< Ufunuo 6 >

1 Nikalanga wakati mwanakondoo bho abhopuili moja jha mihuri jhela saba, ni kapeleka mmonga ghwa bhala bhenye uhai bhancheche ajobhili kwa sauti jhajhawaningene ni radi, “Hidayi!”
Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.
2 Nikalanga na pajhele ni bakuli, na apelibhu litaji. Ahomili kama mshindi jhaashindili ili ashindayi.
Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.
3 Wakati mwanakondoo abhopoili mihuri ghwa pili nikapeleka mwenye uhai ghwa pili ijobha, “Hidayi!”
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
4 Kisha farasi jhongi akahida - n'dughu kama muoto. Jhaakwelili apelibhu ruhusa jha kubhosya amani paduniani, ili kwamba bhanu bhachinjanayi ojho jhaakwelili apelibhu upanga mbaha.
Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, nokuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.
5 Wakati mwanakondoo abhopuili bhola mihuri ghwa tatu, ijobha, “Hidayi!” Nikabhona farasi jhititu, na jhaakwelili ajhe ni mizani mumabhoko mwa muene.
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.
6 Nikapeleka sauti jhajhabhonekene jha mmonga ghwa bhala bhenye uhai jhijobha, “kibaba kya ngano kwa dinari jhimonga ni fibaba fidatu fya shayiri kwa dinari jhimonga. Lakini ufighadhuru kwa mafuta gha divai.”
Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.
7 Wakati mwanakondoo abhopuili muhuri ghwa nne, nikapeleka sauti jha mwenye uhai ghwa nne jhijobha, “Hidayi!”
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
8 Kisha nikabhona farasi ghwa kijivu, jhaakwelili akutibhu lihina lya muene mauti, ni kuzimu jhikajhajhikan'kesya. Bhapelibhu mamlaka panani jha robo jha nchi, kukoma kwa upanga, kwa njala ni kwa bhutamu, ni kwa bhanyama bha mwitu mu nchi. (Hadēs g86)
Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika. (Hadēs g86)
9 Wakati mwanakondoo abhopuili muhuri ghwa tano, nikabhona pasi pa madhabahu roho sya bhala bhabhajhele bhakomibhu kwandabha jha litobhi lya K'yara ni kutokana ni ushuhuda bhwabhaukamuili kwa uthabiti.
Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yevakange vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo.
10 Bhakalela kwa sauti mbaha, “mpaka ndali, mtawala ghwa fyoha, mtakatifu ni mkweli, wibeta kuhukumu bhabhitama panani pa nchi, ni kulepesya kisasi damu jha tete?”
Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, regai kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?
11 Kisha mmonga jha apelibhu likanzu libhalafu na bhajobhibhu kujha bhilondeka kulendela kidogo hata pajhibeta kutimila hesabu kamili jha bhatumishi bhajhabhi ni bhalongo bhabhi bha kidala ni bhakigosi pajhibeta kutimila ambabho bhibeta kukomibhwa, kama fela ambafyo bhene bhakomibhu.
Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvikira vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa.
12 Wakati mwanakondoo abhopuili muhuri ghwa sita, nalolili na pajhele ni litetemeko libhaha. Lijobha lyajhele lititu kama ligunila lya singa, ni mwesi bhuoha bhwajhele kama damu.
Zvino ndakaona parakange razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa;
13 Matondo gha kumbinguni ghabinili mu nchi, kama mtini kyaghwibinisya matunda ghake gha wakati bhwa mepu pa wihugusibhwa ni kingongola.
nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru.
14 Anga jhabhokili kama gombo lyalisyongosibhu. khila kidonda ni kisiwa fya hamisibhu mahali pake.
Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo rega-rega nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
15 Kisha bhafalme bha nchi ni bhanu maarufu ni majemadari, matajiri, bhenye nghofu, ni khila mmonga jhaajhele mtumwa ni huru, bbhakakifigha mu mapango ni mu miamba jha fidonda.
Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vese, nevakasununguka vese vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo,
16 Bhakajhijobhela fidonda ni miamba, “Tubinilayi! Tufighai dhidi jha uso bhwa muene jhaitama pa kiti kya enzi ni kuhoma ligoga lya mwanakondoo.
zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;
17 Kwa kujha siku kuu jha gadhabu jhabhene jhihida, niani jhaibhwesya kujhema?”
nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?

< Ufunuo 6 >