한 것을 도로 먹는 것 같이 미련한 자는 그 미련한 것을 거듭 행하느니라
Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro.
12 네가 스스로 지혜롭게 여기는 자를 보느냐 그보다 미련한 자에게 오히려 바랄 것이 있느니라
Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here? Benzi rinotova netariro kupfuura iye.
13 게으른 자는 길에 사자가 있다 거리에 사자가 있다 하느니라
Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”
14 문짝이 돌쩌귀를 따라서 도는 것 같이 게으른 자는 침상에서 구으느니라
Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.
15 게으른 자는 그 손을 그릇에 넣고도 입으로 올리기를 괴로워하느니라
Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.
16 게으른 자는 선히 대답하는 사람 일곱보다 자기를 지혜롭게 여기느니라
Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.
17 길로 지나다가 자기에게 상관없는 다툼을 간섭하는 자는 개 귀를 잡는 자와 같으니라
Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.
18 횃불을 던지며 살을 쏘아서 사람을 죽이는 미친 사람이 있나니
Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto, kana miseve inouraya,
19 자기 이웃을 속이고 말하기를 내가 희롱하였노라 하는 자도 그러하니라
ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”
20 나무가 다하면 불이 꺼지고 말장이가 없어지면 다툼이 쉬느니라
Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera.
21 숯불 위에 숯을 더하는 것과 타는 불에 나무를 더하는 것 같이 다툼을 좋아하는 자는 시비를 일으키느니라
Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.
22 남의 말하기를 좋아하는 자의 말은 별식과 같아서 뱃 속 깊은 데로 내려가느니라
Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.
23 온유한 입술에 악한 마음은 낮은 은을 입힌 토기니라
Sezvinopenya zvakanamirwa kunze kwomudziyo wevhu, ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.
24 감정 있는 자는 입술로는 꾸미고 속에는 궤휼을 품나니
Muparadzi anozvivanza namatauriro ake, asi mumwoyo make akaviga ruvengo.
25 그 말이 좋을지라도 믿지 말 것은 그 마음에 일곱 가지 가증한 것이 있음이라
Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura, nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.
26 궤휼로 그 감정을 감출지라도 그 악이 회중 앞에 드러나리라
Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake, asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano.
27 함정을 파는 자는 그것에 빠질 것이요 돌을 굴리는 자는 도리어 그것에 치이리라
Kana munhu akachera gomba, achawira mariri; kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake.
28 거짓말하는 자는 자기의 해한 자를 미워하고 아첨하는 입은 패망을 일으키느니라
Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa, uye muromo unobata kumeso unoparadza.