< 로마서 15 >
1 우리 강한 자가 마땅히 연약한 자의 약점을 담당하고 자기를 기쁘게 하지 아니할 것이라
Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi.
2 우리 각 사람이 이웃을 기쁘게 하되 선을 이루고 덕을 세우도록 할지니라
Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka.
3 그리스도께서 자기를 기쁘게 하지 아니하셨나니 기록된바 주를 비방하는 자들의 비방이 내게 미쳤나이다 함과 같으니라
Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.”
4 무엇이든지 전에 기록한 바는 우리의 교훈을 위하여 기록된 것이니 우리로 하여금 인내로 또는 성경의 안위로 소망을 가지게 함이니라
Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.
5 이제 인내와 안위의 하나님이 너희로 그리스도 예수를 본받아 서로 뜻이 같게 하여 주사
Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,
6 한 마음과 한 입으로 하나님 곧 우리 주 예수 그리스도의 아버지께 영광을 돌리게 하려 하노라
kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.
7 이러므로 그리스도께서 우리를 받아 하나님께 영광을 돌리심과 같이 너희도 서로 받으라
Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.
8 내가 말하노니 그리스도께서 하나님의 진실하심을 위하여 할례의 수종자가 되셨으니 이는 조상들에게 주신 약속들을 견고케 하시고
Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba
9 이방인으로 그 긍휼하심을 인하여 하나님께 영광을 돌리게 하려 하심이라 기록된바 이러므로 내가 열방 중에서 주께 감사하고 주의 이름을 찬송하리로다 함과 같으니라
kuti veDzimwe Ndudzi vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati peveDzimwe Ndudzi; ndichaimbira zita renyu nziyo.”
10 또 가로되 열방들아 주의 백성과 함께 즐거워하라 하였으며
Uyezve zvinonzi, “Farai imi veDzimwe Ndudzi, pamwe chete navanhu vake.”
11 또 모든 열방들아 주를 찬양하며 모든 백성들아 저를 찬송하라 하였으며
Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi mose veDzimwe Ndudzi, uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.”
12 또 이사야가 가로되 이새의 뿌리 곧 열방을 다스리기 위하여 일어나시는 이가 있으리니 열방이 그에게 소망을 두리라 하였느니라
Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchatunga, iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose; veDzimwe Ndudzi vachava netariro maari.”
13 소망의 하나님이 모든 기쁨과 평강을 믿음 안에서 너희에게 충만케 하사 성령의 능력으로 소망이 넘치게 하시기를 원하노라
Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
14 내 형제들아 너희가 스스로 선함이 가득하고 모든 지식이 차서 능히 서로 권하는 자임을 나도 확신하노라
Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana.
15 그러나 내가 너희로 다시 생각나게 하려고 하나님께서 내게 주신 은혜로 인하여 더욱 담대히 대강 너희에게 썼노니
Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari
16 이 은혜는 곧 나로 이방인을 위하여 그리스도 예수의 일군이 되어 하나님의 복음의 제사장 직무를 하게 하사 이방인을 제물로 드리는 그것이 성령 안에서 거룩하게 되어 받으심직하게 하려 하심이라
kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kune veDzimwe Ndudzi, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti veDzimwe Ndudzi vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene.
17 그러므로 내가 그리스도 예수 안에서 하나님의 일에 대하여 자랑하는 것이 있거니와
Naizvozvo ndinozvirumbidza muna Kristu Jesu muushumiri hwangu kuna Mwari.
18 그리스도께서 이방인들을 순종케 하기 위하여 나로 말미암아 말과 일이며 표적과 기사의 능력이며 성령의 능력으로 역사하신 것외에는 내가 감히 말하지 아니하노라
Nokuti handingatauri zvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaitwa naKristu kubudikidza neni mukutungamirira veDzimwe Ndudzi kuti vateerere Mwari nokuda kwezvandakataura uye ndikaita,
19 이 일로 인하여 내가 예루살렘으로부터 두루 행하여 일루리곤까지 그리스도의 복음을 편만하게 전하였노라
nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu.
20 또 내가 그리스도의 이름을 부르는 곳에는 복음을 전하지 않기로 힘썼노니 이는 남의 터 위에 건축하지 아니하려 함이라
Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu.
21 기록된바 주의 소식을 받지 못한 자들이 볼 것이요 듣지 못한 자들이 깨달으리라 함과 같으니라
Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona, uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”
22 그러므로 또한 내가 너희에게 가려 하던 것이 여러번 막혔더니
Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri.
23 이제는 이 지방에 일할 곳이 없고 여러 해 전부터 언제든지 서바나로 갈 때에 너희에게 가려는 원이 있었으니
Asi zvino hapasisinazve imwe nzvimbo yandingashanda mumatunhu aya, uye sezvo pava namakore mazhinji ndichida kuuya kwamuri,
24 이는 지나가는 길에 너희를 보고 먼저 너희와 교제하여 약간 만족을 받은 후에 너희의 그리로 보내줌을 바람이라
ndine urongwa hwokuita izvi pandichaenda kuSipeini. Ndinovimba kuti ndichakushanyirai pandichapfuura noko uye kuti muzondibatsira parwendo rwangu ikoko, mushure mokunge ndambofadzwa nokuva nemi kwechinguva.
25 그러나 이제는 내가 성도를 섬기는 일로 예루살렘에 가노니
Asi, zvino ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuJerusarema kundoshumira vatsvene variko.
26 이는 마게도냐와 아가야 사람들이 예루살렘 성도 중 가난한 자들을 위하여 기쁘게 얼마를 동정하였음이라
Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema.
27 저희가 기뻐서 하였거니와 또한 저희는 그들에게 빚진 자니 만일 이방인들이 그들의 신령한 것을 나눠 가졌으면 육신의 것으로 그들을 섬기는 것이 마땅하니라
Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana veDzimwe Ndudzi vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino.
28 그러므로 내가 이 일을 마치고 이 열매를 저희에게 확증한 후에 너희에게를 지나 서바나로 가리라
Saka mushure mokunge ndapedza kuita basa iri uye ndaona kuti vagamuchira chibereko ichi, ndichaenda kuSipeini uye ndichakushanyirai parwendo rwangu.
29 내가 너희에게 나갈 때에 그리스도의 충만한 축복을 가지고 갈 줄을 아노라
Ndinoziva kuti pandichauya kwamuri, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu.
30 형제들아 내가 우리주 예수 그리스도로 말미암고 성령의 사랑으로 말미암아 너희를 권하노니 너희 기도에 나와 힘을 같이하여 나를 위하여 하나님께 빌어
Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari.
31 나로 유대에 순종치 아니하는 자들에게서 구원을 받게 하고 또 예루살렘에 대한 나의 섬기는 일을 성도들이 받음직하게 하고
Nyengeterai kuti ndinunurwe kune vasingatendi vari muJudhea uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hugamuchirwe navatsvene variko,
32 나로 하나님의 뜻을 좇아 기쁨으로 너희에게 나아가 너희와 함께 편히 쉬게 하라
kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari uye kuti ndimutsiridzwe pamwe chete nemi.
33 평강의 하나님께서 너희 모든 사람과 함께 계실지어다! 아멘
Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.