< 창세기 5 >
1 아담 자손의 계보가 이러하니라 하나님이 사람을 창조하실 때에 하나님의 형상대로 지으시되
Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu. Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari.
2 남자와 여자를 창조하셨고 그들이 창조되던 날에 하나님이 그들에게 복을 주시고 그들의 이름을 사람이라 일컬으셨더라
Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.”
3 아담이 일백 삼십세에 자기 모양 곧 자기 형상과 같은 아들을 낳아 이름을 셋이라 하였고
Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti.
4 아담이 셋을 낳은 후 팔백년을 지내며 자녀를 낳았으며
Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana.
Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa.
Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi.
7 에노스를 낳은 후 팔백 칠년을 지내며 자녀를 낳았으며
Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.
Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani.
10 게난을 낳은 후 팔백 십 오년을 지내며 자녀를 낳았으며
Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri.
13 마할랄렐을 낳은 후 팔백 사십년을 지내며 자녀를 낳았으며
Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.
Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi.
16 야렛을 낳은 후 팔백 삼십년을 지내며 자녀를 낳았으며
Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
17 그가 팔백 구십 오세를 향수하고 죽었더라
Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki.
19 에녹을 낳은 후 팔백년을 지내며 자녀를 낳았으며
Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
20 그가 구백 육십 이세를 향수하고 죽었더라
Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.
Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera.
22 므두셀라를 낳은 후 삼백년을 하나님과 동행하며 자녀를 낳았으며
Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
24 에녹이 하나님과 동행하더니 하나님이 그를 데려 가시므로 세상에 있지 아니하였더라
Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.
25 므두셀라는 일백 팔십 칠세에 라멕을 낳았고
Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki.
26 라멕을 낳은 후 칠백 팔십 이년을 지내며 자녀를 낳았으며
Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
27 그는 구백 육십 구세를 향수하고 죽었더라
Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.
Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana.
29 이름을 노아라 하여 가로되 `여호와께서 땅을 저주하시므로 수고로이 일하는 우리를 이 아들이 안위하리라' 하였더라
Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.”
30 라멕이 노아를 낳은 후 오백 구십 오년을 지내며 자녀를 낳았으며
Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
31 그는 칠백 칠십 칠세를 향수하고 죽었더라
Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.
32 노아가 오백세 된 후에 셈과, 함과, 야벳을 낳았더라
Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti.