< Okuswelulwa 13 >

1 Okumala lijoka nilimelegulu ingulu yo musango kunjejekela ya ku mwalo. Okumala nindola ityanyi nisoka mu nyanja. Yaliga ili na mayembe ekumi ne mitwe musanju. Mu mayembe gajo jaliga jilimo jitenga ekumi, na mumutwe gwaye galiga galimo na masango go kumufuma Nyamuanga.
Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa, ndokuona chikara chichibuda mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamusoro penyanga dzacho korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba.
2 Ityanyi inu nalolele ili lwa Indala. Amagulu gayo galiga gali uti Talago, no munwa gwalyo guli lwa Intale. Lijoka lilya nilimuyana amanaga, na ku chitebhe chaye echo bhutungi, no bhuyinga obhwa managa muno ago bhutungi.
Zvino chikara ichi chandakaona chakange chakaita sengwe, netsoka dzacho sedzebheya, nemuromo wacho semuromo weshumba. Zibukanana rikapa kwachiri simba raro, nechigaro charo cheushe, nemasimba makuru.
3 Ku imwi ya jityanyi ejo omutwe gwayo gwaliga nigubhonekana guli na liuta enene elyo lyakaletelee olufu lwalyo. Mbe nawe liuta lyaye niliulila, ne chalo chona nichilugusibhwa na nichiilubha intyanyi.
Zvino ndakaona umwe wemisoro yacho wakaita sewakaurawa kusvika parufu; asi vanga racho rekufa rakange rapodzwa; nyika yese ikashamisika shure kwechikara.
4 One nibhalilamya lijoka, kulwo kubha aiyanile obhutungi Intyanyi Ilya. One nibhalilamya Intyanyi, na nibhagendelela okwaika ati, “niga unu ali nka Intyanyi? “Na niga unu katula okulama nayo?”
Vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara, vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndiani anogona kuita hondo nacho?
5 Mbe Intyanyi niyanwa omunwa koleleki yaike emisango jo kwikuya ne bhifumi. Ekilisibhwe okubha no bhutungi kwa mesi makumi gana na gabhili.
Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwawo kwachiri simba rekubata mwedzi makumi mana nemiviri.
6 Kwibhyo lityanyi elyo nilyasama omunwa gwalyo nilyaika ebhifumi ebhyo kumufuma Nyamuanga, nilifuma lisina lyaye, na nibhala linu aliga ekaye na bhaliya bhanu bhekaye Mulwile.
Ndokushamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake, netabhenakeri yake, neavo vanogara kudenga.
7 Lityanyi elyo nilikilisibhwa okukola lilemo na bhekilisha no kubhaiga. One, niliyanwa obhutungi ku bhuli luganda, bhuli bhanu, bhuli nyaika na bhuli Eyanga.
Zvino kwakapiwa kwachiri kuita hondo nevatsvene, nekuvakunda; kukapiwawo kwachiri masimba pamusoro perudzi rwese nerurimi nerudzi.
8 Bhona bhanu bhekaye muchalo mbalililamya lyenene, bhuli umwi unu lisina lyaye lichaliga kwandikwa, kusokelela kumogwa kwe Chalo, mu chitabho cho bhuanga, chinu chili cho mwana wa Inama unu etilwe.
Uye vese vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabaiwa kubva pakuvambwa kwenyika.
9 Omunu wone wone akabha ali no kutwi kwo kungwa, nongwe.
Kana umwe ane nzeve, ngaanzwe.
10 Akabha oumwi wabho akenda okugwatwa no kugegwa, mbe kagwatwa no kusilwa. Akabha oumwi wabho aketa kwa lipanga, one ketibhwa kwa lipanga. Bhunu ni bhubhilikisi bhwo bhucholele no bhwigumilisha ne likilisha kwabho bhanu bhali bhalengelesi.
Kana umwe achiunganidza muutapwa, anoenda muutapwa; kana umwe achiuraya nemunondo, zvakamufanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.
11 Lindi nindola Intyanyi eindi niija okusoka mu Chalo. Yaliga ili na mayembe gabhili kuti Inyabhalega na niyaika kuti njoka.
Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira kubva panyika; uye chakange chine nyanga mbiri segwayana, ndokutaura sezibukanana.
12 Nelesha obhutungi bhona ku ntyanyi ilya eyo kwamba mu kubhao kwayo, no kukola mu chalo na bhalya bhanu bhaliga bhekaye nibhailamya Intyanyi ilya eyo kwamba, uliya unu liuta lyaye lyeuliye.
Uye chakashandisa simba rese rechikara chekutanga pamberi pacho uye chinoita kuti nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa.
13 Nakola ebhilugusho ebhya managa, kukingila nakola omulilo nigwika mu chalo okusoka Mulwile imbele ya bhanu,
Chinoitawo zviratidzo zvikuru, kuti nemoto chinoita kuti uburuke kubva kudenga kuuya panyika pamberi pevanhu.
14 na kwe chibhalikisho nekilisibhwa okukola, nabhajiga-jiga abho bhekaye mu Chalo, nabhabhwila okukonja ebhisusano kwe chibhalo Cha Intyanyi inu yaliga iutasibhwe kwa lipanga, mbe nawe achalamile.
Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezviratidzo zvakapiwa kwachiri kuti chiite pamberi pechikara, chichiti kune vanogara panyika, ngavaitire mufananidzo chikara chakange chine vanga remunondo, chikararama.
15 Ekilisibhwe okusosha omwika mu chisusano chilya echa Intyanyi koleleki echisusano chitule okwaika no kuletelela bhaliya bhona bhanu bhalemele okuilamya Intyanyi bhetwe.
Zvino kwakapiwa kwachiri kupa mweya kumufananidzo wechikara, kutiwo mufananidzo wechikara utaure, chigoita kuti vese vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.
16 One nasinyilisha bhuli umwi, unu atana chibhalo na managa, obhubhibhi no bhutaka, okusulumulwa no bhugaya, okulamila olunyamo mu kubhoko kwaye okwebhulyo amwi ku chisusu cho bhusu bhwaye.
Chinoitawo vese, vadiki nevakuru, uye vafumi nevarombo, uye vakasununguka nevaranda, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo,
17 Yaliga ili ati itakutulikana ku bhuli munu okugusha amwi kugula akabha atali owo lunyamo lwa Intyanyi, na bhunu ni bhwo obhukumi bhunu obhusilisha lisina lyaye.
uye kuti kusava neumwe anogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye ane mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho.
18 Chinu echenda obhumenyi. Akabha wone wone ali no bhusombokeywe, musige atule okubhala obhukumi bhwa Intyanyi. kulwo kubha ni bhukumi bhwe chinya-munu. No bhukumi bhwajo ni 666 (magana mukaga na makumi mukaga na mukaga.)
Hehuno uchenjeri. Ane kunzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nokuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.

< Okuswelulwa 13 >