< 열왕기하 9 >

1 선지자 엘리사가 선지자의 생도 중 하나를 불러 이르되 너는 허리를 동이고 이 기름병을 손에 가지고 길르앗 라못으로 가라
Muprofita Erisha akadana murume aibva kuboka ravaprofita akati kwaari, “Chizvisunga chiuno chako, utore chinu chamafuta ugoenda kuRamoti Gireadhi.
2 거기 이르거든 님시의 손자 여호사밧의 아들 예후를 찾아 들어가서 그 형제 중에서 일어나게 하고 데리고 골방으로 들어가서
Kana wasvikako, utsvake Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi. Uende kwaari, umubvise pakati peshamwari dzake ugopinda naye muimba yomukati.
3 기름병을 가지고 그 머리에 부으며 이르기를 여호와의 말씀이 내가 네게 기름을 부어 이스라엘 왕을 삼노라 하셨느니라 하고 곧 문을 열고 도망하되 지체치 말지니라
Ipapo utore chinu ugodira mafuta pamusoro wake uchiti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ Ipapo ugozarura mukova utize; usanonoka!”
4 그 소년 곧 소년 선지자가 드디어 길르앗 라못으로 가니라
Naizvozvo jaya iri, muprofita, rakaenda kuRamoti Gireadhi.
5 저가 이르러 보니 군대 장관들이 앉았는지라 소년이 가로되 `장관이여 내가 당신에게 할 말씀이 있나이다' 예후가 가로되 `우리 모든 사람중에 뉘게 하려느냐' 가로되 `장관이여 당신에게니이다'
Akati asvika, akawana vakuru vehondo vagere pamwe chete. Akati, “Ndine shoko renyu, imi mukuru.” Jehu akamubvunza akati, “Kuna ani pakati pedu?” Iye akapindura akati, “Kunemi imi, mutungamiri.”
6 예후가 일어나 집으로 들어가니 소년이 그 머리에 기름을 부으며 이르되 `이스라엘 하나님 여호와의 말씀이 내가 네게 기름을 부어 여호와의 백성 곧 이스라엘의 왕을 삼노니
Jehu akasimuka akapinda mumba. Ipapo muprofita akadira mafuta pamusoro waJehu akati, “Zvanzi naJehovha: Mwari weIsraeri: ‘Ndakuzodza kuti uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri.
7 너는 네 주 아합의 집을 치라 내가 나의 종 곧 선지자들의 피와 여호와의 종들의 피를 이세벨에게 갚아주리라
Unofanira kuparadza imba yaAhabhu tenzi wako, uye ini ndichatsiva ropa ravaranda vangu vaprofita uye neropa ravaranda vose vaJehovha rakadeurwa naJezebheri.
8 아합의 온 집이 멸망하리니 이스라엘 중에 매인 자나 놓인 자나 아합에게 속한 모든 남자는 내가 다 멸절하되
Nokuti imba yose yaAhabhu ichaparadzwa. Ndichabvisa kubva kuna Ahabhu murume wokupedzisira wose wose muIsraeri, nhapwa kana akasununguka.
9 아합의 집을 느밧의 아들 여로보암의 집과 같게 하며 또 아히야의 아들 바아사의 집과 같게 할지라
Ndichaita imba yaAhabhu seyaJerobhoamu, mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha, mwanakomana waAhija.
10 이스르엘 지방에서 개들이 이세벨을 먹으리니 저를 장사할 사람이 없으리라 하셨느니라' 하고 곧 문을 열고 도망하니라
Kana ari Jezebheri, imbwa dzichamudya pamunda weJezireeri, hapana achamuviga.’” Ipapo akazarura mukova akatiza.
11 예후가 나와서 그 주의 신복들에게 이르니 한 사람이 묻되 평안이뇨 그 미친 자가 무슨 까닭으로 그대에게 왔더뇨 대답하되 그대들이 그 사람과 그 말한 것을 알리라
Jehu akati aenda kuna vamwe vabati pamwe naye, mumwe wavo akamubvunza akati, “Kwakanaka here? Ko, iri benzi romurume ravingei kwauri?” Jehu akapindura akati, “Murume uyu unomuziva nezvinhu zvaanogarotaura.”
12 무리가 가로되 당치 않은 말이라 그대는 우리에게 이르라 대답하되 저가 이리 이리 내게 말하여 이르기를 여호와의 말씀이 내가 네게 기름을 부어 이스라엘 왕을 삼는다 하셨다 하더라
Ivo vakati, “Hazvisizvo! Tiudze.” Jehu akati, “Hezvi zvaandiudza: ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’”
13 무리가 각각 자기의 옷을 급히 취하여 섬돌 위 곧 예후의 밑에 깔고 나팔을 불며 가로되 예후는 왕이라 하니라
Vakakurumidza kutora majasi avo vakaawaridza pasi pamakumbo ake pazvikwiriso. Ipapo vakaridza hwamanda vakadanidzira vachiti, “Jehu ava mambo!”
14 이에 님시의 손자 여호사밧의 아들 예후가 요람을 배반하였으니 곧 요람이 온 이스라엘로 더불어 아람 왕 하사엘을 인하여 길르앗 라못을 지키다가
Saka Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu navaIsraeri vose vakanga vadzivirira Ramoti Gireadhi nokuda kwaHazaeri mambo weAramu.
15 아람 왕 하사엘로 더불어 싸울 때에 아람 사람에게 상한 것을 치료하려 하여 이스르엘로 돌아왔던 때라 예후가 이르되 너희 뜻에 합당하거든 한 사람이라도 이 성에서 도망하여 이스르엘에 전하러 가지 못하게 하라 하니라
Asi mambo Joramu akanga adzokera kuJezireeri kuti andopora maronda aakanga akuvadzwa navaAramu muhondo naHazaeri, mambo weAramu.) Jehu akati, “Kana zviri izvo zvamunoda, ngaparege kuva neanonyeruka achibuda muguta achienda kunotaura shoko muJezireeri.”
16 예후가 병거를 타고 이스르엘로 가니 요람이 거기 누웠음이라 유다왕 아하시야는 요람을 보러 내려 왔더라
Ipapo akakwira mungoro yake akaenda kuJezireeri, nokuti Joramu akanga akazorora ikoko uye Ahazia mambo weJudha akanga adzikako kuti andomuona.
17 이스르엘 망대에 파숫군 하나가 섰더니 예후의 무리의 오는 것을보고 가로되 내가 한 무리를 보나이다 요람이 가로되 한 사람을 말을 태워 보내어 맞아 평안이냐 묻게 하라
Nharirire yakanga yakamira pamusoro peshongwe muJezireeri yakati ichiona varwi vaJehu vava kusvika, yakadanidzira ichiti, “Ndiri kuona varwi vari kuuya.” Joramu akamurayira akati, “Dana mutasvi webhiza. Mutume kuti anosangana navo agovabvunza kuti, ‘Muri kuuya norugare here?’”
18 한 사람이 말을 타고 가서 만나 가로되 왕의 말씀이 평안이냐 하시더이다 하매 예후가 가로되 평안이 네게 상관이 있느냐 내 뒤로 돌이키라 하니라 파숫군이 고하여 가로되 사자가 저희에게 갔으나 돌아오지 아니하나이다 하는지라
Mutasvi webhiza akakwidza kundosangana naJehu akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’” Jehu akapindura akati, “Uneiko iwe norugare? Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisa kuti, “Nhume yasvika kwavari, asi haisi kudzoka.”
19 다시 한 사람을 말을 태워 보내었더니 저희에게 가서 가로되 왕의 말씀이 평안이냐 하시더이다 하매 예후가 가로되 평안이 네게 상관이 있느냐 내 뒤로 돌이키라 하니라
Saka mambo akatumazve mumwe mutasvi webhiza. Akati achisvika kwavari akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’” Jehu akapindura akati, “Uneiko norugare iwe? Tevera shure kwangu.”
20 파숫군이 또 고하여 가로되 저도 저희에게까지 갔으나 돌아오지 아니하고 그 병거 모는 것이 님시의 손자 예후의 모는 것 같이 미치게 모나이다
Nharirire yakazivisazve ichiti, “Asvika kwavari, asi naiyewo haasi kudzoka. Kuchaira kwacho kwakafanana nokwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti anochaira kunge benzi.”
21 요람이 가로되 메우라 하매 그 병거를 메운지라 이스라엘 왕 요람과 유다 왕 아하시야가 각각 그 병거를 타고 가서 예후를 맞을새 이스르엘 사람 나봇의 토지에서 만나매
Joramu akarayira akati, “Sungai ngoro yangu.” Zvino yakati yasungwa, Joramu mambo weIsraeri naAhazia mambo weJudha vakakwira mumwe nomumwe mungoro yake, kundosangana naJehu. Vakasangana naye pamunda wakanga uri waNabhoti muJezireeri.
22 요람이 예후를 보고 가로되 예후야 평안이냐 대답하되 네 어미 이세벨의 음행과 술수가 이렇게 많으니 어찌 평안이 있으랴
Joramu akati aona Jehu akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Jehu?” Jehu akapindura akati, “Pangava norugare seiko, kana pachine ufeve nouroyi hwakawanda hwamai vako Jezebheri?”
23 요람이 곧 손을 돌이켜 도망하며 아하시야에게 이르되 아하시야여 반역이로다
Ipapo Joramu akatendeuka akatiza, achidanidzira kuna Ahazi achiti, “Tamukirwa, Ahazi!”
24 예후가 힘을 다하여 활을 당기어 요람의 두 팔 사이를 쏘니 살이 그 염통을 꿰뚫고 나오매 저가 병거 가운데 엎드러진지라
Ipapo Jehu akawembura uta hwake akapfura Joramu napakati pamapendekete. Museve wakandobaya pamwoyo wake iye ndokuwira mungoro yake.
25 예후가 그 장관 빗갈에게 이르되 그 시체를 취하여 이스르엘 사람 나봇의 밭에 던지라 네가 기억하려니와 이전에 너와 내가 함께 타고 그 아비 아합을 좇았을 때에 여호와께서 이 아래 같이 저의 일을 예언하셨느니라
Jehu akati kuna Bhidhikari, muchairi wengoro, “Musimudze umukande mumunda waimbova waNabhoti muJezireeri. Rangarira pataiva mungoro iwe neni tiri shure kwababa vake Ahabhu, Jehovha paakaita chiprofita ichi pamusoro pake:
26 여호와께서 말씀하시기를 내가 어젯날에 나봇의 피와 그 아들들의 피를 분명히 보았노라 또 말씀하시기를 이 토지에서 네게 갚으리라 하셨으니 그런즉 여호와의 말씀대로 그 시체를 취하여 이 밭에 던질지니라
‘Nezuro ndakaona ropa raNabhoti neropa romwanakomana wake, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye zvirokwazvo ndichaita kuti iwe uzviripe pamunda uno, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Naizvozvo zvino, chimusimudza umukande pamunda uyo, sezvakarehwa neshoko raJehovha.”
27 유다 왕 아하시야가 이를 보고 동산 정자 길로 도망하니 예후가 쫓아가며 이르되 저도 병거 가운데서 죽이라 하매 이블르암 가까운 구르 비탈에서 치니 저가 므깃도까지 도망하여 거기서 죽은지라
Ahazia mambo weJudha akati aona zvakanga zvaitika, akatiza nenzira yokuBheti Hagani. Jehu akamudzingirira, achidanidzira achiti, “Muurayei naiyewo!” Vakamukuvadza ari mungoro yake ari munzira yaienda nokuGuri pedyo neIbhiremi, asi akapunyuka akaenda kuMegidho akandofira ikoko.
28 그 신복들이 저를 병거에 싣고 예루살렘에 이르러 다윗성에서 그 열조와 함께 그 묘실에 장사하니라
Varanda vake vakamutakura nengoro vakaenda kuJerusarema vakandomuviga namadzibaba ake muguva rake muGuta raDhavhidhi.
29 아합의 아들 요람의 십 일년에 아하시야가 유다 왕이 되었었더라
(Mugore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhu, Ahazia akava mambo weJudha.)
30 예후가 이스르엘에 이르니 이세벨이 듣고 눈을 그리고 머리를 꾸미고 창에서 바라보다가
Zvino Jehu akaenda kuJezireeri. Jezebheri akati azvinzwa, akapenda meso ake, akashongedza bvudzi rake ndokutarira napawindo.
31 예후가 문에 들어오매 가로되 주인을 죽인 너 시므리여 평안하냐
Jehu akati achipinda pasuo, Jezebheri akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Zimuri, iwe muurayi watenzi wako?”
32 예후가 얼굴을 들어 창을 향하고 가로되 내 편이 될 자가 누구냐 누구냐 하니 두어 내시가 예후를 내다보는지라
Jehu akatarira kumusoro pawindo akadanidzira akati, “Ndiani ari kurutivi rwangu? Ndiani?” Varanda vaviri kana vatatu vakamutarira.
33 가로되 저를 내려던지라 하니 내려던지매 그 피가 담과 말에게 뛰더라 예후가 그 시체를 밟으니라
Jehu akati, “Mukandirei pasi!” Naizvozvo vakamukanda pasi, rimwe ropa rake rikapfachukira parusvingo napamabhiza paakatsikwa nawo.
34 예후가 들어가서 먹고 마시고 가로되 가서 이 저주 받은 계집을 찾아 장사하라 저는 왕의 딸이니라 하매
Jehu akapinda akadya uye akanwa. Akati, “Torai mukadzi akatukwa, mumuvige, nokuti akanga ari mwanasikana wamambo.”
35 가서 장사하려 한즉 그 두골과 발과 손바닥 외에는 찾지 못한지라
Asi vakati vaenda kundomuviga, havana chavakawana kunze kwedehenya rake, tsoka dzake namaoko ake chete.
36 돌아와서 고한대 예후가 가로되 이는 여호와께서 그 종 디셉 사람 엘리야로 말씀하신바라 이르시기를 이스르엘 토지에서 개들이 이세벨의 고기를 먹을지라
Vakadzokera vakandoudza Jehu, iye akati, “Iri ndiro shoko raJehovha raakataura kubudikidza nomuranda wake Eria muTishibhi achiti: Imbwa dzichadya nyama yaJezebheri pamunda wokuJezireeri.
37 그 시체가 이스르엘 토지에서 거름 같이 밭 면에 있으리니 이것이 이세벨이라고 가리켜 말하지 못하게 되리라 하셨느니라
Chitunha chaJezebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda wokuJezireeri, zvokuti hapana achagona kuti, ‘Uyu ndiye Jezebheri.’”

< 열왕기하 9 >