< 누가복음 20 >

1 하루는 예수께서 성전에서 백성을 가르치시며 복음을 전하실 새 대제사장들과 서기관들이 장로들과 함께 가까이 와서
Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,
2 말하여 가로되 `당신이 무슨 권세로 이런 일을 하는지 이 권세를 준 이가 누구인지 우리에게 말하라'
ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?
3 대답하여 가라사대 `나도 한 말을 너희에게 물으리니 내게 말하라
Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:
4 요한의 세례가 하늘로서냐? 사람에게로서냐?'
Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu?
5 저희가 서로 의논하여 가로되 `만일 하늘로서라 하면 어찌하여 저를 믿지 아니하였느냐 할 것이요
Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?
6 만일 사람에게로서라 하면 백성이 요한을 선지자로 인정하니 저희가 다 우리를 돌로 칠 것이라' 하고
Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vese vachatitaka nemabwe; nokuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.
7 대답하되 `어디로서인지 알지 못하노라' 하니
Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.
8 예수께서 이르시되 `나도 무슨 권세로 이런 일을 하는지 너희에게 이르지 아니하리라' 하시니라
Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
9 이 비유로 백성에게 말씀하시되 `한 사람이 포도원을 만들어 농부들에게 세로 주고 타국에 가서 오래 있다가
Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;
10 때가 이르매 포도원 소출 얼마를 바치게 하려고 한 종을 농부들에게 보내니 농부들이 종을 심히 때리고 거저 보내었거늘
zvino nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.
11 다시 다른 종을 보내니 그도 심히 때리고 능욕하고 거저 보내었거늘
Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.
12 다시 세번째 종을 보내니 이도 상하게 하고 내어 쫓은지라
Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze.
13 포도원 주인이 가로되 어찌할꼬 내 사랑하는 아들을 보내리니 저희가 혹 그는 공경하리라 하였더니
Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.
14 농부들이 그를 보고 서로 의논하여 가로되 이는 상속자니 죽이고 그 유업을 우리의 것으로 만들자 하고
Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.
15 포도원 밖에 내어 쫓아 죽였느니라 그런즉 포도원 주인이 이 사람들을 어떻게 하겠느뇨?
Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achavaitirei?
16 와서 그 농부들을 진멸하고 포도원을 다른 사람들에게 주리라 하시니 사람들이 듣고 가로되 그렇게 되지 말아지이다 하거늘
Achauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemizambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!
17 저희를 보시며 가라사대 그러면 기록된 바 건축자들의 버린 돌이 모퉁이의 머릿돌이 되었느니라 함이 어찜이뇨
Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?
18 무릇 이 돌 위에 떨어지는 자는 깨어지겠고 이 돌이 사람 위에 떨어지면 저를 가루로 만들어 흩으리라' 하시니라
Wese anowira pamusoro pebwe iro, achavhuniwa-vhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.
19 서기관들과 대제사장들이 예수의 이 비유는 자기들을 가리켜 말씀하심인 줄 알고 즉시 잡고자 하되 백성을 두려워하더라
Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyu akanangana navo.
20 이에 저희가 엿보다가 예수를 총독의 치리와 권세 아래 붙이려 하여 정탐들을 보내어 그들로 스스로 의인인 체하며 예수의 말을 책잡게 하니
Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.
21 그들이 물어 가로되 `선생님이여 우리가 아노니 당신은 바로 말씀하시고 가르치시며 사람을 외모로 취치 아니하시고 오직 참으로써 하나님의 도를 가르치시나이다
Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.
22 우리가 가이사에게 세를 바치는 것이 가하니이까? 불가하니이까?' 하니
Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?
23 예수께서 그 간계를 아시고 가라사대
Asi wakaziva unyengeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei?
24 `데나리온 하나를 내게 보이라 뉘 화상과 글이 여기 있느냐?' 대답하되 `가이사의 것이니이다'
Ndiratidzei dhenario; rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.
25 가라사대 `그런즉 가이사의 것은 가이사에게 하나님의 것은 하나님께 바치라' 하시니
Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
26 저희가 백성 앞에서 그의 말을 능히 책잡지 못하고 그의 대답을 기이히 여겨 잠잠하니라
Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.
27 부활이 없다 주장하는 사두개인 중 어떤 이들이 와서
Zvino kwakaswedera vamwe veVaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka, ndokumubvunza,
28 물어 가로되 `선생님이여, 모세가 우리에게 써 주기를 사람의 형이 만일 아내를 두고 자식이 없이 죽거든 그 동생이 그 아내를 취하여 형을 위하여 후사를 세울지니라 하였나이다
vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.
29 그런데 칠 형제가 있었는데 맏이 아내를 취하였다가 자식이 없이 죽고
Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina mwana;
30 그 둘째와 세째가 저를 취하고
newechipiri akatora mukadzi uyo, neuyu akafa asina mwana;
31 일곱이 다 그와 같이 자식이 없이 죽고
newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.
32 그 후에 여자도 죽었나이다
Pakupedzisira kwavo vese mukadzi wakafawo.
33 일곱이 다 저를 아내로 취하였으니 부활 때에 그 중에 뉘 아내가 되리이까?'
Naizvozvo pakumuka, achava mukadzi waani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye semukadzi.
34 예수께서 이르시되 `이 세상의 자녀들은 장가도 가고 시집도 가되 (aiōn g165)
Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa; (aiōn g165)
35 저 세상과 및 죽은 자 가운데서 부활함을 얻기에 합당히 여김을 입은 자들은 장가가고 시집가는 일이 없으며 (aiōn g165)
asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa; (aiōn g165)
36 저희는 다시 죽을 수도 없나니 이는 천사와 동등이요 부활의 자녀로서 하나님의 자녀임이니라
nokuti havagoni kufazve; nokuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka.
37 죽은 자의 살아난다는 것은 모세도 가시나무떨기에 관한 글에 보였으되 주를 아브라함의 하나님이요, 이삭의 하나님이요, 야곱의 하나님이시라 칭하였나니
Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi reminzwa, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
38 하나님은 죽은 자의 하나님이 아니요 산 자의 하나님이시라 하나님에게는 모든 사람이 살았느니라' 하시니
Nokuti haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nokuti vese vanoraramira iye.
39 서기관 중 어떤 이들이 말하되 `선생이여, 말씀이 옳으니이다' 하니
Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
40 저희는 아무 것도 감히 더 물을 수 없음이더라
Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.
41 예수께서 저희에게 이르시되 `사람들이 어찌하여 그리스도를 다윗의 자손이라 하느냐?
Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?
42 시편에 다윗이 친히 말하였으되 주께서 내 주께 이르시되
Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
43 내가 네 원수를 네 발의 발등상으로 둘 때까지 내 우편에 앉았으라 하셨도다 하였느니라
kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
44 그런즉 다윗이 그리스도를 주라 칭하였으니 어찌 그의 자손이 되겠느뇨?' 하시니라
Naizvozvo Dhavhidhi anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?
45 모든 백성이 들을 때에 예수께서 그 제자들에게 이르시되
Zvino vanhu vese vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:
46 `긴 옷을 입고 다니는 것을 원하며 시장에서 문안 받는 것과 회당의 상좌와 잔치의 상석을 좋아하는 서기관들을 삼가라
Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;
47 저희는 과부의 가산을 삼키며 외식으로 길게 기도하니 그 받는 판결이 더욱 중하리라' 하시니라
vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira mutongo mukuru.

< 누가복음 20 >