< Mathayo 7 >

1 Utajakulamula, koleleki awona utajakulamulwa.
Musatonga, kuti murege kutongwa,
2 Kwa indamu inu oulamula, aona ouja okulamulwa. Na kwaindengo inu oulengelamo awona ouja okulengelwa omwo.
nokuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa zvekare nechiyero chamunoyera nacho.
3 Nikulwaki oulola akakongokela kaliti kanu kalimuliso lyowanyu, Tali utakumenya liti linu lilimuliso lyao?
Unotarisirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako?
4 Outulatiki okwaika kuwanyu, siga nikusoshyemo akakongokela kanu kali muliso lyao, omwanya ogwo uli na liti muliso lyao?
Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako?
5 Mubheyi awe, yamba usoshyemo liti linu lilimuliso lyao, na nio ouja okulola kisi nokumusoshyamo owanyu akakongokela kanu kalimuliso lyowanyu.
Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako.
6 Utajiana jimbwa chinu chili cha kisi, na utaja kujisanusisha jingulubhe jilulu imbele yajo. Kulwokubha abhaja okubhinyamula no kubhitaja mubhigele bhyajo, na lindi abhaja okukuindukila awe nokukutabhula tabhula masinja masinja.
Musapa chitsvene kuimbwa, kana kukandira maparera enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.
7 Sabhwa, ona ouyanibhwa. Iga, ona oubhona. Konona, ona oujaokwigulilwa.
Kumbirai, uye muchapiwa; tsvakai, uye muchawana; gogodzai, uye muchazarurirwa.
8 Kuonawona unu kasabhwa, kayanwa. Kuwonawona unu kaiga, kabhona. Nakumunu unu kakonona, kulwigi kegulilwa.
Nokuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa.
9 Angu aliwo oumwi mwimwe unu omwana wae akamusabhwa echibhutu cho mukate kamuyana libhuyi?
Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe?
10 Angu akamusabhwa inswi, kamuyana injoka?
Kana kuti akakumbira hove, achamupa nyoka?
11 Kulwejo, ikabha emwe abhajabhi omumenya okubhayana abhana bhemwe ebhiyanwa bhyakisi, Angu nibhutuloki bhunu Lata Bhugenyi wa mulwile kabhayana bhinu bhya kisi bhanu abhamusabhwa omwene?
Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira?
12 Kwainsonga eyo, anu owenda okolelwa chinu chonachona na bhanu bhandi aona jikwiile okubhakolela kutyo abhandi bhona, kulwokubhaeyo ni sheliya na bhalagi.
Naizvozvo zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imwi muvaitirewo saizvozvo; nokuti uyu ndiwo murairo nevaporofita.
13 Mwingile okulabhila omulyango omufunde. Kulwokubha omulyango omunene na injila ni nene inu eitangasha mubhunyamuke, bhanu bhafu abhalabha kunjileyo.
Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, uye vazhinji varipo vanopinda naro.
14 Omulyango ni mufunde, Omulyango omufunde ni njila inu eitangasha mubhuanga na nibhanu bhatyali bhanu abhatula oilola.
Nokuti suwo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.
15 Mwikenge na bhalagi bho lubheyi, abhaja bhafwae olwayi lwa inyabhalega, tali ni ntyanyi ndulu.
Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.
16 Kulwamatwasho gebhwe omuja okubhamenya. Angu abhanu abhatula okugesa amatwasho kumawa, na lindi kubhiyabwa bhya mbaluti?
Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa paminzwa here, kana maonde parubayambeva?
17 Kwo lususo olwo, kileti lye kisi elibhula matwasho gakisi, tali liti libhibhi elibhula matwasho mabhibhi.
Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.
18 Liti lyekisi litakutula kutwasha matwasho mabhibhi, na kutyo liti libhibhi litakutula kwibhula matwasho gakisi.
Muti wakanaka haugoni kubereka zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.
19 Bhuliti linu litakwibhula matwasho gakisi elitemwa nokweswa mumulilo.
Muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.
20 Kulwejo oli, oujaokubhamenya okusokana na matwasho gabho.
Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.
21 Atali bhuli munu unu kabwila anye, Ratabhugenyi, Ratabhugenyi, kengila mubhukama bhwa mulwile, tali ni uliya kakola obhulengelesi bhwa Ratabhugenyi wani unu alimulwile.
Haasi wese anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.
22 Bhanu bhamfu bhalibwila olusiku olwo, Ratabhugenyi, Ratabhugenyi, chitasosishe obhulagi kwi sina lyao, chitasosisheko amasabwa kwisina lyao, na kwalisina lyao chakolele bhikolwa byamfu bya kulugusha?
Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?
23 Niwo enibhabhwila echimali, 'nitabhamenya emwe. Musoke kwanye, bhanu omukola obhunyamuke'.
Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.
24 Kulwejo, bhuli umwi unu kongwa emisango jani nokwikilisha kasusana nomunu omwengeso unu ombakile inyumba yae ingulu ya litale.
Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa uye akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.
25 Ingubha nigwa, amanji nigejula, nomuyaga niguja niguibhuma inyumba eyo, tali itatulile kugwa ansi, kulwokubha aliga yumbakilwe ingulu ya litale.
Zvino mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nokuti yakange yakateyiwa paruware.
26 Tali bhuli munu unu kongwa omusango gwani nalema okugwikilisha, kasusanisibhwa no munu omumumu unu ombakile inyumba yae ingulu yo musenyi
Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;
27 Ingubha niija, amanji nigaja, nomuyaga niguja niguibhuma inyumba eyo. Nigwa, nobhunyamke bhwayo nibhubhonekana.”
zvino mvura ikaturuka, mafashame ndokuuya, mitutu ndokuvhuvhuta, ndokurova paimba iyo, ndokuwa; uye kuwa kwayo kukava kukuru.
28 Gwamalile okulabhao omwanya gunu Yesu amalile okuloma emisango ejo, amekofyanya nigalugula ameigishyo gae,
Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake.
29 Kulwokubha eigisishe kuti munu wobhutulo, na atabhee lwa bhandiki bhebhwe.
Nokuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.

< Mathayo 7 >