< 요한계시록 11 >

1 또 내게 지팡이 같은 갈대를 주며 말하기를 일어나서 하나님의 성전과 제단과 그 안에서 경배하는 자들을 척량하되
Zvino kwakapiwa kwandiri rutsanga rwakaita semudonzvo, mutumwa ndokumira achiti: Simuka, zvino yera tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.
2 성전 밖 마당은 척량하지 말고 그냥 두라 이것을 이방인에게 주었은즉 저희가 거룩한 성을 마흔 두 달 동안 짓밟으리라
Asi chivanze chiri kunze kwetembere urasire panze, uye usachiyera; nokuti chakapiwa kuvechirudzi; uye vachatsikira guta dzvene pasi mwedzi makumi mana nemiviri.
3 내가 나의 두 증인에게 권세를 주리니 저희가 굵은 베옷을 입고 일천 이백 육십 일을 예언하리라
Zvino ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu, zvakapfeka masaga.
4 이는 이 땅의 주 앞에 섰는 두 감람나무와 두 촛대니
Ava miti miviri yemiorivhi, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
5 만일 누구든지 저희를 해하고자 한즉 저희 입에서 불이 나서 그 원수를 소멸할지니 누구든지 해하려 하면 반드시 이와 같이 죽임을 당하리라
Zvino kana kune anoshuva kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo wavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana umwe achishuva kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.
6 저희가 권세를 가지고 하늘을 닫아 그 예언을 하는 날 동안 비 오지 못하게 하고 또 권세를 가지고 물을 변하여 피되게 하고 아무 때든지 원하는 대로 여러가지 재앙으로 땅을 치리로다
Ava vane simba rekupfiga denga, kuti kusanaya mvura pamazuva ekuporofita kwavo, uye vane simba pamusoro pemvura, kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ese nguva dzese dzavanoda.
7 저희가 그 증거를 마칠 때에 무저갱으로부터 올라오는 짐승이 저희로 더불어 전쟁을 일으켜 저희를 이기고 저희를 죽일 터인즉 (Abyssos g12)
Uye kana vapedza uchapupu hwavo, chikara chinokwira kubva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, ndokuvakunda nekuvauraya. (Abyssos g12)
8 저희 시체가 큰 성 길에 있으리니 그 성은 영적으로 하면 소돔이라고도 하고 애굽이라고도 하니 곧 저희 주께서 십자가에 못 박히신 곳이니라
Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu.
9 백성들과 족속과 방언과 나라 중에서 사람들이 그 시체를 사흘 반 동안을 목도하며 무덤에 장사하지 못하게 하리로다
Zvino vanobva kuvanhu nevemarudzi nevendimi nevendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe mumakuva.
10 이 두 선지자가 땅에 거하는 자들을 괴롭게 한고로 땅에 거하는 자들이 저희의 죽음을 즐거워하고 기뻐하여 서로 예물을 보내리라 하더라
Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza vanogara panyika.
11 삼일 반 후에 하나님께로부터 생기가 저희 속에 들어가매 저희 발로 일어서니 구경하는 자들이 크게 두려워하더라
Zvino shure kwemazuva matatu nehafu, mweya weupenyu kubva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vakavaona.
12 하늘로부터 큰 음성이 있어 이리로 올라오라 함을 저희가 듣고 구름을 타고 하늘로 올라가니 저희 원수들도 구경하더라
Zvino vakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Zvino vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo ndokuvaona.
13 그 시에 큰 지진이 나서 성 십분의 일이 무너지고 지진에 죽은 사람이 칠천이라 그 남은 자들이 두려워하여 영광을 하늘의 하나님께 돌리더라
Zvino nenguva iyoyo kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, chegumi cheguta ndokuwa, nemazita evanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara ndokuvhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.
14 둘째 화는 지나갔으나 보라 세째 화가 속히 이르는도다
Nhamo yechipiri yapfuura; zvino tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kuuya.
15 일곱째 천사가 나팔을 불매 하늘에 큰 음성들이 나서 가로되 `세상 나라가 우리 주와 그 그리스도의 나라가 되어 그가 세세토록 왕노릇하시리로다' 하니 (aiōn g165)
Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuva kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye achatonga kusvika rinhi narinhi. (aiōn g165)
16 하나님 앞에 자기 보좌에 앉은 이십 사 장로들이 엎드려 얼굴을 대고 하나님께 경배하여
Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawa nezviso zvavo vakanamata Mwari,
17 가로되 `감사하옵나니 옛적에도 계셨고 시방도 계신 주 하나님 곧 전능하신 이여 친히 큰 권능을 잡으시고 왕노릇하시도다
vachiti: Tinokuvongai, Ishe Mwari Wemasimbaose, aripo, wakange aripo, neachauya, nokuti makatora simba renyu guru, uye makatonga.
18 이방들이 분노하매 주의 진노가 임하여 죽은 자를 심판하시며 종 선지자들과 성도들과 또 무론대소하고 주의 이름을 경외하는 자들에게 상 주시며 또 땅을 망하게하는 자들을 멸망시키실 때로소이다' 하더라
Zvino marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuparadza vanoparadza nyika.
19 이에 하늘에 있는 하나님의 성전이 열리니 성전 안에 하나님의 언약궤가 보이며 또 번개와 음성들과 뇌성과 지진과 큰 우박이 있더라
Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano yake mutembere yake; ndokuvapo mheni nemanzwi nekutinhira nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.

< 요한계시록 11 >