< Okuswelulwa 2 >

1 “Ku Malaika owa Likanisa Lya Efeso yandika: 'Jinu ni misango ja ulya unu agwatiliye jinjota jiliya musanju mu kubhoko kwaye okwebhulyo. Omwene unu kalibhata agati ya Jinomyo na jijaabhu eja jitala musanju kaika kutya,”
Kumutumwa wekereke yeEfeso nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe,
2 “'Nimenyele chinu oukola no kukomela kwao ku milimu na kubhwigumilisha bhwalya mu chimali, na ati utakutula okwaikana nabho bhanu bhali bhabhibhi, na wabhalegejishe bhona bhanu abhebhilikila ati ni ntumwa Kasi tikutiyo, na abhabheelesha kubha bhalimi.
achiti: Ndinoziva mabasa ako, nekuremerwa kwako, nekutsungirira kwako, uye kuti haugoni kumirisana nevakaipa, uye wakavaidza ivo vanoti vaapositori asi vasiri ivo, uye wakavawana vari varevi venhema,
3 Nimenyele uli no myoyo kwo okutendesha no kwigumilisha, na walabhile ku mafu kunsonga ya lisina lyani, na uchali kuigwa.
wakamirawo uye ukava nemoyo murefu, uye nekuda kwezita rangu wakarwisa, ukasaneta.
4 Mbe nawe gunu Nigwo nilinagwo mu bhutasikene nawe ati, wasigile elyenda lyao elyokwamba.
Asi ndine kupikisana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.
5 Kulwejo nuwichuke anu waguye, ute no kukola ebhikolwa bhinu wakolele okusoka ku bhwambilo. Ukalema okuta, enikujako no okuisoshao inomyo yao anu ili.
Naizvozvo rangarira pawakawa, uye tendeuka, uitewo mabasa ekutanga; kana zvikasadarowo ndichauya kwauri nekukurumidza, uye ndichabvisa chigadziko chako chemwenje kubva panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.
6 Mbe nawe awe una linu ati, utamangenwe galiya ganu abhanikolai bhakolele, nolwo Anye one nitamangenwe nago.
Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, neni andinovenga.
7 Alabha uli no kutwi, tegelesha ganu Mwoyo kabhwila amakanisa. Na ku mwene unu kwiya ndimuyana echibhali cho jilya kwiti lyo bhuanga bhunu bhuli mu Paladiso ya Nyamuanga.'
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Kuna iye anokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu uri pakati peParadhiso yaMwari.
8 Ku Malaika unu ali kwi Kanisa lya Smirna andika: 'jinu ni misango ja ulya unu ali bhwambilo no bhutelo unu aliga afuye na nabha muanga lindi:
Nekumutumwa wekereke yeSimirina nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura Wekutanga neWekupedzisira, wakava akafa ndokurarama:
9 “'Enijimenya jinyako jawo no bhutaka bhwawo (Mbe nawe awe uli munibhi), no lulimi lya bhalya bhanu abhetoga abhayaudi (Mbe nawe tibho- bhenene ni likofyanyisho lya Shetani).
Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekutuka kwevanoti ivo VaJudha pachavo, asi vasiri, asi vari sinagoge raSatani.
10 Wasiga kubhaya jinyako jinu jilikubhona. Lola! Shetani Kenda okubhesa abhandi bhemwe mwibhoyelo koleleki nibhone okulegejibhwa, no omujonyaka kwa nsiku ekumi. Mbe mubhe bheikanyibhwa kukinga kufwa, ne enibhayana olutendo lwo bhuanga.
Usatya chimwe chezvinhu zvaoda kutambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kukanda vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, zvino ndichakupa korona yeupenyu.
11 Alabha uli no kutwi, tegelesha ganu lwa kutyo Mwoyo kagabhwila amakanisa. Omwene unu kaiga atakubhona mauta go lufu lya kabhili.'
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda haatongokuvadzwi nerufu rwechipiri.
12 Ku malaika wa likanisa elya Pergamo yandika: jinu nijo kaika omwene unu ali na lipanga elyo bhugi, elya mogi gabhili.
Uye kumutumwa wekereke yePegamo nyora uti: Zvinhu izvi anotaura iye ane munondo unopinza mativi maviri:
13 “'Enimenya libhala linu wikaye - libhala linu anu chili echitebhe cho obhutungi bhwa Shetani. Nolwo kutyo awe ugwatile muno lisina lyani, utalilemele elikilisha lyao linu Lili kwanye, nolwo jinsiku jilya eja Antipasi omubhambasi wani, omwiikanyibhwa wani, unu etilwe agati-gati yemwe, ao niwo Shetani ekaye.
Ndinoziva mabasa ako uye paunogara, ipo pane chigaro cheushe chaSatani, uye wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange pamazuva paiva naAntipasi, chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani.
14 Mbe nawe nili ne misango mifui jitasikene nawe: uliyo na bhanu eyo bhanu bhagwatile ameigisho ga Balaamu, mwene unu amwiigisishe Balaki okutao ebhikujulo imbele ya bhana bha Israel, koleleki bhalye ebhilyo bhinu bhyasosibhwe ku bhiyana ebhye bhisusano no obhulomesi.
Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, nokuti unavo ipapo vanobatirira dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kukanda chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabairwa zvifananidzo nekuita upombwe.
15 Kwibhyo ebhyo, nolwo awe ulio na bhandi bhebhwe bhanu abhagwata ameigisho aga Bhanikolai.
Saizvozvo newe unavo vanobatisisa dzidziso yeVaNikoraiti, chinhu chandinovenga.
16 Mbe nute! Alabha ukalema okukola kutyo, enija bhwangu, enijo okukola lilemo ingulu yao kwa lipanga linu elisoka mu Kanwa Kani.
Tendeuka; zvino kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.
17 Alabha uli no kutwi, mbe nutegeleshe Mwoyo chinu kabhabhwila amakanisa. Unu kaiga, enimuyana emanu (emikate) inu ibhisilwe, one enimuyana libhui limwela linu lyandikilweko lisina liyaya ingulu ya libhui, lisina linu atali unu kalimenya atali omwene unu kalilamila.'
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda, ndichapa kwaari kuti adye kubva pamana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risina anoziva, kunze kweanorigamuchira.
18 “Ku Malaika wa likanisa elya Thiatila yandika: “Jinu nijo emisango no Mwana wa Nyamuanga, omwene unu ali na meso gaye uti ebhesi lya mulilo, ne bhigele kuti China chinu chikubhilwe muno:
Nekumutumwa wekereke iri paTiatira nyora uti: Izvi anoreva Mwanakomana waMwari, ane meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira yakakwenenzverwa:
19 “'Enimenya chinu ukolele-elyenda lyao ne likilisha no bhufulubhendi no bhwigumilisha bhwao obhwe chimali, na ati chilya chinu wakolele ayei kutya ni kukila chinu wakolele mu bhwambilo.
Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira, nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako, uye kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.
20 Mbe nawe ninalyo linu ingulu yao: oumwigumilisha omugasi Yezebeli unu kebhilikila omwene -la ati omulagi mugasi. Ku meigisho gaye, nabhayabhya abhakosi bhani okulomela no kulya ebhilyo bhinu ebisosibhwa ebhiyanwa ku bhisusano.
Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, kuti unotendera mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe nekudya zvakabairwa zvifananidzo.
21 Namuyanile omwanya ogwo kuta, mbe nawe atakwenda kuta no kusiga obhubhibhi bhwaye.
Zvino ndakamupa nguva kuti atendeuke kubva paufeve hwake, asi haana kutendeuka.
22 Mbe lola! enimwesa ku chitanda cho bhulwaye, na bhaliya bhanu abhakola obhusiani nage munyako nyafu, alabha jitali kutyo nibhate kuchinu akolele.
Tarira, ini ndichamukandira panhovo, nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kana vasingatendeuki kubva pamabasa avo.
23 Enijo bhabhuma abhana bhaye bhafwe na Kanisa gone gamenye ati anye nanye unu katatilisha ameganilisho na inamba. Enimuyana bhuli umwi wemwe lwakutyo ebhikolwa bhyaye.
Uye ndichauraya vana vake murufu; nemakereke ese achaziva kuti ini ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.
24 Mbe nawe ku bhandi bhemwe bhanu musagile mu Thiatila, ku bhaliya bhona bhanu mutakugwata eliigisho linu, na bhanu mutakumenya chilya chinu abhandi abhabhilikila obhumbise bhwa Shetani, enaika kwemwe, nitakubhatelako mujigo gwone gwone ingulu yemwe.'
Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vari paTiatira, vese vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura vachiti: Handingakutakudzii umwe mutoro.
25 Ku musango gwone gwone, ni bhusi-bhusi mubhe bhakomee kukinga anu ndijila.
Asi izvo zvamunazvo batisisai kusvikira ndichiuya.
26 Wona wona unu kasiga no kukola chilya nakolele kukinga ku bhutelo, ku mwenene ndimuyana okutunga ingulu ya Maanga.
Uye anokunda nekuchengeta mabasa angu kusvikira pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;
27 'Alibhatunga kwa insimbo ye chuma, lwa jimbakuli eja mayalu, kabhata bhibhala bhalagi.'
uye achaatonga netsvimbo yedare; semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.
28 Lwa kutyo nalamiye okusoka ku Lata wani, ndimuyana one ijota ya katondo.
Uye ndichamupa nyeredzi yemangwanani.
29 Alabha uli no kutwi, nuungwe chilya chinu Mwoyo kagabhwila amakanisa.'
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.

< Okuswelulwa 2 >