< 시편 17 >

1 (다윗의 기도) 여호와여, 정직함을 들으소서 나의 부르짖음에 주의하소서 거짓되지 않은 입술에서 나오는 내 기도에 귀를 기울이소서
Munyengetero waDhavhidhi. Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama; inzwai kuchema kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, usingabvi pamiromo inonyengera.
2 나의 판단을 주 앞에서 내시며 주의 눈은 공평함을 살피소서
Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri; meso enyu ngaaone zvakarurama.
3 주께서 내 마음을 시험하시고 밤에 나를 권고하시며 나를 감찰하셨으나 흠을 찾지 못하셨으니 내가 결심하고 입으로 범죄치 아니하리이다
Kunyange mukaedza mwoyo wangu uye mukandiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.
4 사람의 행사로 논하면 나는 주의 입술의 말씀을 좇아 스스로 삼가서 강포한 자의 길에 행치 아니하였사오며
Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga nzira dzouyo anoita nechisimba.
5 나의 걸음이 주의 길을 굳게 지키고 실족지 아니하였나이다
Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu; tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
6 하나님이여, 내게 응답하시겠는고로 내가 불렀사오니 귀를 기울여 내 말을 들으소서
Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu.
7 주께 피하는 자를 그 일어나 치는 자에게서 오른손으로 구원하시는 주여, 주의 기이한 인자를 나타내소서
Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru, imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, avo vanovanda vavengi vavo mamuri.
8 나를 눈동자 같이 지키시고 주의 날개 그늘 아래 감추사
Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,
9 나를 압제하는 악인과 나를 에워싼 극한 원수에게서 벗어나게 하소서
kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.
10 저희가 자기 기름에 잠겼으며 그 입으로 교만히 말하나이다
Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.
11 이제 우리의 걸어가는 것을 저희가 에워싸며 주목하고 땅에 넘어 뜨리려 하나이다
Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.
12 저는 그 움킨 것을 찢으려 하는 사자 같으며 은밀한 곳에 엎드린 젊은 사자 같으니이다
Vakaita seshumba ine nzara yechokudya, seshumba huru yakavandira pakavanda.
13 여호와여, 일어나 저를 대항하여 넘어뜨리시고 주의 칼로 악인에게서 나의 영혼을 구원하소서
Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo, vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa.
14 여호와여, 금생에서 저희 분깃을 받은 세상 사람에게서 나를 주의 손으로 구하소서 그는 주의 재물로 배를 채우심을 입고 자녀로 만족하고 그 남은 산업을 그 어린 아이들에게 유전하는 자니이다
Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai, kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno. Munopedza nzara yaavo vamunoda; vanakomana vavo vane zvakawanda, uye vanounganidzira vana vavo pfuma.
15 나는 의로운 중에 주의 얼굴을 보리니 깰 때에 주의 형상으로 만족하리이다
Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu; pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu.

< 시편 17 >