< 이사야 46 >
1 벨은 엎드러졌고 느보는 구부러졌도다 그들의 우상들은 짐승과 가축에게 실리웠으니 너희가 떠메고 다니던 그것은 피곤한 짐승의 무거운 짐이 되었도다
Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama; zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro. Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema, mutoro pazvipfuwo zvakaneta.
2 그들은 구부러졌고 그들은 일제히 엎드러졌으므로 그 짐을 구하여 내지 못하고 자기도 잡혀 갔느니라
Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete; zvisingagoni kurwira mutoro, izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.
3 야곱 집이여 이스라엘 집의 남은 모든 자여 나를 들을지어다 배에서 남으로부터 내게 안겼고 태에서 남으로부터 내게 품기운 너희여
“Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vakasara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.
4 너희가 노년에 이르기까지 내가 그리하겠고 백발이 되기까지 내가 너희를 품을 것이라 내가 지었은즉 안을 것이요 품을 것이요 구하여 내리라
Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu, bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai. Ndakakuitai uye ndichakutakurai; ndichakuraramisai uye ndichakununurai.
5 너희가 나를 누구에 비기며 누구와 짝하며 누구와 비교하여 서로같다 하겠느냐
“Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani? Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?
6 사람들이 주머니에서 금을 쏟아 내며 은을 저울에 달아 장색에게 주고 그것으로 신을 만들게 하고 그것에게 엎드려 경배하고
Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo, uye vanoyera sirivha pazviyero; vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari, vagopfugama kuti vachinamate.
7 그것을 들어 어깨에 메어다가 그의 처소에 두면 그것이 서서 있고 거기서 능히 움직이지 못하며 그에게 부르짖어도 능히 응답지 못하며 고난에서 구하여 내지도 못하느니라
Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.
8 너희 패역한 자들아 이 일을 기억하고 장부가 되라 이 일을 다시 생각하라
“Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu, muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.
9 너희는 옛적 일을 기억하라 나는 하나님이라 나 외에 다른 이가 없느니라! 나는 하나님이라 나 같은 이가 없느니라!
Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni.
10 내가 종말을 처음부터 고하며 아직 이루지 아니한 일을 옛적부터 보이고 이르기를 나의 모략이 설 것이니 내가 나의 모든 기뻐하는 것을 이루리라 하였노라
Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.
11 내가 동방에서 독수리를 부르며 먼 나라에서 나의 모략을 이룰 사람을 부를 것이라 내가 말하였은즉 정녕 이룰 것이요 경영하였은즉 정녕 행하리라
Kubva kumabvazuva ndinodana gondo; kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu. Zvandakareva ndichaita kuti zviitike; zvandakaronga, ndichazviita.
12 마음이 완악하여 의에서 멀리 떠난 너희여! 나를 들으라
Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara, iyemi muri kure nokururama.
13 내가 나의 의를 가깝게 할 것인즉 상거가 멀지 아니하니 나의 구원이 지체치 아니할 것이라 내가 나의 영광인 이스라엘을 위하여 구원을 시온에 베풀리라
Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu, hakusi kure; uye ruponeso rwangu haruzononotswi. Ndichapa ruponeso kuZioni, nokubwinya kwangu kuna Israeri.