< Bharumi 1 >
1 Paulo, omukosi wa Yesu Kristo, unu abhilikiywe kubha Ntumwa, no kwaulwa ingulu ye misango jo bhwana eja Nyamuanga.
Pauro, muranda waJesu Kristu, wakadanwa kuva muapositori, atsaurirwa evhangeri yaMwari,
2 Jinu nijo jilya eje misango jo bhwana jinu alagile kala okulabha ku bhalagi bhae mu maandiko amelu.
(yaakagara avimbisa nevaporofita vake mumagwaro matsvene),
3 No kulubhana no mwana wae, unu ebhuywe okusoka muluganda lwa Daud kulwa ingulu yo mubhili.
maererano neMwanakomana wake, wakabva kumbeu yaDhavhidhi zvichienderana nenyama,
4 Mwenene niwe alasibhwe ku Mwana wa Nyamuanga kwa managa ga Mwoyo Mwelu mu bhusuluko bhwa bhafuye, Yesu Kristo Latabhugenyi weswe.
wakatemerwa kuva Mwanakomana waMwari nesimba, maererano neMweya weutsvene, nekumuka kwevakafa, ndiye Jesu Kristu Ishe wedu;
5 Okulabha ku mwenene chalamiye echigongo no bhutume kwo bhwolobhe bhwe likilisha mu Maanga gone, ingulu ya lisina lyae.
watakagamuchira naye nyasha nevuapositori kuti kuve kuteerera kwerutendo pakati pevahedheni vese, nekuda kwezita rake,
6 Mumaanga ganu, emwe one mubhilikiywe kubha bha Yesu Kristo.
vamuri pakati pavo nemwi, vakadanwa vaJesu Kristu;
7 Inyalubha inu ni kubhona bhanu bhali Roma, bhanu abhandi na Nyamuanga, bhanu bhabhilikiywe kubha bhanu bhalengelesi. Echigongo chibhe kwimwe, no mulembe okusoka ku Nyamuanga Lata weswe na Latabhugenyi Yesu Kristo.
kune vese vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuva vatsvene: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
8 Okwamba, enimusima Nyamuanga wani mu Yesu Kristo ingulu yemwe bhona, kulwa insonga elikilisha lyemwe eilasibhwa mu Chalo chona.
Kutangawo ndinovonga Mwari wangu nemuna Jesu Kristu pamusoro penyu mese, kuti rutendo rwenyu rwunoparidzirwa panyika yese.
9 kulwo kubha Nyamuanga ni mubhambasi wani, unu enikolela mu mutima gwani ku musango gwo bhwana ogwo mwana wae, lwa kutyo enikomesha mukubhaika.
Nokuti Mwari chapupu changu, wandinoshumira pamweya wangu muevhangeri yeMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,
10 Nsiku jone enikomesha mu okusabhwa jisala jani ati ku njila Yona yona mubhutelo nibhone libhando woli mu Kwenda kwa Nyamuanga mu Kuja kwemwe.
panguva dzese muminyengetero yangu ndinokumbira, kuti kana zvichigoneka nechido chaMwari, ndibudirire kuuya kwamuri pakuguma.
11 Kulwo kubha eninda okubhalola, koleleki nibhone okubhayana emwe abhandi ebhiyanwa bhya mumwoyo, nibhone okubhakomesha.
Nokuti ndinoshuva kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chemweya, kuti musimbiswe,
12 Ati, enilolelela okusilisibhwa mu Mwoyo amwi nemwe, mu njila ye likilisha Lya bhuli umwi weswe, kwemwe na kwanye.
ndiko kuti, ndinyaradzwe pamwe pakati penyu, nerutendo rweumwe neumwe, zvese rwenyu nerwangu.
13 Oli abhasu, nitakwenda muleme okumenyekana ati, kwiya kafu nilamue okuja kwemwe, nawe niganyibhwe okinga oli, nendaga kutya koleleki ati amatwasho kwemwe lwakutyo jili ona agatigati ya bhanu bha Maanga.
Zvino handidi kuti musaziva, hama, kuti kazhinji ndaizvipira kuuya kwamuri (ndokudziviswa kusvikira ikozvino), kuti ndive nechimwe chibereko pakati penyuwo, sepakati pevamwe vahedheniwo.
14 Enitwongwa na bhayunani na bhagenyi ona abhengeso na bhamumu.
Ndine ngava kuVaGiriki nekuvatorwawo, kuvakachenjera nekune vasina kuchenjerawo;
15 Lwakutyo kwibhala lyani, anye nimalilie okulasha omusango gwo bhwana kwemwe one emwe bhanu muliyo Roma.
saizvozvo sezviri mandiri ndakagadzirira kuparidza evhangeri kwamuriwo imwi muri paRoma.
16 Kulwo kubha nitagulolela nswalo omusango gwo bhwana, kulwo kubha ni bhutulo bhwa Nyamuanga bhunu obhuleta omwelulo ku bhuli unu kekilisha, okwamba ku Muyaudi na ku Muyunani one.
Nokuti handinyadzisvi neevhangeri yaKristu; nokuti isimba raMwari rinoendesa kuruponeso kune umwe neumwe anotenda, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo.
17 Kulwo kubha obhulengelesi bhwa Nyamuanga obhubhonekana okusoka mu kwikilisha kukinga mu kwikilisha, lwa kutyo jandikilwe, ati “Omulengelesi kalama mu likilisha.”
Nokuti kururama kwaMwari kunoratidzwa mairi kubva parutendo kusvika parutendo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Asi wakarurama achararama nerutendo.
18 Kulwo kubha ebhinyiga bhya Nyamuanga bhyabhulisibhwe okusoka mu lwile ingulu yo bhunyamusi ne bhibhibhi bhyona ebhya bhanu, abha ku njila yo bhunyamusi inu eiseleka echimali.
Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kubva kudenga pamusoro pekusada Mwari kwese nekusarurama kwevanhu vanodzivisa chokwadi nekusarurama;
19 Inu ni kulwa insonga, gona ganu agatula okumenyekana ingulu ya Nyamuanga gali abhwelu kubhene. Kulwo kubha Nyamuanga abhamenyesishe.
nokuti izvo zvinozikanwa pamusoro paMwari zviri pachena pakati pavo; nokuti Mwari wakazviratidza kwavari.
20 Kulwo kubha amasango gae ganu gatakubhonekana kisi gali abhwelu okusoka mukumogwa kwe Chalo. Agamenyekana okulabha ku bhinu bhinu bhyamogelwe. Amasango ganu ni bhutulo bhwae obhwa kajanende no bhusimuka bhwa Bhunyamuanga. Mukubhonekana kwae, abhanu bhanu bhatana bhwilige-lige. (aïdios )
Nokuti zvisingaonekwi zvake, kubva pakusikwa kwenyika, zvinonzwisisika pazvinhu zvakaitwa, zvinooneswa pachena, simba rake rekusingaperi pamwe neuMwari hwake, kuti vasava nemanzvengero; (aïdios )
21 Linu ni kwa insonga, nolwo kutyo bhamenyele okulubhana na Nyamuanga, bhatamukusishe mwene kuti Nyamuanga, nolwo bhatamusimile. Okwiya nibhabha bhafila mu meganilisho gebhwe, na mu Mioyo jebhwe ejo bhumumu nijiswikilwa echisute.
nokuti vakati vaziva Mwari, havana kumurumbidza saMwari kana kuvonga, asi vakava vasina maturo mumirangariro yavo, nemoyo wavo usinganzwisisi wakaitwa mutema.
22 Nibhebhilikila ati ni bhengeso, nawe nibhabha bhamumu.
Vachizvipupurira kuva vakachenjera vakava mapenzi,
23 Bhaliinduye likusho lya Nyamuanga unu atana bhunyamuke mu chijejekanyo cho lususo lwo mwanamunu unu ali no bhunyamuke, na jinyonyi, na jintyanyi eja magulu gana, ne je bhimogwa bhinu ebhikwesa.
uye vakashandurira kubwinya kwaMwari asingafi kumufananidzo wechifananidzo chemunhu anofa nekushiri nekuzvine makumbo mana nekuzvinokambaira.
24 Kulwenda Nyamuanga abhasigile bhalubhe inamba ye Mwoyo jebhwe kwo bhujabhi, kwe mibhili jebhwe abhaswasibhwa no kubhonekana kwebhwe.
Naizvozvowo Mwari wakavapa kutsvina kubudikidza nekuchiva kwemoyo yavo, kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo;
25 Nibho abhene bhainduye echimali cha Nyamuanga kubha lulimi, nabho bhalamishe no kukolela ebhimwongwa okukila omumogi, oyo kakusibhwa kajanende. Amina. (aiōn )
avo vakashandurira chokwadi chaMwari kunhema, uye vakanamata nekushumira chisikwa kupfuura Musiki, iye anorumbidzwa nekusingaperi. Ameni. (aiōn )
26 Kulwa insonga inu, Nyamuanga abhasigile bhalubhe jinamba jebhwe ejajiswalo, kwo kubha abhagasi bhebhwe bhainduye ebhikolwa bhwyebhwe bhyo bhusimuka kuchilya chinu chitasikene no bhusimuka.
Nekuda kweizvozvo Mwari wakavapa kukuchiva kunonyadzisa; nokuti kunyange vanhukadzi vavo vakashandura basa rechisikirwo rive rinopesana nechisikirwo;
27 Nolwo kutyo na Bhalume one nibhasiga ebhikolwa bhwyebhwe bhyo bhusimuka kubhagasi nibhanambalilana abhene kwa bhene. Bhanu bhaliga bhalume abho bhakolele na bhalume bhejabho ganu gateile, nabho bhalamie intambala inu yalinga iiyile mu bhunyamuke bhwyebhwe.
uye saizvozvowo vanhurume vakasiya basa rechisikirwo kumunhukadzi, vakapiswa nekuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume vachiita zvinonyadzisa vachigamuchira mukati mavo muripo wakafanira kurasika kwavo.
28 Kunsonga bhalemele okubha na Nyamuanga mu bhumenyi bhwebhwe, abhasigile bhalubhe obhwenge bhwebhwe bhunu bhuteile, bhakole emisango jilya jinu jiteile.
Uye zvavakaona zvisina kufanira kugara naMwari muruzivo, Mwari wakavapa kumurangariro wakaraswa, kuti vaite zvinhu zvisakafanira;
29 Bhejusibhwe no bhulangi - langi bhwona, obhubhibhi, inamba mbibhi. Bhejusibhwe na lifuwa, obhwiti, obhulemo, obhujigi-jigi, abho Mwoyo mubhibhi.
vakazadzwa nekusarurama kwese, ufeve, kuipa, ruchiva, unhubu, kuzara negodo, umhondi, gakava, kunyengera, utsotsi, vanoita makuhwa,
30 Abho one, ni Bhalomi bhe bhiwewe, abhabheelesha, na bhanu abhamubhiililwa Nyamuanga. Abhanyamuke, abhechigundu, na bhanu abhekuya. Na abhetemeki bha mabhibhi, na bhanyantolobhela bhebhusi bhwebhwe.
vacheri, vavengi vaMwari, vazvidzi, vadadi, vanozvikudza, vavambi vezvakaipa, vasingateereri vabereki,
31 Bhenene bhatana bhumenyi; Bhanu bhanyantekilishanya, bhanyambula lyenda lyo bhusimuka, bhanyantafwila chigongo.
vasinganzwisisi, vaputsi vesungano, vane utsinye, vasingaregereri, vasina tsitsi,
32 Abhamenyesishe ebhilolelela bhya Nyamuanga, ati abhanu bhanu abhakola emisango jejabhwejo bhejile lufu. Nawe atali ati-la abhakola emisango ejo, bhwenene one abhekilishanya na bhalya bhanu abhakola emisango ejo.
avo vanoti vachiziva murairo wekururama kwaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa nerufu, havaiti izvo chete, asiwo vanotenderana nevanozviita.