< 레위기 20 >
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 너는 이스라엘 자손에게 또 이르라 무릇 그가 이스라엘 자손이든지 이스라엘에 우거한 타국인이든지 그 자식을 몰렉에게 주거든 반드시 죽이되 그 지방 사람이 돌로 칠 것이요
“Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe.
3 나도 그 사람에게 진노하여 그를 그 백성 중에서 끊으리니 이는 그가 그 자식을 몰렉에게 주어서 내 성소를 더럽히고 내 성호를 욕되게 하였음이라
Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene.
4 그가 그 자식을 몰렉에게 주는 것을 그 지방 사람이 못본체하고 그를 죽이지 아니하면
Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya,
5 내가 그 사람과 그 권속에게 진노하여 그와 무릇 그를 본받아 몰렉을 음란히 섬기는 모든 사람을 그 백성 중에서 끊으리라!
ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki.
6 음란하듯 신접한 자와 박수를 추종하는 자에게는 내가 진노하여 그를 그 백성 중에서 끊으리니
“‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.
7 너희는 스스로 깨끗케 하여 거룩할지어다! 나는 너희 하나님 여호와니라!
“‘Zvitsaurei mugove vatsvene nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
8 너희는 내 규례를 지켜 행하라! 나는 너희를 거룩케 하는 여호와니라!
Chengetai mitemo yangu mugoitevera. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene.
9 무릇 그 아비나 어미를 저주하는 자는 반드시 죽일지니 그가 그 아비나 어미를 저주하였은즉 그 피가 자기에게로 돌아가리라
“‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa. Atuka baba kana mai vake uye ropa rake richava pamusoro pake.
10 누구든지 남의 아내와 간음하는 자 곧 그 이웃의 아내와 간음하는 자는 그 간부와 음부를 반드시 죽일지니라!
“‘Kana mumwe akaita upombwe nomukadzi womumwe murume, kana nomukadzi womuvakidzani wake, vose murume mhombwe nomukadzi chifeve vanofanira kuurayiwa.
11 누구든지 그 계모와 동침하는 자는 그 아비의 하체를 범하였은즉 둘다 반드시 죽일지니 그 피가 자기에게로 돌아가리라
“‘Kana murume akavata nomukadzi wababa vake azvidza baba vake. Vose murume nomukadzi vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.
12 누구든지 그 자부와 동침하거든 둘 다 반드시 죽일지니 그들이 가증한 일을 행하였음이라 그 피가 자기에게로 돌아가리라
“‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo.
13 누구든지 여인과 교합하듯 남자와 교합하면 둘 다 가증한 일을 행함인즉 반드시 죽일지니 그 피가 자기에게로 돌아가리라
“‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.
14 누구든지 아내와 그 장모를 아울러 취하면 악행인즉 그와 그들을 함께 불사를지니 이는 너희중에 악행이 없게 하려 함이니라
“‘Kana mumwe akawana mukadzi pamwe chete namai vake, zvakaipa. Vose iye naivo vanofanira kupiswa mumoto kuitira kuti pasawanikwe kuipa pakati penyu.
15 남자가 짐승과 교합하면 반드시 죽이고 너희는 그 짐승도 죽일 것이며
“‘Kana murume akavata nemhuka anofanira kuurayiwa uye munofanira kuuraya mhuka yacho.
16 여자가 짐승에게 가까이하여 교합하거든 너는 여자와 짐승을 죽이되 이들을 반드시 죽일지니 그 피가 자기에게로 돌아가리라
“‘Kana mukadzi akaswedera kumhuka kuti avate nayo, urayai zvose mukadzi nemhuka yacho. Vanofanira kuurayiwa; ropa ravo richava pamusoro pavo.
17 누구든지 그 자매 곧 아비의 딸이나 어미의 딸을 취하여 그 여자의 하체를 보고 여자는 그 남자의 하체를 보면 부끄러운 일이라 그 민족 앞에서 그들이 끊어질지니 그가 그 자매의 하체를 범하였은즉 그 죄를 당하리라
“‘Kana murume akawana hanzvadzi yake mwanasikana wababa vake, kana kuti wamai vake, uye vakavata vose, ichi chinyadziso. Vanofanira kubviswa pamberi pameso avanhu vokwavo. Azvidza hanzvadzi yake uye achava nemhosva.
18 누구든지 경도하는 여인과 동침하여 그의 하체를 범하면 남자는 그 여인의 근원을 드러내었고 여인은 자기의 피 근원을 드러내었음인즉 둘 다 백성 중에서 끊어지리라
“‘Kana murume akavata nomukadzi panguva yokuva kwake kumwedzi akasangana naye, afumura chaipo panobva kuyerera kwake, mukadziwo azvifumura. Vose vari vaviri vanofanira kubviswa pavanhu vokwavo.
19 너의 이모나 고모의 하체를 범하지 말지니 이는 골육지친의 하체인즉 그들이 그 죄를 당하리라
“‘Usavata namainini kana vatete vako nokuti uku kuzvidza hama yapedyo; mose muri vaviri muchava nemhosva.
20 누구든지 백숙모와 동침하면 그 백숙부의 하체를 범함이니 그들이 그 죄를 당하여 무자히 죽으리라
“‘Kana murume akavata nomukadzi wababamunini vake azvidza babamunini vake. Vachava nemhosva; vachafa vasina vana.
21 누구든지 그 형제의 아내를 취하면 더러운 일이라 그가 그 형제의 하체를 범함이니 그들이 무자하리라
“‘Kana murume akawana mukadzi womukoma kana womununʼuna ichi chinhu chisina kunaka, azvidza mukoma kana mununʼuna wake. Vachashaya vana.
22 너희는 나의 모든 규례와 법도를 지켜 행하라! 그리하여야 내가 너희를 인도하여 거하게 하는 땅이 너희를 토하지 아니하리라
“‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze.
23 너희는 내가 너희 앞에서 쫓아내는 족속의 풍속을 좇지 말라! 그들이 이 모든 일을 행하므로 내가 그들을 가증히 여기노라
Hamufaniri kutevera tsika dzendudzi dzandichadzinga pamberi penyu. Nokuti dzakaita zvinhu zvose izvi, ndikadzisema.
24 내가 전에 너희에게 이르기를 너희가 그들의 땅을 기업으로 얻을 것이라 내가 그 땅 곧 젖과 꿀이 흐르는 땅으로 너희에게 주어 유업을 삼게 하리라 하였노라 나는 너희를 만민 중에서 구별한 너희 하나님 여호와라!
Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi.
25 너희는 짐승의 정하고 부정함과 새의 정하고 부정함을 구별하고 내가 너희를 위하여 부정한 것으로 구별한 짐승이나 새나 땅에 기는 곤충으로 인하여 너희 몸을 더럽히지 말라!
“‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri.
26 너희는 내게 거룩할지어다! 이는 나 여호와가 거룩하고 내가 또 너희로 나의 소유를 삼으려고 너희를 만민 중에서 구별하였음이니라
Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kundudzi kuti muve vangu ndoga.
27 남자나 여자가 신접하거나 박수가 되거든 반드시 죽일지니 곧 돌로 그를 치라 그 피가 자기에게로 돌아가리라
“‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’”