< 고린도전서 8 >

1 우상의 제물에 대하여는 우리가 다 지식이 있는 줄을 아나 지식은 교만하게 하며 사랑은 덕을 세우나니
Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka.
2 만일 누구든지 무엇을 아는 줄로 생각하면 아직도 마땅히 알 것을 알지 못하는 것이요
Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva.
3 또 누구든지 하나님을 사랑하면 이 사람은 하나님의 아시는 바 되었느니라
Asi munhu anoda Mwari anozivikanwa naMwari.
4 그러므로 우상의 제물 먹는 일에 대하여는 우리가 우상은 세상에 아무 것도 아니며 또한 하나님은 한 분밖에 없는 줄 아노라
Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete.
5 비록 하늘에나 땅에나 신이라 칭하는 자가 있어 많은 신과 많은 주가 있으나
Nokuti kunyange dai varipo vanonzi vamwari, kungava kudenga kana panyika (sezvavaripo zvirokwazvo “vamwari” vazhinji uye na“madzishe” mazhinji),
6 그러나 우리에게는 한 하나님 곧 아버지가 계시니 만물이 그에게서 났고 우리도 그를 위하여 또한 한 주 예수 그리스도께서 계시니 만물이 그로 말미암고 우리도 그로 말미암았느니라
asi isu tina Mwari mumwe chete, ivo Baba, zvinhu zvose zvakabva kwavari uye ndivo vatinoraramira; uye tina She mumwe chete, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakavapo kubudikidza naye, uye nesu tinorarama kubudikidza naye.
7 그러나 이 지식은 사람마다 가지지 못하여 어떤 이들은 지금까지 우상에 대한 습관이 있어 우상의 제물로 알고 먹는 고로 그들의 양심이 악하여지고 더러워지느니라
Asi havasi vose vanoziva izvi. Vamwe vanhu vachakabatwa nezvifananidzo zvokuti kana vachidya zvakadai vanodya vachiti zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye sezvo hana yavo isati yasimba, inoshatiswa.
8 식물은 우리를 하나님 앞에 세우지 못하나니 우리가 먹지 아니하여도 부족함이 없고 먹어도 풍족함이 없으리라
Asi, zvokudya hazvingatisvitsi pedyo naMwari; hatina kuipa kana tisina kudya uye hatinatswi kana tadya.
9 그런즉 너희 자유함이 약한 자들에게 거치는 것이 되지 않도록 조심하라
Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba.
10 지식 있는 네가 우상의 집에 앉아 먹는 것을 누구든지 보면 그 약한 자들의 양심이 담력을 얻어 어찌 우상의 제물을 먹게 되지 않겠느냐
Nokuti kana mumwe asina simba achikuona iwe uno ruzivo urwu uchidya uri mutemberi yechifananidzo, ko, hana yaiye asina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa kuzvifananidzo here?
11 그러면 네 지식으로 그 약한 자가 멸망하나니 그는 그리스도께서 위하여 죽으신 형제라
Naizvozvo, hama iyi isina simba, iyo yakafirwa naKristu ichaparadzwa nokuziva kwako.
12 이같이 너희가 형제에게 죄를 지어 그 약한 양심을 상하게 하는 것이 곧 그리스도에게 지를 짓는 것이니라
Kana mukatadzira hama dzenyu zvakadai uye muchikuvadza hana dzavo dzisina simba, munotadzira Kristu.
13 그러므로 만일 식물이 내 형제로 실족케 하면 나는 영원히 고기를 먹지 아니하여 내 형제를 실족치 않게 하리라 (aiōn g165)
Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa. (aiōn g165)

< 고린도전서 8 >