< 잠언 20 >

1 포도주는 거만케 하는 것이요 독주는 떠들게 하는 것이라 무릇 이에 미혹되는 자에게는 지혜가 없느니라
Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera.
2 왕의 진노는 사자의 부르짖음 같으니 그를 노하게 하는 것은 자기의 생명을 해하는 것이니라
Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.
3 다툼을 멀리 하는 것이 사람에게 영광이어늘 미련한 자마다 다툼을 일으키느니라
Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.
4 게으른 자는 가을에 밭 갈지 아니하나니 그러므로 거둘 때에는 구걸할지라도 얻지 못하리라
Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.
5 사람의 마음에 있는 모략은 깊은 물 같으니라 그럴찌라도 명철한 사람은 그것을 길어 내느니라
Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera.
6 많은 사람은 각기 자기의 인자함을 자랑하나니 충성된 자를 누가 만날 수 있으랴
Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?
7 완전히 행하는 자가 의인이라 그 후손에게 복이 있느니라
Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.
8 심판 자리에 앉은 왕은 그 눈으로 모든 악을 흩어지게 하느니라
Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.
9 내가 내 마음을 정하게 하였다, 내 죄를 깨끗하게 하였다 할 자가 누구뇨
Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”?
10 한결 같지 않은 저울 추와 말은 다 여호와께서 미워하시느니라
Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose.
11 비록 아이라도 그 동작으로 자기의 품행의 청결하며 정직한 여부를 나타내느니라
Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.
12 듣는 귀와 보는 눈은 다 여호와의 지으신 것이니라
Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.
13 너는 잠자기를 좋아하지 말라 네가 빈궁하게 될까 두려우니라 네 눈을 뜨라 그리하면 양식에 족하리라
Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.
14 사는 자가 물건이 좋지 못하다 좋지 못하다 하다가 돌아간 후에는 자랑하느니라
“Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.
15 세상에 금도 있고 진주도 많거니와 지혜로운 입술이 더욱 귀한 보배니라
Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.
16 타인을 위하여 보증이 된 자의 옷을 취하라 외인들의 보증이 된자는 그 몸을 볼모 잡힐지니라
Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso; itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati.
17 속이고 취한 식물은 맛이 좋은듯하나 후에는 그 입에 모래가 가득하게 되리라
Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.
18 무릇 경영은 의논함으로 성취하나니 모략을 베풀고 전쟁할지니라
Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.
19 두루 다니며 한담하는 자는 남의 비밀를 누설하니니 입술을 벌린 자를 사귀지 말지니라
Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa.
20 자기의 아비나 어미를 저주하는 자는 그 등불이 유암중에 꺼짐을 당하리라
Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru.
21 처음에 속히 잡은 산업은 마침내 복이 되지 아니하느니라
Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo.
22 너는 악을 갚겠다 말하지 말고 여호와를 기다리라 그가 너를 구원하시리라
Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.
23 한결 같지 않은 저울 추는 여호와의 미워하시는 것이요 속이는 저울은 좋지 못한 것이니라
Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.
24 사람의 걸음은 여호와께로서 말미암나니 사람이 어찌 자기의 길을 알 수 있으랴
Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?
25 함부로 이 물건을 거룩하다하여 서원하고 그 후에 살피면 그 것이 그물이 되느니라
Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.
26 지혜로운 왕은 악인을 키질하며 타작하는 바퀴로 그 위에 굴리느니라
Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.
27 사람의 영혼은 여호와의 등불이라 사람의 깊은 속을 살피느니라
Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.
28 왕은 인자와 진리로 스스로 보호하고 그 위도 인자함으로 말미암아 견고하니라
Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.
29 젊은 자의 영화는 그 힘이요 늙은 자의 아름다운 것은 백발이니라
Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.
30 상하게 때리는 것이 악을 없이 하나니 매는 사람의 속에 깊이 들어가느니라
Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.

< 잠언 20 >