< 에베소서 2 >

1 너희의 허물과 죄로 죽었던 너희를 살리셨도다
Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi,
2 그 때에 너희가 그 가운데서 행하여 이 세상 풍속을 좇고 공중의 권세 잡은 자를 따랐으니 곧 지금 불순종의 아들들 가운데서 역사하는 영이라 (aiōn g165)
izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. (aiōn g165)
3 전에는 우리도 다 그 가운데서 우리 육체의 욕심을 따라 지내며 육체와 마음의 원하는 것을 하여 다른 이들과 같이 본질상 진노의 자녀이었더니
Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa.
4 긍휼에 풍성하신 하나님이 우리를 사랑하신 그 큰 사랑을 인하여
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni,
5 허물로 죽은 우리를 그리스도 예수 안에서 살리셨고 (너희가 은혜로 구원을 얻은 것이라)
akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
6 또 함께 일으키사 그리스도 예수 안에서 함께 하늘에 앉히시니
Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu,
7 이는 그리스도 예수 안에서 우리에게 자비하심으로써 그 은혜의 지극히 풍성함을 오는 여러 세대에 나타내려 하심이니라 (aiōn g165)
kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. (aiōn g165)
8 너희가 그 은혜를 인하여 믿음으로 말미암아 구원을 얻었나니 이것이 너희에게서 난 것이 아니요 하나님의 선물이라
Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,
9 행위에서 난 것이 아니니 이는 누구든지 자랑치 못하게 함이니라
kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
10 우리는 그의 만드신 바라 그리스도 예수 안에서 선한 일을 위하여 지으심을 받은 자니 이 일은 하나님이 전에 예비하사 우리로 그 가운데서 행하게 하려 하심이니라
Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.
11 그러므로 생각하라 너희는 그 때에 육체로 이방인이요 손으로 육체에 행한 할례당이라 칭하는 자들에게 무할례당이라 칭함을 받는 자들이라
Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu),
12 그 때에 너희는 그리스도 밖에 있었고 이스라엘 나라 밖의 사람이라 약속의 언약들에 대하여 외인이요 세상에서 소망이 없고 하나님도 없는 자이더니
rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika.
13 이제는 전에 멀리 있던 너희가 그리스도 예수 안에서 그리스도의 피로 가까워졌느니라
Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.
14 그는 우리의 화평이신지라 둘로 하나를 만드사 중간에 막힌 담을 허시고
Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa,
15 원수 된 것 곧 의문에 속한 계명의 율법을 자기 육체로 폐하셨으니 이는 이 둘로 자기의 안에서 한 새 사람을 지어 화평하게 하시고
nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,
16 또 십자가로 이 둘을 한 몸으로 하나님과 화목하게 하려 하심이라 원수 된 것을 십자가로 소멸하시고
uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo.
17 또 오셔서 먼 데 있는 너희에게 평안을 전하고 가까운 데 있는 자들에게 평안을 전하셨으니
Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.
18 이는 저로 말미암아 우리 둘이 한 성령 안에서 아버지께 나아감을 얻게 하려 하심이라
Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete.
19 그러므로 이제부터 너희가 외인도 아니요 손도 아니요 오직 성도들과 동일한 시민이요 하나님의 권속이라
Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari,
20 너희는 사도들과 선지자들의 터 위에 세우심을 입은 자라 그리스도 예수께서 친히 모퉁이 돌이 되셨느니라
makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.
21 그의 안에서 건물마다 서로 연결하여 주 안에서 성전이 되어 가고
Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She.
22 너희도 성령 안에서 하나님의 거하실 처소가 되기 위하여 예수 안에서 함께 지어져 가느니라
Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

< 에베소서 2 >