< 잠언 21 >

1 왕의 마음이 여호와의 손에 있음이 마치 보의 물과 같아서 그가 임의로 인도하시느니라
Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura.
2 사람의 행위가 자기 보기에는 모두 정직하여도 여호와는 심령을 감찰하시느니라
Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari, asi Jehovha anoyera mwoyo pachikero.
3 의와 공평을 행하는 것은 제사 드리는 것보다 여호와께서 기쁘게 여기시느니라
Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.
4 눈이 높은 것과 마음이 교만한 것과 악인의 형통한 것은 다 죄니라
Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi!
5 부지런한 자의 경영은 풍부함에 이를 것이나 조급한 자는 궁핍함에 이를 따름이니라
Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo.
6 속이는 말로 재물을 모으는 것은 죽음을 구하는 것이라 곧 불려 다니는 안개니라
Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.
7 악인의 강포는 자기를 소멸하나니 이는 공의 행하기를 싫어함이니라
Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure, nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
8 죄를 크게 범한 자의 길은 심히 구부러지고 깨끗한 자의 길은 곧으니라
Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.
9 다투는 여인과 함께 큰 집에서 사는 것보다 움막에서 혼자 사는 것이 나으니라
Zviri nani kugara pakona yedenga remba, pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.
10 악인의 마음은 남의 재앙을 원하나니 그 이웃도 그 앞에서 은혜를 입지 못하느니라
Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa; muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari.
11 거만한 자가 벌을 받으면 어리석은 자는 경성하겠고 지혜로운 자가 교훈을 받으면 지식이 더 하리라
Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri; kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo.
12 의로우신 자는 악인의 집을 감찰하시고 악인을 환난에 던지시느니라
Iye Akarurama anocherechedza imba yeakaipa, uye anoisa akaipa kukuparadzwa.
13 귀를 막아 가난한 자의 부르짖는 소리를 듣지 아니하면 자기의 부르짖을 때에도 들을 자가 없으리라
Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.
14 은밀한 선물은 노를 쉬게 하고 품의 뇌물은 맹렬한 분을 그치게 하느니라
Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.
15 공의를 행하는 것이 의인에게는 즐거움이요 죄인에게는 패망이니라
Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.
16 명철의 길을 떠난 사람은 사망의 회중에 거하리라
Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.
17 연락을 좋아하는 자는 가난하게 되고 술과 기름을 좋아하는 자는 부하게 되지 못하느니라
Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.
18 악인은 의인의 대속이 되고 궤사한 자는 정직한 자의 대신이 되느니라
Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.
19 다투며 성내는 여인과 함께 사는 것보다 광야에서 혼자 사는 것이 나으니라
Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.
20 지혜 있는 자의 집에는 귀한 보배와 기름이 있으나 미련한 자는 이것을 다 삼켜 버리느니라
Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta, asi benzi rinodya zvose zvarinazvo.
21 의와 인자를 따라 구하는 자는 생명과 의와 영광을 얻느니라
Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo.
22 지혜로운 자는 용사의 성에 올라가서 그 성의 견고히 의뢰하는 것을 파하느니라
Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo.
23 입과 혀를 지키는 자는 그 영혼을 환난에서 보전하느니라
Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi.
24 무례하고 교만한 자를 이름하여 망령된 자라 하나니 이는 넘치는 교만으로 행함이니라
Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Mudadi” ndiro zita rake; anoita zvinhu namanyawi uye nokuzvikudza.
25 게으른 자의 정욕이 그를 죽이나니 이는 그 손으로 일하기를 싫어함이니라
Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda.
26 어떤 자는 종일토록 탐하기만 하나 의인은 아끼지 아니하고 시제하느니라
Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe, asi akarurama anopa asinganyimi.
27 악인의 제물은 본래 가증하거든 하물며 악한 뜻으로 드리는 것이랴
Chibayiro chowakaipa chinonyangadza, zvikuru sei kana akauya nacho nomufungo wakaipa!
28 거짓 증인은 패망하려니와 확실한 증인의 말은 힘이 있느니라
Chapupu chenhema chichaparara, uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi.
29 악인은 그 얼굴을 굳게 하나 정직한 자는 그 행위를 삼가느니라
Munhu akaipa ane chiso chisinganyari, asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake.
30 지혜로도, 명철로도, 모략으로도 여호와를 당치 못하느니라
Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa hungabudirira huchipikisana naJehovha.
31 싸울 날을 위하여 마병을 예비하거니와 이김은 여호와께 있느니라
Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha.

< 잠언 21 >