< Yohana 20 >
1 Manyata ligono lya kuanza lya juma lubhuliku Mariamu Magdalena ahidili kulikaburi akalibhona liganga lele libhosibhu pa likaburi.
Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.
2 Kwa iyo akajumba mbio kulota kwa Simoni Petro ni kwa jhola mwanafunzi jhongi ambajhe Yesu an'ganili, kisha akabhajobhela, “bhan'tolili Bwana mu likaburi, natu tumanyilepi kwa bhambekili.”
Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.
3 Kisha Petro ni jhola mwanafunzi jhongi bhakabhoka, kulotela kulikaburi.
Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.
4 Bhoha bhakajha bhijumba kwa pamonga; mwanafunzi jhongi jhola ajumbili nesu kuliko Petro ni kubhwayi kufika kulikaburi.
Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.
5 Akajhema na kisha kuhongolela mu likaburi; akajhibhona sanda jhela jha kitani jhigonili, lakini ajhingilepi mugati.
Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.
6 Kisha Simoni Petro ni muene akahida akajhingila mugati mu likaburi. Akajhibhona sanda jha kitani jhela jhigonili pala
Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,
7 ni leso jhela jhajhele pamuto pa muene jhajhelepi pamonga ni sanda jha kitani bali jhajhele jhigonili pa lubhafu.
nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega.
8 Ndipo mwanafunzi jhongi jhola ni muene akajhingila mu likaburi; akalola ni kukiera.
Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;
9 Kwa kujha hadi wakati obhu bhajhele bhaghamanyilepi maandiku kwamba ilimlazimu Yesu afufukayi kabhele katika bhafu.
nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa.
10 Kisha bhanafunzi bhakalota kabhele kunyumba jha bhene.
Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.
11 Hata nahu, Mariamu ajhele ajhemili pa likaburi ilela, bho ijhendelela kulela akajhema kisha akalanga mulikaburi.
Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,
12 Akabhabhona malaika bhabhele bhenye sura sibhalafu bhatamili mmonga kumutu ni jhongi kumagolo mahali ambapo Yesu agonili.
akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
13 Na bhene bhakan'jobhela, “N'dala, kwandabha jha kiki ghwilela?” Ni muene akabhajobhela, “Kwa ndabha bhan'tolili Bwana ghuangu, nani nimanyilepi kwa bhamp'ekili.”
Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.
14 Bho amalikujobha aghu, ageuiki ni kumbona Yesu akajha ajhemili. Lakini amanyilepi kujobha ojhu ajhele Yesu.
Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
15 Ni muene Yesu akan'jobhela, “Mabhu, kwa ndabha jha kiki wilela? Ukandonda niani?” Ni muene khuni akajha amanyili kujha ndo mtunza bustani akan'jobhela, “Bwana, kama ndo bhebhe un'tolili, nijobhelayi kwa umb'ekili, ni nene nibetakun'tola.”
Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.
16 Yesu akan'jobhela, “Mariamu.” Ni muene akageuka muene ni kun'jobhela kwa Kiaramu, “Raboni,” yaani sawa nikujobha, “Mwalimu.”
Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.
17 Yesu akan'jobhela, “Usinigusi, kwani bado nakona kupaa kulota kwa dadi; bali ulotayi kwa bhalongobhangu ukabhajobhelayi kujha nibetakupaa kulota kwa Ddadi jhangu ambajhe pia ndo Dadi jhinu, K'yara ghwa nene na K'yara ghwa muenga.”
Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.
18 Mariamu Magdalena akahida kubhajobhela bhanafunzi, “Nimbwene Bwana,” na kwamba an'jobhili mambo agha.
Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.
19 Na bho jhifikili kimihi, ligono elu, ligono lya kuanza lya juma, ni milyangu jhikajha jhidendibhu mahali ambapo bhanafunzi bhajhele kwa kuhofela Bhayahudi, Yesu akahida ni kujhema katikati jha bhene ni kubhajobhela, “Amani ijhelayi kwa muenga.”
Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
20 Bho amalikujobha aghu akabhalasya mabhokho gha muene ni lubhafu kwa muene. Na bhene bhanafunzi bho bhambwene Bwana bhahobhelili.
Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
21 Kisha Yesu akabhajobhela kabhele, “Amani ijhelayi namu. Kama vile Dadi kyaanilaghisi nene, fefuefu nani nikabhatuma muenga.”
Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.
22 Yesu bho amalili kujobha aghu akabhavuvila akabhajobhela, Mupokelayi Roho Mtakatifu.
Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23 Jhejhioha jha mwibetakun'samehe dhambi, bhasamehibhu; ni bhala bha mwibetakubhafungila bhafungibhu.”
Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa.
24 Thomaso, mmonga wa bhala kumi ni bhabhele, jhaakutibhu Dididmas, ajhelepi ni bhanafunzi bhajhinu Yesu bho ahiodili.
Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya.
25 Bhanafunzi bhangi bhala bhakan'jobhela baadajhe, “Tumbwene Bwana.” N i muene akabhajobhela, “Kama nibetalepi kubhona alama sya misumari mu mabhoko gha muene, ni kubheka fikonji fya nene mu alama e'su, na pia kubheka kubhoko kyangu mu lubhafu kwa muene nibetalepi kukiera.”
Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
26 Baada jha magono nane bhanafunzi bhajhele kabhele mu kichumba, ni Thomaso ajhele pamonga nabhu. Wakati miliangu idendibhu Yesu ajhemili katikati jha bhene na akajobha, “Amani na ijhelayi kwa muenga.”
Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.
27 Kisha akan'jobhela Thomaso, letayi kikonyi kya jhobhi na ulotayi mabhoko ghangu; letayi apa mabhoko gha jhobhi na ubhekayi mu lubhafu lwa nene; wala usijhi jhaibetakukiera bali jhaikiera.”
Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.
28 Ni muene Thomaso akajibu ni kun'jobhela, “Bwana ghuangu ni K'yara ghuangu.”
Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!
29 Yesu akan'jobhela, Kwa kujha unibhwene, ukieriri. Bhabarikibhu bhene bhabhikier, bila kubhona.”
Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.
30 Kisha Yesu abhombi ishara simehele mbele jha bhanafunzi, ambasyo sibhwajhilepi kulembibhwa mu kitabu ekhe;
Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
31 bali e'se silembibhu ili kwamba mubhwesyayi kukiera kwamba Yesu ndo Kristu, mwana ghwa K'yara, na kwamba pamwikiera mujhiajhi ni uzima mu lihina lya muene.
Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.