< Okuswelulwa 3 >

1 Ku Malaika wa Likanisa Lya Sardi yandika: 'Emisango ja uliya unu agwatiliye jilya emyoyo musanju eja Nyamuanga na jinjota musanju. “Enimenya chinu oukola. uli no lususo lwo kubha muanga mbe nawe, uli mufuye.
“Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa.
2 Imuka na ukomeshe ganu gasagile, mbe nawe gali yei okufwa, kunsonga nitabhibwene ebhikolwa bhyao bhikumiye mu meso ga Nyamuanga wani.
Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu.
3 Kulwejo, nuwichuke, jiliya jinu walamiye no kungwa. Nuwolobhe no kuta. Mbe nawe ukalema okwimuka, enija lwo mwifi, na utakumenya ni mwanya ki gunu enikujako.
Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri.
4 Mbe nawe galio amasina matoto aga bhanu bhanu bhali Sardi bhanu bhatajijabhishe emyenda jebhwe. Abho nibho abhalibhata amwi nanye, bhafwaye emyenda jimwela kobho, kunsonga bhejile.
Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira.
5 Mbe unu kaiga kafwafibhwa ebhifwalo bhimwela kobho, na koto nitakulisimya Lisina lyaye okusoka mu chitabho cho bhuanga, na enilibhilikila lisina lyaye imbele ya Lata wani, na imbele ya Bhamalaika.
Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo.
6 Alabha uli no kutwi, tegelesha jinu Mwoyo kutyo kagabhwila amakanisa.”
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
7 “Ku Malaika owa Likanisa elya Philadefia yandika: Emisango ja unu ali mulengelesi na ali we chimali-unu ali na jifungulujo ja Daudi, na kegula na atalio unu kegala, kegala na atalio unu katula okwigula.
“Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura.
8 Enimenya chinu ukolele. Lola, nikuteleyeo imbele yao omulyango gunu gwigukile gunu atalio unu katula ogugwigala. Nimenyele ati uli na managa matoto mbe nawe ugwolobhee omusango gwani na utakulilema lisina lyani.
Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu.
9 Lola! bhona bhanu bhali mulikofyanyisho lya Shetani, bhanu abhaika ati bhenene ni Bhayaudi Kasi tikwo kutyo, kukila ejo abhajiga-jiga. Enibhakola bhaje no kulamya imbele ya magulu gao, na mbamenya ati naliga nikwendele.
Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda.
10 Kulwo kubha ubhibhikile ebhilagilo bhyani kwo bhwigumilisha kwe chimali, enikulinda one mu mwanya gwao ogwo kulegejibhwa gunu oguja mu Chalo chona, okubhalegeja bhaliya bhona bhanu bhekaye mu chalo.
Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika.
11 Enija bhwangu. Nugwatilile muno chinu uli nacho koleleki asiga kubhao munu owo kugega olutenga lwao.
Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako.
12 Enimukola unu kaiga kubha ing'ingi mu Yekalu ya Nyamuanga wani, na atakusokamo koto. Enilyandika ku mwene lisina Lya Nyamuanga wani, lisina lyo musi gwa Nyamuanga wani (Yelusalemu nyaya, gunu ogwika okusoka mu lwile ku Nyamuanga wani), ne Sina lyani eyaya.
Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva.
13 Omwene unu ali no kutwi, nongwe chinu Mwoyo kaika ku MaKanisa.'
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.
14 “Ku Malaika wa Likanisa elya Laodikia yandika: 'Emisango jaye unu ali Amina, unu ali wo kwimako no mubhambasi Mwiikanyibhwa, mutungi ingulu yo bhumogi bhwa Nyamuanga.
“Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari.
15 Enimenya chinu ukolele, na ati awe utanyiliye nolwo utanebhila, niligiye ati akili wakabhee munyiliye amwi mubhila!
Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi!
16 Kwibhyo, ku nsonga awe uli ne bhila bhila, utane bhila nolwo kunyilila, mbe enija okukutanaka usoke mu munwa gwani.
Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu.
17 Kulwa kubha owaika, “Anye nili munibhi, nabhee na bhinu bhyafu, na nitakenele chinu chona chona.” Mbe nawe atakumenya ati awe uli mutaka na munu we mwalo muno, no owo kusulumbalilwa, mutaka, muofu na tuyu.
Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira.
18 Tegelesha inyaika yani: nugule kwanye ijaabhu inu ilabhile mu mulilo koleleki ubhone kubha munibhi, na jingubho jimwela jinu ejilabhyangila koleleki ujifwale omwene na wasiga kwelesha jinswalo ja bhutuyu bhwao, na amafuta go kubhambaga ku meso gao koleleki ulole.
Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona.
19 Bhuli unu enenda, enimwelesha no kumwiigisha lwa kutyo jiile okulama; kulwejo, nubhe we chimali na ute.
Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke.
20 Lola enimelegulu ku mulyango ne nikonona. Wone wone unu kongwa obhulaka bhwani no kwingula omulyango, enija no kwingila muju yaye, no kulya ebhilyo nage no mwene amwi nanye.
Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.
21 Unu kaiga, enimuyana echimali cho kwinyanja amwi nanye ingulu ye chitebhe chani cha ingoma, lwa kutyo anye naigile no kwinyanja amwi na Lata wani ingulu ye chitebhe chaye echa ingoma.
Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.
22 Unu ali no kutwi, kwo kungwa mbe nongwe jinu Mwoyo kabhwila amakanisa.”
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

< Okuswelulwa 3 >