< 요한계시록 19 >

1 이 일 후에 내가 들으니 하늘에 허다한 무리의 큰 음성 같은 것이 있어 가로되 `할렐루야 구원과 영광과 능력이 우리 하나님께 있도다
Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
2 그의 심판은 참되고 의로운지라 음행으로 땅을 더럽게 한 큰 음녀를 심판하사 자기 종들의 피를 그의 손에 갚으셨도다' 하고
nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.
3 두번째 가로되 할렐루야 하더니 그 연기가 세세토록 올라가더라 (aiōn g165)
Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
4 또 이십 사 장로와 네 생물이 엎드려 보좌에 앉으신 하나님께 경배하여 가로되 `아멘, 할렐루야' 하니
Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya!
5 보좌에서 음성이 나서 가로되 `하나님의 종들 곧 그를 경외하는 너희들아 무론대소하고 다 우리 하나님께 찬송하라'
Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mese varanda vake, nevanomutya, zvese vadiki nevakuru.
6 또 내가 들으니 허다한 무리의 음성도 같고 많은 물소리도 같고 큰 뇌성도 같아서 가로되 `할렐루야 주 우리 하나님 곧 전능하신 이가 통치하시도다
Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose.
7 우리가 즐거워하고 크게 기뻐하여 그에게 영광을 돌리세 어린양의 혼인 기약이 이르렀고 그 아내가 예비하였으니
Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira.
8 그에게 허락하사 빛나고 깨끗한 세마포를 입게 하셨은즉 이 세마포는 성도들의 옳은 행실이로다' 하더라
Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti mucheka wakaisvonaka ndiwo kururama kwevatsvene.
9 천사가 내게 말하기를 기록하라 어린 양의 혼인 잔치에 청함을 입은 자들이 복이 있도다 하고 또 내게 말하되 `이것은 하나님의 참되신 말씀이라' 하기로
Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari.
10 내가 그 발 앞에 엎드려 경배하려 하니 그가 나더러 말하기를 `나는 너와 및 예수의 증거를 받은 네 형제들과 같이 된 종이니 삼가 그리하지말고 오직 하나님께 경배하라 예수의 증거는 대언의 영이라' 하더라
Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti ndihwo uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.
11 또 내가 하늘이 열린 것을 보니 보라 백마와 탄 자가 있으니 그 이름은 충신과 진실이라 그가 공의로 심판하며 싸우더라
Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newakange agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa.
12 그 눈이 불꽃 같고 그 머리에 많은 면류관이 있고 또 이름 쓴 것이 하나가 있으니 자기 밖에 아는 자가 없고
Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake.
13 또 그가 피 뿌린 옷을 입었는데 그 이름은 하나님의 말씀이라 칭하더라
Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari.
14 하늘에 있는 군대들이 희고 깨끗한 세마포를 입고 백마를 타고 그를 따르더라
Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika.
15 그의 입에서 이한 검이 나오니 그것으로 만국을 치겠고 친히 저희를 철장으로 다스리며 또 친히 하나님 곧 전능하신 이의 맹렬한 진노의 포도주 틀을 밟겠고
Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.
16 그 옷과 그 다리에 이름 쓴 것이 있으니 만왕의 왕이요 만주의 주라 하였더라
Uye panguvo nepachidzva chake pakange pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE.
17 또 내가 보니 한 천사가 해에 서서 공중에 나는 모든 새를 향하여 큰 음성으로 외쳐 가로되 `와서 하나님의 큰 잔치에 모여
Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzese dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru,
18 왕들의 고기와 장군들의 고기와 장사들의 고기와 말들과 그 탄 자들의 고기와 자유한 자들이나 종들이나 무론대소하고 모든 자의 고기를 먹으라' 하더라
kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yezvese, zvese yevakasununguka neyevakasungwa, zvese yevadiki neyevakuru.
19 또 내가 보매 그 짐승과 땅의 임금들과 그 군대들이 모여 그 말탄 자와 그의 군대로 더불어 전쟁을 일으키다가
Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newakange akatasva bhiza, uye nehondo yake.
20 짐승이 잡히고 그 앞에서 이적을 행하던 거짓 선지자도 함께 잡혔으니 이는 짐승의 표를 받고 그의 우상에게 경배하던 자들을 이적으로 미혹하던 자라 이 둘이 산 채로 유황불붙는 못에 던지우고 (Limnē Pyr g3041 g4442)
Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vese vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa. (Limnē Pyr g3041 g4442)
21 그 나머지는 말 탄 자의 입으로 나오는 검에 죽으매 모든 새가 그 고기로 배불리우더라
Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzese dzikagutiswa nenyama yavo.

< 요한계시록 19 >