< 요한계시록 14 >

1 또 내가 보니 어린 양이 시온 산에 섰고 그와 함께 십 사만 사천이 섰는데 그 이마에 어린 양의 이름과 그 아버지의 이름을 쓴 것이 있도다
Ipapo ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo.
2 내가 하늘에서 나는 소리를 들으니 많은 물소리도 같고 큰 뇌성도 같은데 내게 들리는 소리는 거문고 타는 자들의 그 거문고 타는 것 같더라
Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira okutinhira. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo.
3 저희가 보좌와 네 생물과 장로들 앞에서 새 노래를 부르니 땅에서 구속함을 얻은 십 사만 사천 인밖에는 능히 이 노래를 배울 자가 없더라
Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika.
4 이 사람들은 여자로 더불어 더럽히지 아니하고 정절이 있는 자라 어린 양이 어디로 인도하든지 따라가는 자며 사람 가운데서 구속을 받아 처음 익은 열매로 하나님과 어린 양에게 속한 자들이니
Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibisa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.
5 그 입에 거짓말이 없고 흠이 없는 자들이더라
Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.
6 또 보니 다른 천사가 공중에 날아가는데 땅에 거하는 자들 곧 여러 나라와 족속과 방언과 백성에게 전할 영원한 복음을 가졌더라 (aiōnios g166)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. (aiōnios g166)
7 그가 큰 음성으로 가로되 `하나님을 두려워하며 그에게 영광을 돌리라 이는 그의 심판하실 시간이 이르렀음이니 하늘과 땅과 바다와 물들의 근원을 만드신 이를 경배하라' 하더라
Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”
8 또 다른 천사 곧 둘째가 그 뒤를 따라 말하되 `무너졌도다 무너졌도다 큰 성 바벨론이여 모든 나라를 그 음행으로 인하여 진노의 포도주로 먹이던 자로다' 하더라
Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.”
9 또 다른 천사 곧 세째가 그 뒤를 따라 큰 음성으로 가로되 `만일 누구든지 짐승과 그의 우상에게 경배하고 이마에나 손에 표를 받으면
Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko,
10 그도 하나님의 진노의 포도주를 마시리니 그 진노의 잔에 섞인 것이 없이 부은 포도주라 거룩한 천사들 앞과 어린 양 앞에서 불과 유황으로 고난을 받으리니
naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana.
11 그 고난의 연기가 세세토록 올라가리로다 짐승과 그의 우상에게 경배하고 그 이름의 표를 받는 자는 누구든지 밤낮 쉼을 얻지 못하리라' 하더라 (aiōn g165)
Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” (aiōn g165)
12 성도들의 인내가 여기 있나니 저희는 하나님의 계명과 예수 믿음을 지키는 자니라
Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanoramba vakatendeka kuna Jesu.
13 또 내가 들으니 하늘에서 음성이 나서 가로되 `기록하라 자금 이 후로 주 안에서 죽는 자들은 복이 있도다' 하시매 성령이 가라사대 `그러하다 저희 수고를 그치고 쉬리니 이는 저희의 행한 일이 따름이라' 하시더라
Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.” “Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”
14 또 내가 보니 흰 구름이 있고 구름 위에 사람의 아들과 같은 이가 앉았는데 그 머리에는 금 면류관이 있고 그 손에는 이한 낫을가졌더라
Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake.
15 또 다른 천사가 성전으로부터 나와 구름 위에 앉은 이를 향하여 큰 음성으로 외쳐 가로되 `네 낫을 휘둘러 거두라 거둘 때가 이르러 땅에 곡식이 다 익었음이로다' 하니
Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti gohwo renyika raibva.”
16 구름 위에 앉으신 이가 낫을 땅에 휘두르매 곡식이 거두어지니라
Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, nyika ikakohwewa.
17 또 다른 천사가 하늘에 있는 성전에서 나오는데 또한 이한 낫을 가졌더라
Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza.
18 또 불을 다스리는 다른 천사가 제단으로부터 나와 이한 낫 가진 자를 향하여 큰 음성으로 불러 가로되 `네 이한 낫을 휘둘러 땅의 포도송이를 거두라 그 포도가 익었느니라' 하더라
Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.”
19 천사가 낫을 땅에 휘둘러 땅의 포도를 거두어 하나님의 진노의 큰 포도주 틀에 던지매
Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari.
20 성 밖에서 그 틀이 밟히니 틀에서 피가 나서 말굴레까지 닿았고 일천 육백 스다디온에 퍼졌더라
Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.

< 요한계시록 14 >