< Abhafilipi 3 >

1 Mbe kubhutelo, bhaili bhani mukondelelwe muli Mumukama. Nitakulola nyako okubhandikila lindi emisango jilya jilya. Amagambo ganu galibhayana omulembe.
Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai.
2 Mwikenge na jimbwa. Mwikenge na abhakosi abhabhibhi abhemilimu. Mwikenge nabhanu abhetema tema emibhili jebhwe.
Chenjererai imbwa, chenjererai vabati vakaipa, chenjererai vekucheka;
3 Kulwokubha eswe neswe okutenda. Eswe neswe bhanu echilamya Nyamuanga kulwo Mwoyo. Bhanu echikuya mu Yesu Kristo, na bhanu chitali no obhuigi mumubhili.
nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama;
4 Kulwejo, chisanga aliwo omunu wo okwiikanya omubhili gunu, anye nakatulile okukola kutyo okukila bhona.
kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini;
5 Kunsonga natendelwe kulunaku lwa munana, nebhuwe muluganda lwa Abhaisraeli. Nili wa muluganda lwa Bhenjamini. Nili Mweburania wa Abhaeburania. Okukumisha ubhulengelesi bhwe echilagilo cha Musa, naliga nili Omufarisayo.
ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru weVaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;
6 Kulwa amanaga gani nanyasishe Likanisa. Kulwo okubhaya obhulengelesi bwe ebhilagilo, naliga nitali ne echikujusho mubhilagilo.
maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.
7 Nawe kumisango jona jinu nalolele ati jino obwekisi kwanye, nagalolele kuti manu kulwo okumumenya Kristo.
Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu.
8 Nichimali emisngo jona enijibhala jitali na mugaso kulwo obhukonde bhwo okumumenya Kristo Omukama wani. Kulwo omwene nisigile emisango jona, enigalola lwa amanu koleleki nimubhone Kristo,
Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvese kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvese nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu;
9 na nibhonekane munda yaye. Nitali no obhulengelesi bhwani omwene okusoka mubhilagilo, tali nili no obhulengelesi bhunu obhusokana ne elikilisha mu Kristo, linu elisoka ku Nyamuanga, eyo obhusimbagililo mulikilisha.
uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;
10 Oli anu enenda okumumenya na amanga ago obhusuluko bhwaye no obhumwi obhwa inyako yaye. Enenda okuindulwa na Kristo mu chijejekanyo echo olufu lwaye,
kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,
11 koleleki nibhe no obhwiikanyo mubhusuluko bhwa abhafu.
kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.
12 Jitali ati namalile okubhona emisango ejo, amwi ati nabheye mulengelesi mumisango ejo. Nawe enikomesha koleleki nitule okubhona echiyanwa chinu Kristo Yesu amalile okumbonela ingulu yo omwene.
Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu.
13 Bhaili bhani, nitakumenya ati namalile okubhona emisangi ejo. Tali enikola omusango gumwi: Againyuma enilabhilwa enilolelela agaimbele.
Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,
14 Enikomesha koleleki nikinge nkundego no okubhona echiyanwa chinene echo okubhilikilwa na Nyamuanga mu Kristo Yesu.
ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu.
15 Bhona bhanu chilamile mukuchungulwa, ni bhusi bhusi chiganilishe kutyo. Ka labha alio omunu undi unu keganilisha kundi ingulu yo omusango gwona gwona, mbe Nyamuanga alilitula abhwelu imbele yemwe ona.
Naizvozvo isu tese takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi.
16 Nolwo jikabha kutyo, omwanya gukakinga, chigendelele imbele okulubhana na intungwa ilya chalubhaga okukingila olyanu.
Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo iwoyu tifunge chinhu ichochi.
17 Bhaili bhani, ni mundubhe anye. Mubhetegeleshe kwakisi bhanu bhalamile lwakutyo eswe chili.
Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso.
18 Abhafu bhanu bhalamile nibhanu nabhabhwiliye ingulu yebhwe, na enisubha okubhabhwila ni ndililako; abhanu bhafu bhekaye bhali bhasoko bho omusalabha gwa Kristo.
Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;
19 Obhutelo bhwebhwe no okunyamuka. Kulwokubha Nyamuanga webhwe ni inda, echisilimu chebhwe chili na jinswalo. Abheganilisha amagambo ge echalo.
kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika.
20 Nawe obhwikalo bhwese bhuli mulwile, enu echiikanya niyo ali omwelusi weswe Yesu Kristo.
Nokuti ubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu;
21 Aliindula emibhili jeswe emilenga nijibha lwo ogwaye ogwa likusho; kwo obhutulo bhulya bhulya obhwo kakolela okukama ebhinu bhyona.
uyo achavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvese pasi pake.

< Abhafilipi 3 >