< Mathayo 24 >
1 Yesu aulukile mwiekalu na genda jae. Abhweigisibhwa bhae bhamulubhile nokumwelesha inyumba ya Iyekalu.
Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
2 Nawe abhasubhishe no kubhabhwila,” Mtakugalola amagambo aga gone nichimali enibhabhwila ati litalio ebhui linu elisigalao ingulu yelidi linu litalifumibhwa.”
Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.
3 Na ejile eyanja kuchima ja mujeituni, abhweigisibhwa bhae bhamulubhile kwo kwitebha nibhaika ati, “chibhwile, amagambo ganu galibha lii? Nichinuki chilibha chibhalikisho Cho kuja kwao no bhutelo bhwechalo?” (aiōn )
Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi? (aiōn )
4 Yesu abhasubhishe no kubhabhwila ati, “Mukabhuke ati atalija munu akabhayabhya.
Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;
5 Okubha bhafu bhalija kwisina lyani. Nibhaika ati,' Anye nanye Kristo', abhabhayabhya bhafu.
nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
6 Mulyungwa lilemo no bhumenyi bho bhulemo. Mulolenga mutalija kubha na bhubha okubha amagambo ganu gatalilema kubhao; Nawe obhutelo obhubha bhuchali.
Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
7 Okubha liyaanga Lilimuka kwiyanga lwejabho, no bhukama bhulija kubhukama bhwejabho. Ilibhao ijala na ganyamutikima gaisi mabhala na mabhala.
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
8 Nawe amagambo ganu gone nibhwambilweela bho bhusungu bho kwibhula.
Asi zvese izvi kutanga kwemarwadzo.
9 Nio bhalibhasosha muje okunyasibhwa no kubheta. Muligengwa na maaga gone kulwaijuno ya lisina lyani.
Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.
10 Nio abhafu bhalikujula no kulomelana iniku na bhaliyambana abhene kwa bhene.
Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
11 Abhalangi bhafu abholulimi bhalija no kubhajiga bhwafu.
Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
12 kusonga obhunyamuke bhuliyongesha, okwenda kwabhafu okunyilila.
Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
13 Nawe unu alikomesha okukinga kubhutelo, alikisibhwa.
Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
14 Chinu echigambo Cho bhukama chisimulwa muchalo chone uti bhubhambasi kumaaga gonna. Mbe nio obhutelo nibhukinga.
Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika.
15 Mbe nawe, mulibha mwalola echifululusho cho kusimagisha, linu lyaikwilwe no Mulagi Danyeli limeleguyu anu elele (unu kasoma asombokelwe),
Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),
16 Nio bhanu bhaliga mu Yuda bhabhilimile muchima.
zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
17 Unu ali ingulu yo lusala lwa inyumba asige okutuka, okwika amwi okugega chone chone okusoka munyumba yae,
ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
18 Na unu ali mwisambu asige kusubha kugenga ingubho yae.
neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
19 Mbe nawe jilibhabhona bhaliya abho bhali na bhana na bhalia abho abhanen'ya musiku ejo!
Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!
20 Musabhwega ati okubhilima kwemwe kutalibha musiku ja ibeo amwi kulusiku lwa isabhato.
Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.
21 Kulwo kubha ilibhao inyanko nene, inu ichaliga kubhao kusokelela kubhwambilo bhwa insi okukinga lelo, na nolwo italibhao lindi.
Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.
22 Ka jisiku ejo jichilema okeibhwako, atakabhweyeo oyo akakisibhwe nawe kulwa bhasolwa, jisisiku ejo jilikeibhwa.
Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.
23 Nio ilibha munu wone wone akabhabhwila ati 'Lola, 'Kristo alyanu! Amwi, 'Kristo' ali elia Musige okwilisha emisango ejo.
Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
24 Ku lwo kubha abha kristo bholulimi na bhalagi bholulimi bhalija ni bholesha jibalikisho nene ne bhilugusho, koleleki bhabhayabhye, ka labha bhakatula nolwo abhasolwa.
Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.
25 Mbe nimulole natangata okubhakabhusha inyuma ya magambo ago gachali kubhonekana
Tarirai, ndagara ndakuudzai.
26 Ku lwejo, nolwo bhakabhabhwila ati, “Kristo ali mwipoli, mutaligeda eyo mwipoli amwi ni mulole, ali munyumba, mwasiga okwikilisha emisango ejo.
Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.
27 Okubha lwa kutyo olulabhyo olumulika okusoka ebhutuluka nilwolesha okukiga ebhugwa, nikwo kutyo kulibha okuja kwo mwana wo munu.
Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.
28 One one anu guli omutumbi, eyo niyo jipungu ejikofyanyisha
Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
29 Nawe alibha yawa inyako inene yajisiku jiliya, lisubha lilitulilwao omwilima, okwesi kutakusosha bhwelu bhwakwo, jijota jililagala okusoka kulwile, na managa mulwile galisingisibhwa.
Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
30 Mbe nio echibhalikisho cho mwana wo munu chilibhonekana kulwile, najingada jone jechalo jililila nijinega. Bhalimulola omwana wo munu naja mumele aga kulwile kwa managa na likusho lyafu.
Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
31 Alibhatuma bhamalaika bhae no bhulaka bhunene obhwaing'ombi, nibho bhulibhakumanya amwi abhasolwa bhae bhokusoka mbala ena ejechalo, okusoka bhutelo bhumwi bho lwile okukinga kubhundi.
Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo.
32 Mwiigile lisomo okusokana na liti litini. Litabhi likasebhuka no kusosha amabhabhi, mumenye ati olwanda luli yei.
Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.
33 Ni kwo kutyo, mulilola amagambo ganu gone, jibheile okumenya ati ali yei kumilyango.
Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova.
34 Ni chimali enibhabhwila, olwibhulo lunu lutaliwao, okukingila amagambo gone ganu agabha gabhonekene.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika.
35 Olwile na nsi bhiliwao, tali emisango jani jitaliwao chimwi.
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
36 Nawe ebhyo lusiku lulia na isaa atalio munu unu amenyele, nakabhee nolwo bhamalaika bhamulwile nolwo omwana, Tali lata omwene enyele.
Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
37 Na ka lwakutyo jaliga jili musiku ja Nuu, nikwo ilibha okuja kwo mwana wo munu.
Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
38 kulwo kubha musiku ejo inyuma ya dulima abhanu bhaliga nibhalya no kunywa, nibhatwala no kutwalwa no kukingila olusiku lulia olwo engila mungalabha,
Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,
39 Na bhatamenyele chinu chone chone okukingila iduluma olwo yejile nibhagega bhone -nikwo kulibha okuja kwo mwana wo munu.
uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
40 Niwo bhanu bhabhili bhalibha bhali mwisabhu- oumwi aligengwa no umwi alisigala inyuma.
Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
41 Abhagasi hhabhili bhalibha nibhasya bhali amwi -oumwi aligegwa no oumwi kasigala.
Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
42 Mbe, nimwegee, kulwo kubha mutakumenya ni lusiku ki lunu alja esobhugenyi wemwe.
Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
43 Nawe mumenye chinu ati, chibha kanya nyumba amenyele omwanya na saa ki inu omwifi kejilamo akalindilie na atakekilisishe nyumba yae okwingililwa.
Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
44 Ku lwejo, one mwiile okubha mumalilie, okubha omwana wo munu alija mu mwanya gunu mutakwiganilisyamo.
Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
45 Mbe niga unu Ali Mulengelesi, omugaya wo bhwenge, unu Esebhugenyi waye amuyae obhukulu ingulu yabho bhali munyumba yae, koleleki abhayane ebhilyo ku mwanya gunu gwiile?
Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?
46 Ana libhando omugaya oyo, unu Esebhugenyi wae alimusanga nakolaga kutyo omwanya gunu alija.
Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
47 Nichimali enibhabhwila ati Esebhugenyi alimutula ingulu ya bhuli chinu echo chili chae.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
48 Ka nawe omugaya omubhibhi kaika mumutima gwae, Latabhugenyi wani akola.'
Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;
49 No okwamba okubhabhuma abhagaya bhae, na akalya no kutamila amwi na bakolwa,
ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,
50 Esebhugenyi wae omugaya oyo alija kulusiku lunu atakwiganilisya, na mu saa inu atakuimenya.
ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,
51 Esebhugenyi wae alimubhutula mabhala gabhili no kumutula lubhala lumwi amwi na bholulimi, niwo kulibhao okulila na okuguguna ameno.
akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.