< Yoana 8 >
1 Yesu agendele muchima che mizaituni.
Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
2 Namweja katondo naja Lindi muyekalu, na bhanu bhona nibhamulubha neyanja nabheigisha.
Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vese ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.
3 Abhandiki na Bhafarisayo nibhaleta omugasi unu bhagwatile mu bhulomelwa. Nibhamutula agati.
Zvino vanyori neVaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,
4 Niwo nibhamubwila Yesu ati, “Omwiigisha, omugasi unu bhamugwata mubhulomelwa,
vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;
5 Woli, echilagilo cha Musa achilagiliye okubhalasa amabhui abhanu lwa bhanu, owaika kutiki ingulu yaye?
zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?
6 Bhaikile ago okumusaka koleleki bhabhone omusango gwo kumubhula, nawe Yesu nenama asi nandika kwe Chala chaye.
Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa.
7 Bhejile bhagendelela nibhamubhusha, nemelegulu nabhabwila ati, “Oyo atali na chibhibhi kwimwe, abhe wa kwamba okumulasa amabhui.”
Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
8 Nenama lindi asi, nandika kwe Chala chae.
Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.
9 Bhejile bhongwa ago bhagendele oumwi no undi okwambila kumukaluka. kubhutelo Yesu nasigalao enyele ela, amwi no mugasi aliga agati yebwe.
Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari ega, nemukadzi amire pakati.
10 Yesu nemelegulu nabhabwila ati, “Omugasi, abho abhakusitaka bhalyaki? Atalio nolwo umwi oyo kamulamula?”
Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?
11 Naika ati,” Atalio nolwo umwi Lata bhugenyi.” Yesu naika ati, “nolwo anye nitakulamula. Genda njila yao okwambila oli no kugendelela utakola chibhibhi lindi.”
Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.
12 Lindi Yesu naloma na bhanu naika ati, “Anye ni bwelu bwa isi; oyo kandubha atakulibhata muchisute kabha no bwelu bwo bhuanga.”
Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu.
13 Abhafalisayo nibhamubwila ati, Owibhambalila omwene; obhubhambasi bwao bhutali bwe chimali.”
Naizvozvo VaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.
14 Yesu nasubya nabhabwila ati, “Nolwo nikebhambalila omwene, obhubhambasi bhana ni bwe chimali. Enimenya eyo enisoka niyo enigenda, nawe emwe mutakumenya eyo enisoka neyo enigenda.
Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.
15 Emwe omulamula chinyamubwili; Anye nitakulamula ona ona.
Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.
16 Anye nolwo nikalamula, obhulamusi bwani ni bwe chimali okubha nitali wenyele, nawe nili na Lata oyo antumile.
Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma.
17 Nikwo nebhilagilo byemwe byandikilwe ati obhubhambasi bwa bhanu bhabhili no bwe chimali.
Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.
18 Anye enibhambalila, na Lata oyo antumile kambambalila.”
Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.
19 Nibhamubwila ati, Lata wao alyaki?” Yesu nasubya ati, “Anye mutakumenya nolwo Lata wani mutakumunyenya mwakasangile nimumenya anye mwakamumenyele na Lata wani.
Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.
20 Aikile emisango ejo Ali ayei need chibhikilo awo aliga neigisha mu yekalu, na Atalio nolwo umwi oyo amugwatile ku kubha omwanya gwae gwaliga guchali kukinga.
Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake rakange risati rasvika.
21 Mbe nabhabwila lindi ati, “Nagenda jani; nawe mulinyenja na mulifwila mu bhibhibhi byemwe. eyo enigenda, mutakutula kujayo.”
Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.
22 Abhayaudi nibhzika ati, “Kajaokwiita omwene, okubha aikile ati, 'eyo enigenda mutakula kujayo'?”
Naizvozvo VaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo?
23 Yesu nabhabwila ati, “Omusoka emwalo; anye enisoka injulu. Emwe ni bha isi inu; anye ntali wa isi inu.
Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.
24 Kulwejo, nabhabwila ati mulifwila mubhibhibhi byemwe. mwikilishe okubha ANYE NIWE, omufwa mu bhibhibhi byemwe”.
Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
25 Kulwejo nibhamubwila ati, “Awe niga?” Yesu nabhabwila ati, galiya nabhabwiliye ku bwambilo.
Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.
26 ninajo emisango mwafu ejokuloma no kulamula ingulu yemwe. Nolwo kutyo, unu antumile ni we chimali; ne misango ejo nonguwe okusoka kwemwe, ne misango ejo enijaika mu si;
Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.
27 Bhatamwelewe ati aliga naika nabho eja Lata.
Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba.
28 Yesu anaika ati, “mukamuyanika ingulu Omwana wo munu, awo mulimenya okubha ANYE NIWE, na ati nitakukola lyonalyona kubwani any akabha Lata anyiigisishe, enaika emisango jinu.
Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.
29 Unu antumile ali amwi nanye, nomwene atakusiga wenyele, bhuli katungu enikola agoagamukondela.”
Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzese zvinovafadza.
30 Omwanya Yesu naika emisango ejo abhafu nibhamwikilisha.
Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.
31 Yesu naika ati kubhaliya Abhayaudi abho bhamwikilisishe, “Akabha mukeyanja misango jani, ndiwo omubha bheigisibwa bhani bhechimali,
Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
32 Emwe mulimenya echimali, ne chimali chilibhatula mumulabho.”
uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
33 Nibhamubya ati, “Eswe ni lwibholo lwa Ibrahimu na kata chichaliga kubha asi yobhugaya bhonabhona owaikaki, “Echitulwa muchilabho?”
Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa?
34 Yesu nabhasubya ati, “Nichimali, nichimali enibhabwila ati, oyokakola echibhibhi ni mugaya we chibhibhi.
Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi.
35 Omugaya atakwiyanja munyumba mwanya gwona; Omwana kekala siku jona. (aiōn )
Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi. (aiōn )
36 Kulwejo, akabha Omwana akabhatula muchilabho, omubha muchilabho chimali kata.”
Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
37 Enimenya ati emwe ni lwibholo lwa Ibrahimu; omundonda okunyita kulwa injuno yo musango gwani gutana mwanya agati yemwe.
Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
38 Enaika amagambo ganu nalolele amwi na Lata want, emwona abhene omukola amagambo ganu mwonguwe okusoka kwi esomwana wemwe.”
Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.
39 Mbe nibhamubya no kumubhwila ati, “Lata weswe ni Aburamu.” Yesu nabhabwila ati, “Chisanga muli bhana bha Aburamu, mwakakolele emilimu ja Aburamu.
Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama.
40 Nolwo olyanu omuiga okunyita, omunu unu abhabhwiliye echimali ati nonguwe okusoka ku Nyamuanga. Aburamu atakolele kutyo.
Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita.
41 Omukola emilimu je somwana.” Ni bhamubhwila ati, “Chitebhuwe mubhulomesi, China Lata umwi, unu ali Nyamuanga.
Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.
42 Yesu nabhabwila ati, “Akabha Nyamuanga ni Lata wemwe, mwakanyendele anye, okubha nisokele ku Nyamuanga; okubha nitejile kubwani, nawe unu antumile.
Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.
43 Kulwaki mutakungwila emisango jani? kwokubha mutakutula kwikomesha okungwa emisango jani
Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
44 Amwe ni bha esomwana wemwe, shetani, no mwenda okujikola okuligila eje somwana wemwe. okwimilegulu muchimali kwo kubha echimali chitalimo kwimwe. Akaloma olubhei, kaloma okusoka mukatungilwe kaye okubha ni mubhei ne semwene nimubhei.
Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo.
45 Nolwo woli, kwo kubha enaika ebye chimali, mutakunyikilisha.
Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
46 Niga kwimwe unu katula okumbambalila ati ndine chibhibhi? akabha ninaika ebye chimali, kubhaki mutakunyikilisha?
Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?
47 Unu ali Wanyamuanga kongwa emisango ja Nyamuanga; emwe mutakungwila kwo kubha emwe mutali bha Nyamuanga.”
Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari.
48 Abhayaudi nibhamubya nibhamubwila ati, chitaikile echimali kubha awe ni Musamalia na una lisambwa?”
Naizvozvo VaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?
49 Yesu nasubya ati, tali nesambwa; nawe enibhala Lata wani, nemwe mutakumubhala.
Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.
50 Nitakuyenja likusho lyani; alio umwi unu kayenja no kulamula.
Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga.
51 Nichimali, chimali, enibhabwila ati, unu kagwata omusango gwani, atalibhona lufu kajanende.” (aiōn )
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi. (aiōn )
52 Abhayaudi nibhamubya ati, “Oli chamenya ati uli no musambwa. Abrahamu na bhaligi bhafue; nawe owaika ati, 'Akabha omunu atakugwata omusango gwani, akulabha lufu.' (aiōn )
Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi. (aiōn )
53 Awe utali mukulu kukila Lata weswe Abrahamu unu afuye, na bhalagi ona bhafuye. Awe owikola kubha niga?”
Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?
54 Yesu nasubya ati, “Akabha nikekusha nenyele, okwikusha kwani ni kwa kutyo ela; ni Lata wani niwekankusha - onu omwaika kubha Nyamuanga wemwe.
Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.
55 Emwe mutamumenyaga omwene, nawe anye nimumenyele omwene. Akabha nikaika ati,'nitakumumenya,' enijosusana nemwe, bhanu omubheya. Nolwo kutyo, nimumenyele nemisango jaye nijigwatile.
Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.
56 Lata weswe Abrahamu akondewe okulola olusiku lwani; nalulola nakondelelwa.”
Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.
57 Abhayaudi nibhamubwila ati, “uchali kumala mwaka makumi gatanu awe umulolele Ibrahimu?”
Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here?
58 Yesu nabhabwila ati, “Nichimali, chimali, nabhabwila ati, Abrahimu achali kwibhulwa, ANYE NDIO.”
Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.
59 Mbe nibhagenda amabhui bhabhone okumubhuma, nawe Yesu neibhisa nauluka mu yekalu.
Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.