< 고린도전서 6 >
1 너희 중에 누가 다른 이로 더불어 일이 있는데 구태여 불의한 자들 앞에서 송사하고 성도 앞에서 하지 아니하느냐
Umwe wenyu anoti ane mhosva neumwe unotsunga kutongwa pamberi pevasakarurama uye pasiri pamberi pevatsvene here?
2 성도가 세상을 판단할 것을 너희가 알지 못하느냐 세상도 너희에게 판단을 받겠거든 지극히 작은 일 판단하기를 감당치 못하겠느냐
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, hamuna kufanira kutonga mhosva diki-diki here?
3 우리가 천사를 판단할 것을 너희가 알지 못하느냐 그러하거든 하물며 세상 일이랴
Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu huno?
4 그런즉 너희가 세상 사건이 있을 때에 교회에서 경히 여김을 받는 자들을 세우느냐
Naizvozvo kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu huno, vagadzei avo vanozvidzwa pakereke vatonge.
5 내가 너희를 부끄럽게 하려 하여 이 말을 하노니 너희 가운데 그 형제간 일을 판단할 만한 지혜있는 자가 이같이 하나도 없느냐
Ndinotaura kuti munyare. Naizvozvo hakuna munhu wakachenjera pakati penyu here, kana neumwe, angagona kutonga pakati pehama dzake?
6 형제가 형제로 더불어 송사할 뿐더러 믿지 아니하는 자들 앞에서 하느냐
Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.
7 너희가 피차 송사 함으로 너희 가운데 이미 완연한 허물이 있나니 차라리 불의를 당하는 것이 낫지 아니하며 차라리 속는 것이 낫지 아니하냐
Zvino naizvozvo patova nekukundikana kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kutadzirwa pakudaro? Munoregerei kutenda kubiridzirwa pakudaro?
8 너희는 불의를 행하고 속이는구나 저는 너희 형제로다
Asi imwi munotadza nekubiridzira, uye izvi munozviita kuhama.
9 불의한 자가 하나님의 나라를 유업으로 받지 못할 줄을 알지 못하느냐 미혹을 받지 말라 음란하는 자나 우상 숭배하는 자나 간음 하는 자나 탐색하는 자나 남색하는 자나
Kana hamuzivi here kuti vasakarurama havazogari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana vakapata paungochani, kana vanorara nevamwe varume,
10 도적이나 탐람하는 자나 술취하는 자나 후욕하는 자나 토색하는 자들은 하나님의 나라를 유업으로 받지 못하리라
kana mbavha, kana vachivi, kana vararadzi, kana vatuki, kana vapambi, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.
11 너희 중에 이와 같은 자들이 있더니 주 예수 그리스도의 이름과 우리 하나님의 성령 안에서 씻음과 거룩함과 의롭다 하심을 얻었느니라
Uye vamwe venyu vakange vari izvozvi; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makanzi makarurama muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.
12 모든 것이 내게 가하나 다 유익한 것이 아니요 모든 것이 내게 가하나 내가 아무에게든지 제재를 받지 아니하리라
Zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira; zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi ini handizotongwi nechinhu.
13 식물은 배를 위하고 배는 식물을 위하나 하나님이 이것 저것 다 폐하시리라 몸은 음란을 위하지 않고 오직 주를 위하며 주는 몸을 위하시느니라
Kudya ndekwedumbu, nedumbu nderezvekudya; asi Mwari achaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupombwe, asi waIshe, naIshe ndevemuviri.
14 하나님이 주를 다시 살리셨고 또한 그의 권능으로 우리를 다시 살리시리라
Uye Mwari wakamutsa Ishewo achatimutsa nesu nesimba rake.
15 너희 몸이 그리스도의 지체인 줄을 알지 못하느냐 내가 그리스도의 지체를 가지고 창기의 지체를 만들겠느냐 결코 그럴 수 없느니라
Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!
16 창기와 합하는 자는 저와 한 몸인 줄을 알지 못하느냐 일렀으되 둘이 한 육체가 된다 하셨나니
Kana hamuzivi kuti anobatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nokuti ava vaviri, anoti, vachava nyama imwe.
Asi anobatanidzwa naIshe wava mweya umwe naye.
18 음행을 피하라 사람이 범하는 죄마다 몸 밖에 있거니와 음행하는 자는 자기 몸에게 죄를 범하느니라
Tizai upombwe. Chivi chese munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe anotadzira muviri wake amene.
19 너희 몸은 너희가 하나님께로부터 받은 바 너희 가운데 계신 성령의 전인 줄을 알지 못하느냐 너희는 너희의 것이 아니라
Kana hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene ari mamuri, wamunaye achibva kuna Mwari, uye imwi hamusi venyu?
20 값으로 산 것이 되었으니 그런즉 너희 몸으로 하나님께 영광을 돌리라
Nokuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu, uye mumweya wenyu, zviri zvaMwari.