< 사무엘상 18 >

1 다윗이 사울에게 말하기를 마치매 요나단의 마음이 다윗의 마음과 연락되어 요나단이 그를 자기 생명 같이 사랑하니라
Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye.
2 그 날에 사울은 다윗을 머무르게 하고 그 아비의 집으로 다시 돌아가기를 허락지 아니하였고
Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake.
3 요나단은 다윗을 자기 생명 같이 사랑하여 더불어 언약을 맺었으며
Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye.
4 요나단이 자기의 입었던 겉옷을 벗어 다윗에게 주었고 그 군복과 칼과 활과 띠도 그리하였더라
Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake.
5 다윗이 사울의 보내는 곳마다 가서 지혜롭게 행하매 사울이 그로 군대의 장을 삼았더니 온 백성이 합당히 여겼고 사울의 신하들도 합당히 여겼더라
Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo.
6 무리가 돌아올 때 곧 다윗이 블레셋 사람을 죽이고 돌아올 때에 여인들이 이스라엘 모든 성에서 나와서 노래하며 춤추며 소고와 경쇠를 가지고 왕 사울을 환영하는데
Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba nziyo dzomufaro, namatambureni nenyere.
7 여인들이 뛰놀며 창화하여 가로되 `사울의 죽인 자는 천천이요, 다윗은 만만이로다' 한지라
Pavaitamba, vaiimba vachiti: “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.”
8 사울이 이 말에 불쾌하여 심히 노하여 가로되 `다윗에게는 만만을 돌리고 내게는 천천만 돌리니 그의 더 얻을 것이 나라 밖에 무엇이냐?'하고
Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?”
9 그 날 후로 사울이 다윗을 주목하였더라
Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo.
10 그 이튿날 하나님의 부리신 악신이 사울에게 힘있게 내리매 그가 집 가운데서 야료하는고로 다윗이 평일과 같이 손으로 수금을 타는데 때에 사울의 손에 창이 있는지라
Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake,
11 그가 스스로 이르기를 `내가 다윗을 벽에 박으리라' 하고 그 창을 던졌으나 다윗이 그 앞에서 두 번 피하였더라
uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose.
12 여호와께서 사울을 떠나 다윗과 함께 계시므로 사울이 그를 두려워한지라
Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro.
13 그러므로 사울이 그로 자기를 떠나게 하고 천부장을 삼으매 그가 백성 앞에 출입하며
Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo.
14 그 모든 일을 지혜롭게 행하니라 여호와께서 그와 함께 계시니라
Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye.
15 사울이 다윗의 크게 지혜롭게 행함을 보고 그를 두려워하였으나
Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya.
16 온 이스라엘과 유다는 다윗을 사랑하였으니 그가 자기들 앞에 출입함을 인함이었더라
Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo.
17 사울이 다윗에게 이르되 `내 맏딸 메랍을 네게 아내로 주리니 오직 너는 나를 위하여 용맹을 내어 여호와의 싸움을 싸우라' 하니 이는 그가 생각하기를 `내 손을 그에게 대지 말고 블레셋 사람의 손으로 그에게 대게 하리라' 함이라
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Hoyu Merabhi mwanasikana wangu mukuru. Ndichamupa kwauri kuti ave mukadzi wako; chete iwe chindishandira wakashinga uye urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro akafunga mumwoyo make achiti, “Handichasimudzi ruoko rwangu kuti ndirwe naye. VaFiristia ngavaite izvozvo!”
18 다윗이 사울에게 이르되 `내가 누구며 이스라엘 중에 내 친속이나 내 아비의 집이 무엇이관대 내가 왕의 사위가 되리이까?' 하였더니
Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini ndini ani hangu, uye mhuri yangu chiiko, kana imba yababa vangu muIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?”
19 사울의 딸 메랍을 다윗에게 줄 시기에 므훌랏 사람 아드리엘에게 아내로 준 바 되었더라
Saka nguva yakati yasvika yokuti Merabhi, mwanasikana waSauro, apiwe kuna Dhavhidhi, akawaniswa kuna Adhirieri weMehorati.
20 사울의 딸 미갈이 다윗을 사랑하매 혹이 사울에게 고한지라 사울이 그 일을 좋게 여겨
Zvino Mikari mwanasikana waSauro akanga achida Dhavhidhi, saka vakati vaudza Sauro izvozvo, akafara.
21 스스로 이르되 `내가 딸을 그에게 주어서 그에게 올무가 되게 하고 블레셋 사람의 손으로 그를 치게 하리라' 하고 이에 다윗에게 이르되 `네가 오늘 다시 내 사위가 되리라' 하니라
Akafunga akati, “Ndichamupa iye kwaari, kuitira kuti agova musungo kwaari uye kuitira kuti zvimwe ruoko rwavaFiristia rungarwe naye.” Saka Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Zvino wava nomukana wechipiri wokuti uve mukuwasha wangu.”
22 사울이 그 신하들에게 명하되 `너희는 다윗에게 비밀히 말하여 이르기를 보라 왕이 너를 기뻐하시고 모든 신하도 너를 사랑하나니 그런즉 네가 왕의 사위가 되는 것이 가하니라' 하라
Ipapo Sauro akarayira varanda vake akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muti, ‘Tarira, mambo ari kukufarira, uye varanda vake vose vanokuda; zvino, chiva mukuwasha wake.’”
23 사울의 신하들이 이 말로 다윗의 귀에 고하매 다윗이 가로되 `왕의 사위 되는 것을 너희는 경한 일로 보느냐? 나는 가난하고 천한 사람이로라' 한지라
Vakadzokorora mashoko iwaya kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi akati, “Munofunga kuti chinhu chiduku here kuva mukuwasha wamambo? Ndinongori munhu murombo zvake uye asingazivikanwi.”
24 사울의 신하들이 사울에게 고하여 가로되 `다윗이 여차여차히 말하더이다'
Varanda vaSauro vakati vamuudza zvakanga zvataurwa naDhavhidhi,
25 사울이 가로되 `너희는 다윗에게 이같이 말하기를 왕이 아무 폐백도 원치 아니하고 다만 왕의 원수의 보복으로 블레셋 사람의 양피 일백을 원하신다 하라' 하였으니 이는 사울의 생각에 `다윗을 블레셋 사람의 손에 죽게 하리라' 함이라
Sauro akati, “Muti kuna Dhavhidhi, ‘Mambo haasi kuda rimwezve roora romwenga rinokunda zvikanda zvapamberi zvavaFiristia zana, kuti atsive vavengi vake.’” Urongwa hwaSauro hwakanga huri hwokuurayisa Dhavhidhi navaFiristia.
26 사울의 신하들이 이 말로 다윗에게 고하매 다윗이 왕의 사위 되는 것을 좋게 여기므로 만기가 되지 못하여서
Varanda vakati vataurira Dhavhidhi zvinhu izvi, akafara kuti ave mukuwasha wamambo. Saka nguva yakatarwa isati yapera,
27 다윗이 일어나서 그 종자와 함께 가서 블레셋 사람 이백명을 죽이고 그 양피를 가져다가 수대로 왕께 드려 왕의 사위가 되고자 하니 사울이 그 딸 미갈을 다윗에게 아내로 주었더라
Dhavhidhi navanhu vake vakabuda vakauraya mazana maviri avaFiristia. Akauya nezvikanda zvavo zvapamberi akazvipa zvose zvakakwana kuna mambo kuitira kuti zvimwe angava mukuwasha wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake.
28 여호와께서 다윗과 함께 계심을 사울이 보고 알았고 사울의 딸 미갈도 그를 사랑하므로
Sauro akati aona kuti Jehovha akanga ana Dhavhidhi uye kuti Mikari mwanasikana wake akanga achida Dhavhidhi,
29 사울이 다윗을 더욱 더욱 두려워하여 평생에 다윗의 대적이 되니라
Sauro akatonyanya kumutya, uye akaramba ari muvengi wake pamazuva ake ose.
30 블레셋 사람의 방백들이 나오면 그들의 나올 때마다 다윗이 사울의 모든 신하보다 더 지혜롭게 행하매 이에 그 이름이 심히 귀중히 되니라
Vakuru vehondo yavaFiristia vakaramba vachienda kundorwa, uye nguva dzose dzavaienda, Dhavhidhi aibudirira kupfuura varanda vose vaSauro, uye zita rake rakazonyanya kuzivikanwa.

< 사무엘상 18 >