< 데살로니가전서 1 >

1 바울과 실루아노와 디모데는 하나님 아버지와 주 예수 그리스도 안에 있는 데살로니가인의 교회에 편지하노니 은혜와 평강이 너희에게 있을지어다
Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
2 우리가 너희 무리를 인하여 항상 하나님께 감사하고 기도할 때에 너희를 말함은
Tinovonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu mese, tichikutaurai muminyengetero yedu,
3 너희의 믿음의 역사와 사랑의 수고와 우리 주 예수 그리스도에 대한 소망의 인내를 우리 하나님 아버지 앞에서 쉬지 않고 기억 함이니
tichiramba tichirangarira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu;
4 하나님의 사랑하심을 받은 형제들아 너희를 택하심을 아노라
tichiziva hama dzinodikanwa, kusanangurwa kwenyu naMwari;
5 이는 우리 복음이 말로만 너희에게 이른 것이 아니라 오직 능력과 성령과 큰 확신으로 된 것이니 우리가 너희 가운데서 너희를 위하여 어떠한 사람이 된 것은 너희 아는 바와 같으니라
nokuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru, sezvamunoziva kuti takange tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu.
6 또 너희는 많은 환난 가운데서 성령의 기쁨으로 도를 받아 우리와 주를 본받은 자가 되었으니
Nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,
7 그러므로 너희가 마게도냐와 아가야 모든 믿는 자의 본이 되었는지라
zvekuti makava mienzaniso kune vese vanotenda muMakedhonia neAkaya.
8 주의 말씀이 너희에게로부터 마게도냐와 아가야에만 들릴 뿐 아니라 하나님을 향하는 너희 믿음의 소문이 각처에 퍼지므로 우리는 아무 말도 할 것이 없노라
Nokuti kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete muMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo imwe neimwe rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunze, zvekuti hatifaniri kutaura chinhu.
9 저희가 우리에 대하여 스스로 고하기를 우리가 어떻게 너희 가운데 들어간 것과 너희가 어떻게 우상을 버리고 하나님께로 돌아와서 사시고 참되신 하나님을 섬기며
Nokuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu kuti takapinda nemutoo upi kwamuri; uye kuti makatendeukira sei kuna Mwari muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
10 또 죽은 자들 가운데서 다시 살리신 그의 아들이 하늘로부터 강림하심을 기다린다고 말하니 이는 장래 노하심에서 우리를 건지시는 예수시니라
uye makamirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotinunura pahasha dzinouya.

< 데살로니가전서 1 >