< 요한계시록 3 >

1 사데 교회의 사자에게 편지하기를 하나님의 일곱 영과 일곱 별을 가진 이가 가라사대 내가 네 행위를 아노니 네가 살았다 하는 이름은 가졌으나 죽은 자로다
“Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa.
2 너는 일깨워 그 남은 바 죽게 된 것을 굳게 하라 내 하나님 앞에 네 행위의 온전한 것을 찾지 못하였노니
Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu.
3 그러므로 네가 어떻게 받았으며 어떻게 들었는지 생각하고 지키어 회개하라 만일 일깨지 아니하면 내가 도적같이 이르리니 어느 시에 네게 임할는지 네가 알지 못하리라
Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri.
4 그러나 사데에 그 옷을 더럽히지 아니한 자 몇 명이 네게 있어 흰 옷을 입고 나와 함께 다니리니 그들은 합당한 자인 연고라
Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira.
5 이기는 자는 이와 같이 흰 옷을 입을 것이요 내가 그 이름을 생명책에서 반드시 흐리지 아니하고 그 이름을 내 아버지 앞과 그 천사들 앞에서 시인하리라
Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo.
6 귀 있는 자는 성령이 교회들에게 하시는 말씀을 들을지어다
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
7 빌라델비아 교회의 사자에게 편지하기를 거룩하고 진실하사 다윗의 열쇠를 가지신 이 곧 열면 닫을 사람이 없고 닫으면 열 사람이 없는 그이가 가라사대
“Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura.
8 볼지어다 내가 네 앞에 열린 문을 두었으되 능히 닫을 사람이 없으리라 내가 네 행위를 아노니 네가 적은 능력을 가지고도 내 말을 지키며 내 이름을 배반치 아니하였도다
Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu.
9 보라 사단의 회 곧 자칭 유대인이라 하나 그렇지 않고 거짓말하는 자들 중에서 몇을 네게 주어 저희로 와서 네 발 앞에 절하게 하고 내가 너를 사랑하는 줄을 알게 하리라
Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda.
10 네가 나의 인내의 말씀을 지켰은즉 내가 또한 너를 지키어 시험의 때를 면하게 하리니 이는 장차 온 세상에 임하여 땅에 거하는자들을 시험할 때라
Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika.
11 내가 속히 임하리니 네가 가진 것을 굳게 잡아 아무나 네 면류관을 빼앗지 못하게 하라
Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako.
12 이기는 자는 내 하나님 성전에 기둥이 되게 하리니 그가 결코 다시 나가지 아니하리라 내가 하나님의 이름과 하나님의 성 곧 하늘에서 내 하나님께로부터 내려 오는 새 예루살렘의 이름과 나의 새 이름을 그이 위에 기록하리라
Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva.
13 귀 있는 자는 성령이 교회들에게 하시는 말씀을 들을지어다
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.
14 라오디게아 교회의 사자에게 편지하기를 아멘이시요 충성되고 참된 증인이시요 하나님의 창조의 근본이신 이가 가라사대
“Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari.
15 내가 네 행위를 아노니 네가 차지도 아니하고 더웁지도 아니하도다 네가 차든지 더웁든지 하기를 원하노라
Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi!
16 네가 이같이 미지근하여 더웁지도 아니하고 차지도 아니하니 내 입에서 너를 토하여 내치리라
Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu.
17 네가 말하기를 나는 부자라 부요하여 부족한 것이 없다 하나 네 곤고한 것과 가련한 것과 가난한 것과 눈먼 것과 벌거벗은 것을 알지 못하도다
Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira.
18 내가 너를 권하노니 내게서 불로 연단한 금을 사서 부요하게 하고 흰 옷을 사서 입어 벌거벗은 수치를 보이지 않게 하고 안약을 사서 눈에 발라 보게 하라
Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona.
19 무릇 내가 사랑하는 자를 책망하여 징계하노니 그러므로 네가 열심을 내라 회개하라
Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke.
20 볼지어다 내가 문 밖에 서서 두드리노니 누구든지 내 음성을 듣고 문을 열면 내가 그에게로 들어가 그로 더불어 먹고 그는 나로 더불어 먹으리라
Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.
21 이기는 그에게는 내가 내 보좌에 함께 앉게 하여 주기를 내가 이기고 아버지 보좌에 함께 앉은 것과 같이 하리라
Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.
22 귀 있는 자는 성령이 교회들에게 하시는 말씀을 들을지어다
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

< 요한계시록 3 >