< Luka 23 >

1 Elikofyanya lyona nilimelegulu, nibhamusila imbele ya Pilato.
Zvino chaunga chavo chese chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.
2 Nibhamba okumukumila, nibhaikati, “Chamusanga omunu unu nayabhya liyanga lyeswe, naganya chisige okusosha likoti ku Kaisali, naikati, omwene niwe Kristo, Omukama.”
Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
3 Pilato namubhusha, naikati,”Angu Nawe Omukama wa Bhayaudi?”Na Yesu nasubhya naikati,”Awe Nawe owaika kutyo”.
Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.
4 Pilato namubhwila omugabhisi mukulu nebhise bhya bhanu ati,”Nitakulola chikayo kumunu unu”.
Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
5 Nawe abhene nibhesigombela, nibhaikati, “Kayoganya abhanu, neigisha mubhuyudi Yona, okwambila Galilaya na Woli alyanu.”
Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rese, kutanga paGarirea kusvikira pano.
6 Pilato ejile ongwa ago, nabhusilisha labha omunu oyo ni wa Galilaya?
Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
7 Ejile amenya kutyo aliga ali mubhukama bhwa Helode, namusila Yesu ku Helode, okubha omwene aliga ali Yelusalemu munsiku ejo.
Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.
8 Helode ejile amulola Yesu, akondelewe muno kulwokubha endaga okumulola nsiku nyamfu. Ongwaga jinkuma jae endaga okulola echilugusho nolo chimwi nchikolwa nage.
Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.
9 Helode namubhusha Yesu magambo mamfu, nawe Yesu atamubhusishe chinu chona chona.
Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
10 Abhagabhisi bhakulu amwi na bhandiki nibhemelegulu kwo bhujaja nibhamusitaka
Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.
11 Helode amwi na bhasilikale bhae, bhamufumile no kumujimya, nibhamugwata echifwalo bhya kisi, nibhamala nibhamusila a Yesu ku Pilato.
NaHerodhe nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato.
12 Helode na Pilato nibhabha bhasani kwambila olwo (kulwokubha bhaliga bhasokene).
Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.
13 Pilato nabhabhilikila abhagabhisi abhakulu na bhatungi ne bhise bhya bhanu,
Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,
14 Nabhabhwila ati,”Mwandetela omunu unu kabhatangasha abhanu bhakole ebhijabhi, Lola, najomubhusha imbele yemwe, ntalola chikayo ingulu yo munu unu ingulu ya jinu omumusitakila.
akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;
15 Uli, nolo Helode, kulwokubha amusubhya kwiswe, Lola gutalio musango gunu akolele gunu gwiile okwitwa.
kwete, kunyange Herodhe; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
16 Kulwejo enimubhuma nimala nimutatilila.
Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
17 (Woli, kwiile Pilato okumutatilila omubhohywa umwi kumwanya gwa lusiku lukulu olwabhayaudi).
Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.
18 Nawe bhona nibhasekana, nibhaikati,”Musosheo oyo, nuchigulile Balaba!”
Asi vese vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.
19 Balaba aliga ali munu unu abhoelwe kwo kukaya mumusi no kwita.
Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta uye neumhondi.
20 Pilato Nabhabhwila lindi, nenda okumutatilila Yesu.
Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.
21 Nawe abhene nibhayogana nibhaikati, “Mumubhambe, mumubhambe.”
Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!
22 Nabhabhusha ku lwakasatu,”omunu unu akolele chikayoki? Ntabhona chikayo chinu chiile okufwa kwaye. Kulwejo nikamala okumubhuma enimutatila.”
Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
23 Nawe abhene nibhakomela kwo bhulaka bhwa ingulu, nibhenda abhambhwe. Nobhulaka bhwebhwe nibhukola Pilato nekilisha.
Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.
24 Kulwejo Pilato nabhakolela kutyo bhendaga.
Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike.
25 Namutatila unu bhendaga unu abhoelwe kwo kusamba no kwita. Nawe namusosha Yesu kwe lyenda lyebhwe.
Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.
26 Bhejile bhakamusila, nibhamugwata munu umwi unu atogwaga Simoni wa Ukilene, nasoka muchalo, nibhamusila omusalabha abhatule, namulubhaga Yesu.
Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.
27 Ebhise bhya bhanu bhamfu, na bhagasi bhanu bhajubhaga nokulila ingulu yae, bhaliga nibhamulubha.
Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.
28 Nawe nabhekebhukila, Yesu Nabhabhwila ati,”Bhaalakaji bha Yelusalemu, musige kundilila anye, mwililile emwe abhene na ingulu ya bhana bhemwe.
Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;
29 Lola, jinsiku ejija bhalyaikati,”Bhana libhando bhanu bhatebhuye na mabhele ganu gatanenishe.
nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa.
30 Niwo bhalyamba okubhwila ebhima,'Chigwile, ne bhisaka,'Muchifundikile.
Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.
31 Kulwokubha bhakakola emisango ejo kwiti libhisi, ejibhakutiki kwiti elyumu?”
Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?
32 Abhalume abhandi, bhakayi bhabhili, bhasililwe amwi nage koleleki bhetwe.
Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.
33 Bhejile bhakinga Anu katogwa Fuvu la kichwa, niwo nibhamubhuma amwi na bhakayi, oumwi mukubhoko kwe bhulyo no oundi mukubhoko kwe bhumosi.
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.
34 Yesu naikati,”Rata, ubhasasile, kulwokubha bhatakumenya chinu abhakola.”Nibhagabhana emyenda jae kwa jikula.
Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.
35 Bhanu bhaliga bhemeleguyu nibhalola abhatangasha nibhamujimya, nibhaikati,”Abhakisishe abhandi. Woli ikisha omwene, labha uli Kristo wa Nyamuanga, omwaulwa.”
Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.
36 Abhasilikale bhona bhamugaile, bhamufogelee omwene nibhamuyana isiki,
Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga,
37 nibhaikati,”Labha awe uli Mukama wa Bhayaudi ikisha awe omwene”
uye vachiti: Kana iwe uri Mambo weVaJudha, zviponese.
38 Yaliga chilio echibhalikisho ingulu yae inu yaliga yandikilwe “UNU NIWE OMUKAMA WA BHAYAUDI.”
Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.
39 Oumwi was bhakayi unu abhambilwe amufumile naikati, “Awe utali Kiristo? ikisha awe neswe”
Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.
40 Nawe oundi uliya nasubhya, namugonya naikati, “Awe utamubhaya Nyamuanga, awona uli mundamu eyoeyo?
Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
41 Eswe chilio anu kwe chimali, kulwokubha eswe echibhona chinu chiile kulwebhikolwa bhyeswe. Nawe omunu unu atakolele chibhibhi.”
Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
42 Ongesishe, “Yesu, unyichuke anu ulengila mubhukama bhwao.”
Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.
43 Yes namubhwila ati, “Ikilisha enikubhwila ati, lelo linu oubha nanye Mupaladiso.”
Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
44 Awo jaliga nijifogela saa sita mumwisi, echisute nichijula ingulu ye chalo okukinga saa tisa,
Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yese, kusvikira paawa repfumbamwe.
45 Obhwelu bhwa lisubha bhasimile. Ndiya lipaziya lya muyekalu niligabhanyika katikati okwambila ingulu.
Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.
46 Nalila kwo bhulaka bhunene, Yesu naikati, “Rata mumabhoko gao natamo omwoyo gwani,”ejile amala okwaikago, nafwa.
Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.
47 Awo omukulu wabhasilikale ejile alola ganu gakolekene namukuya Nyamuanga naikati, “Chimali unu sanga ali munu mulengelesi.”
Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama.
48 Anu ebhise bhya bhanu bhejile amwi okulola bhejile okulola jinu gakolekene, bhasubhileyo nibhebhuma kubhifubha bhyebhwe.
Nezvaunga zvese zvakange zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.
49 Nawe abhasani bhae, na bhagasi bhanu bhamulubhile okusoka Galilaya, bhemeleguyu kula nibhalolaga emisango ejo.
Nevazikanwi vake vese, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.
50 Lola, aligalio omunu unu atogwaga Yusufu, unu aliga umwi wa libhalaja, munu wakisi na mulengelesi,
Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;
51 (aliga atekilishanyishe bhulamusi bhwebhwe ne bhikolwa bhyebhwe), okusoka Alimathaya, omusi gwe Chiyaudi, unu aliga nalindilila obhukama bhwa Nyamuanga.
iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta reVaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari.
52 Omunu unu, amufogelee Pilato, namusabhwa amuyane omubhili gwa Yesu.
Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.
53 Amutelemusishe, na guta mwisanda, naguta mumfwa inu yaliga isimbilwe kwibhui, munu aliga achali kusikwamo munu.
Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu.
54 Lwaliga luli lusiku lwo kwilabha, na Isabhato niilila.
Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.
55 Abhagasi, bhanu ejile nabho Yesu okusoka Galilaya, nibhamala nibhaja, nibhalola imfwa na kutyo mubhili gwae gwamamibhwe.
Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nokuti mutumbi wake waradzikwa sei.
56 Nibhasubha nibhamba okwilabha ebhinu ebhilange na mafuta amalange. Mbeya olusiku lwa isabhato nibhaumula okulubhana nebhilagilo.
Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.

< Luka 23 >