< Bharumi 6 >
1 Mbe chaikeki? chigendelele mu chibhibhi koleleki echigongo chiyongeshe?
Zvino tichatii? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?
2 Uli na katyali. Eswe bhanu chifuye mu chibhibhi, echitula atiki lindi okulama kwibhyo?
Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?
3 Angu mutakumenya ati bhaliya bhanu bhabhatijibhwe mu Kristo bhabhatijibhwe mu kufwa kwae.
Kana hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
4 Chaliga chisikilwe amwi nage okulabha mu bhubhatijo mu mulufu. Gunu gwakolekene koleleki ati lwa kutyo Kristo enamusibhwe okusoka mulufu okulabha mwikusho Lya Lata, koleleki neswe chitule okulibhata mu bhuyaya bhwo bhulame.
Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu.
5 Kulwo kubha chigwatanyisibhwe amwi nage mu chijejekanyo cho Lufu lwae one echigwatanyisibhwa mu bhusuluko bhwae.
Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake;
6 Eswe chimenyele kutya, bhumunu weswe obhwakala bhwabhambilwe amwi nage, koleleki ati omubhili gwe chibhibhi gunyamulwe. Gunu gwabhonekene koleleki ati chisige okugendelela kubha bhagaya bhe bhibhibhi.
tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi;
7 Omwene unu afuye akolelwe kubha mulengelesi okulubhana ne chibhibhi.
nokuti uyo wakafa wakasunungurwa pachivi.
8 Mbe nawe alabha chifuye amwi na Kristo, echikilisha ati echilama amwi nage one.
Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;
9 Chimenyele ati Kristo asuluywe okusoka mu bhafuye, na ati atali mufuye lindi. Olufu lutakumutunga lindi.
tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake.
10 Kulwo kubha ku misango jo lufu lunu afuye kulwe bhibhibhi, afuye lumwila ingulu ya bhona. Nolwo kutyo, obhulame bhunu kalama, alamile ingulu ya Nyamuanga.
Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari.
11 Ku njila eyo eyo, nemwe one kubheile okwibhala ati mufuye mu bhibhibhi, nawe muli bhaanga mu Nyamuanga mu Kristo Yesu.
Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu.
12 Kunsonga eyo wasiga kwikilisha echibhibhi chitunge omubhili gwao koleleki utule okujubhaya jinamba jae.
Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwacho;
13 Wasiga kusosha lubhala lwo mubhili gwao mu chibhibhi ni kuti bhinu bhinu bhitana bhulengelesi, nawe mwisoshe emwe abhene ku Nyamuanga, kuti bhanu bhanu bhali bhaanga okusoka mulufu. Na musoshe amabhala ge mubhili jemwe kuti bhinu bhyo bhulengelesi ku Nyamuanga
uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.
14 . Mwasiga kuchikilisisha echibhibhi chibhatunge. kulwo kubha mutali emwalo ye bhilagilo, nawe emwalo ye chigongo.
Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.
15 Mbe ni chinuki? chikolwa echibhibhi kulwo kubha chitali emwalo ye chilagilo, amwi emwalo ye chigongo? Ulicho nakatyali.
Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!
16 Mutakumenya ati ku mwene bhanu abhesosha abhene kuti bhakosi niwe unu emwe omubha bhakosi bhae, mwene unu jimwiile okumwolobhela? Linu ni lya chimali nolwo kutyo emwe muli bhagaya mu chibhibhi chinu echiletelela olufu, amwi bhagaya bhanu obhwolobhe bhunu obhubhasilila obhulengelesi.
Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?
17 Mbe nawe asimwe Nyamuanga! kwo kubha mwaliga bhagaya bhe bhibhibhi, nawe nimwolobha okusoka mu mitima jilya kuti liigisho linu mwayanilwe.
Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri;
18 Mwasulumuywe okusoka mu bhibhibhi, nimukolwa kubha bhagaya bha bhalengelesi.
uye masunungurwa kubva pachivi, makaitwa varanda vekururama.
19 Enaika kuti munu kunsonga yo bhukeyeleywe bhwe mibhili jemwe. Kulwo kubha lwakutyo mwasosishe jigingo je mubhili jemwe kubha bhagaya kwo bhujabhi no bhubhibhi, nkokutyo jili, mbe woli musoshe ebhiungo bye mibhili kubha bhagaya bha bhalengelesi mu kwesibhwa.
Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene.
20 Kulwo kubha anu mwaliga muchali bhagaya bhe bhibhibhi, mwaliga musulumuywe kula no bhulengelesi.
Nokuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama.
21 Mumwaya ogwo, mwaliga muli ne etwasho lilyaki ku misango jinu woli omulola nswalo kwibhyo? kulwo kubha okubhonekana kwe misango ejo ni lufu.
Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu.
22 Mbe nawe kulwo kubha woli mwasulumuywe kula ne bhibhibhi na mukolelwe kubha bhagaya bha Nyamuanga, muli na litwasho ingulu yo kwesibhwa. kubhutelo bhwejo ni bhuanga bhwa kajanende. (aiōnios )
Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi. (aiōnios )
23 Okubha omuyelo gwe chibhibhi ni kufwa, nawe echiyanwa cha kutyo-ela ku Nyamuanga ni bhuanga bhwa kajanende mu Kristo Yesu Latabhugenyi weswe. (aiōnios )
Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōnios )