< 출애굽기 32 >
1 백성이 모세가 산에서 내려옴이 더딤을 보고 모여 아론에게 이르러 가로되 '일어나라 우리를 인도할 신을 우리를 위하여 만들라 이 모세 곧 우리를 애굽 땅에서 인도하여 낸 사람은 어찌 되었는지 알지 못함이라'
Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.”
2 아론이 그들에게 이르되 `너희 아내와 자녀의 귀의 금고리를 빼어 내게로 가져 오라'
Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.”
3 모든 백성이 그 귀에서 금고리를 빼어 아론에게로 가져 오매
Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni.
4 아론이 그들의 손에서 그 고리를 받아 부어서 각도로 새겨 송아지 형상을 만드니 그들이 말하되 '이스라엘아! 이는 너희를 애굽 땅에서 인도하여 낸 너희 신이로다' 하는지라
Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.”
5 아론이 보고 그 앞에 단을 쌓고 이에 공포하여 가로되 `내일은 여호와의 절일이니라' 하니
Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu kuti, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.”
6 이튿날에 그들이 일찌기 일어나 번제를 드리며 화목제를 드리고 앉아서 먹고 마시며 일어나서 뛰놀더라
Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya, vakanwa uye vakasimuka kuti vatambe.
7 여호와께서 모세에게 이르시되 너는 내려가라 네가 애굽 땅에서 인도하여 낸 네 백성이 부패하였도다
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora.
8 그들이 내가 그들에게 명한 길을 속히 떠나 자기를 위하여 송아지를 부어 만들고 그것을 숭배하며 그것에게 희생을 드리며 말하기를 애굽 땅에서 인도하여 낸 너희 신이라 하였도다
Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’”
9 여호와께서 또 모세에게 이르시되 내가 이 백성을 보니 목이 곧은 백성이로다
Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu.
10 그런즉 나대로 하게 하라! 내가 그들에게 진노하여 그들을 진멸하고 너로 큰 나라가 되게 하리라
Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.”
11 모세가 그 하나님 여호와께 구하여 가로되 '여호와여! 어찌하여 애굽 땅에서 인도하여 내신 주의 백성에게 진노하시나이까?
Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba?
12 어찌하여 애굽 사람으로 이르기를 여호와가 화를 내려 그 백성을 산에서 죽이고 지면에서 진멸하려고 인도하여 내었다 하게 하려 하시나이까? 주의 맹렬한 노를 그치시고 뜻을 돌이키사 주의 백성에게 이 화를 내리지 마옵소서!
VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika’? Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu.
13 주의 종 아브라함과 이삭과 이스라엘을 기억하소서! 주께서 주를 가리켜 그들에게 맹세하여 이르시기를 내가 너희 자손을 하늘의 별처럼 많게 하고 나의 허락한 이 온 땅을 너희의 자손에게 주어 영원한 기업이 되게 하리라 하셨나이다'
Rangarirai varanda venyu vanaAbhurahama, Isaka naIsraeri, vamakapika kwavari nemi pachenyu muchiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvenyu zviwande senyeredzi dzokudenga, uye ndichapa zvizvarwa zvenyu nyika iyi yose yandakavavimbisa, uye ichava nhaka yavo nokusingaperi.’”
14 여호와께서 뜻을 돌이키사 말씀하신 화를 그 백성에게 내리지 아니하시니라
Ipapo Jehovha akazvidemba uye akarega kuuyisa njodzi yaakanga oda kuisa pamusoro pavanhu vake.
15 모세가 돌이켜 산에서 내려 오는데 증거의 두 판이 그 손에 있고 그 판의 양면 이편 저편에 글자가 있으니
Mozisi akadzoka akaburuka mugomo ane mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake. Akanga akanyorwa kumativi ose ari maviri, mberi neshure.
16 그 판은 하나님이 만드신 것이요, 글자는 하나님이 쓰셔서 판에 새기신 것이더라
Mahwendefa aya rakanga riri basa raMwari; runyoro rwakanga rwuri runyoro rwaMwari, rwakatemwa pamahwendefa.
17 여호수아가 백성의 떠듦을 듣고 모세에게 말하되 `진중에서 싸우는 소리가 나나이다'
Joshua akati anzwa mheremhere yavanhu vaidanidzira, akati kuna Mozisi, “Mune ruzha rwehondo mumusasa.”
18 모세가 가로되 `이는 승전가도 아니요, 패하여 부르짖는 소리도 아니라 나의 듣기에는 노래하는 소리로다' 하고
Mozisi akapindura akati, “Harusi ruzha rwokukunda, harusi ruzha rwokukundwa; ruzha rwokuimba rwandinonzwa.”
19 진에 가까이 이르러 송아지와 그 춤 추는 것을 보고 대노하여 손에서 그 판들을 산 아래로 던져 깨뜨리니라
Mozisi akati aswedera pamusasa akaona mhuru uye nokutamba, kutsamwa kwake kukavira uye akakanda mahwendefa achibva mumaoko ake, akaaputsa kuita zvidimbu zvidimbu pajinga regomo.
20 모세가 그들의 만든 송아지를 가져 불살라 부수어 가루를 만들어 물에 뿌려 이스라엘 자손에게 마시우니라
Uye akatora mhuru yavakanga vagadzira ndokuipisa nomoto; ipapo akaikuya kuita upfu, akahuparadzira pamusoro pemvura uye akaita kuti vaIsraeri vainwe.
21 모세가 아론에게 이르되 `이 백성이 네게 어떻게 하였기에 네가 그들로 중죄에 빠지게 하였느뇨?'
Akati kuna Aroni, “Ko vanhu ava vakaiteiko kwauri, zvawakavatungamirira muchivi chikuru zvakadai?”
22 아론이 가로되 `내 주여, 노하지 마소서 이 백성의 악함을 당신이 아나이다
Aroni akapindura akati, “Regai kutsamwa, ishe wangu. Munoziva kuti vanhu ava vanorerekera sei pakutadza.
23 그들이 내게 말하기를 우리를 위하여 우리를 인도할 신을 만들라 이 모세 곧 우리를 애굽 땅에서 인도하여 낸 사람은 어찌 되었는지 알 수 없노라 하기에
Vakati kwandiri, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa kubva muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.’
24 내가 그들에게 이르기를 금이 있는 자는 빼어내라 한즉 그들이 그것을 내게로 가져왔기로 내가 불에 던졌더니 이 송아지가 나왔나이다'
Saka ndakati kwavari, ‘Ani naani ane zvishongo zvegoridhe, ngaabvise.’ Ipapo vakandipa goridhe ndikarikanda mumoto, uye ndipo pakabuda mhuru iyi!”
25 모세가 본즉 백성이 방자하니 이는 아론이 그들로 방자하게 하여 원수에게 조롱거리가 되게 하였음이라
Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vatopenga zvavo uye kuti Aroni akanga avarega vasisazvidzori uye kuti vakanga vava chiseko kuvavengi vavo.
26 이에 모세가 진문에 서서 가로되 `누구든지 여호와의 편에 있는 자는 내게로 나아오라!' 하매 레위 자손이 다 모여 그에게로 오는 지라
Saka akamira pamukova wokupinda nawo mumusasa akati, “Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Uye vaRevhi vose vakaenda kwaari.
27 모세가 그들에게 이르되 `이스라엘의 하나님 여호와께서 이같이 말씀하시기를 너희는 각각 허리에 칼을 차고 진 이 문에서 저 문까지 왕래하며 각 사람이 그 형제를, 각 사람이 그 친구를, 각 사람이 그 이웃을 도륙하라 하셨느니라'
Ipapo akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Murume mumwe nomumwe ngaapakate munondo parutivi rwake. Mufambe mumusasa kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, mumwe nomumwe achiuraya hama yake neshamwari yake nomuvakidzani wake.’”
28 레위 자손이 모세의 말대로 행하매 이 날에 백성 중에 삼천명 가량이 죽인 바 된지라
VaRevhi vakaita sezvavakarayirwa naMozisi, uye nomusi uyo vanhu zviuru zvitatu vakafa.
29 모세가 이르되 `각 사람이 그 아들과 그 형제를 쳤으니 오늘날 여호와께 헌신하게 되었느니라 그가 오늘날 너희에게 복을 내리시리라'
Ipapo Mozisi akati, “Imi matsaurirwa Jehovha nhasi, nokuti makanga muchirwa navanakomana venyu uye nehama dzenyu, uye akuropafadzai nhasi.”
30 이튿날 모세가 백성에게 이르되 `너희가 큰 죄를 범하였도다 내가 이제 여호와께로 올라가노니 혹 너희의 죄를 속할까 하노라' 하고
Fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, “Maita chitadzo chikuru. Asi zvino ndichaenda kuna Jehovha; zvimwe ndingagona kukuitirai yananiso nokuda kwechivi chenyu.”
31 여호와께로 다시 나아가 여짜오되 `슬프도소이다! 이 백성이 자기들을 위하여 금신을 만들었사오니 큰 죄를 범하였나이다
Saka Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa vanhu ava vaita chivi chikuru sei! Vazviitira vamwari vegoridhe.
32 그러나 합의하시면 이제 그들의 죄를 사하시옵소서! 그렇지 않사오면 원컨대 주의 기록하신 책에서 내 이름을 지워 버려주옵소서!'
Asi zvino, ndapota hangu varegererei chivi chavo, asi kana zvisina kudaro, ipapo ndidzimei henyu mubhuku ramakanyora.”
33 여호와께서 모세에게 이르시되 누구든지 내게 범죄하면 그는 내가 내 책에서 지워버리리라
Jehovha akapindura Mozisi akati, “Ani naani anenge atadzirana neni ndichamudzima mubhuku rangu.
34 이제 가서 내가 네게 말한 곳으로 백성을 인도하라 내 사자가 네 앞서 가리라 그러나 내가 보응할 날에는 그들의 죄를 보응하리라
Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.”
35 여호와께서 백성을 치시니 이는 그들이 아론의 만든바 그 송아지를 만들었음이더라
Uye Jehovha akarova vanhu nedenda nokuda kwezvavakaita nemhuru yakaitwa naAroni.