< Abhaefeso 3 >

1 Kulwainsonga eyo anye, Paulo, ni mugaya wa Yesu Kristo kulwa ingulu yemwe Abhanyamahanga.
Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni,
2 Na mwikilishe ati mwonguhye ingulu ye milimu je chigongo cha Nyamuanga inu ananile ingulu yemwe.
kana zvirokwazvo makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu,
3 Enibhandikila okusokana na kutyo obhusululo bhwa suluhye kwanye. Chinu nicho echimali chinu chaliga chiselekele bhunu nandikile kwe chifuyi ku nyalubha eindi.
kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambonyora nemashoko mashoma;
4 Ulasoma ingulu ya ganu, outula okumenya obhwengeso bhwani mu chimali chinu chiselekele ingulu ya Kristo.
naizvozvo kana muchirava, munogona kunzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu;
5 Kwa maimbo gandi echimali chinu chitamenyekene ku bhana bha bhanu. Nawe woli bhwatehywe abhwelu kwo Mwoyo ku ntumwa bhanu bhauhye na Abhalagi.
icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachozarurwa ikozvino kuvaapositori vake vatsvene nevaporofita muMweya;
6 Echimali chinu chaliga chibhisile ni kutya abhanu bha Abhanyamahanga nibhanu chili amwi chi mubhili. Nibhamwi mu mulago gwa Kristo Yesu okulabhila emisango jo bhwana.
kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu kubudikidza neevhangeri,
7 Na ingulu ya linu nakolelwe mugaya kwe chigongo cha Nyamuanga inu yasosibhwe kwanye okulabhila obhukosi bhwa managa gaye.
yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake.
8 Nyamuanga asosishe echiyanwa chinu kwanye, tali kutyo anye nili mutoto kubhona bhanu bhauhye ingulu ya Nyamuanga. Echiyanwa chinu chibheile okubhalasisha amaanga emisango jo bhwana jinu jili no bhunibhi bhunu bhutakulolwa mu Kristo.
Kwandiri ndiri mudiki kumudikisa wevatsvene vese, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu,
9 jinyiile okubhalasisha abhanu bhona ingulu ya imbisike ya magambo ga Nyamuanga. Gunu Ni msango gunu gwaliga gubhisilwe kwe myaka myamfu jinu jalabhile, na Nyamuanga unu amogele ebhinu bhyona. (aiōn g165)
nekuita kuti vese vaone kuti kudyidzana kwakadini kwechakavanzika chakange chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, (aiōn g165)
10 Inu yaliga ilikutiya, okulabhila Ikanisa, abhatangasha na abhobhuinga mulubhaju lwa mulwile bhabhone okumenya mbala nyamfu ejobhusimuka jo bwengeso bhwa Nyamuanga.
kuti ikozvino kuchenjera kwakasiyana-siyana kwaMwari kuziviswe nekereke paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga,
11 Ganu gakabhonekene okulabhila obhwiganilisha bwa kajanende bhunu bhwakumiye munda ya Kristo Yesu Latabhugenyi weswe. (aiōn g165)
sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu; (aiōn g165)
12 Kulwokubha mu Kristo chili no bhuyali no bhutulo bhwo kwingila kwo bhuyali ingulu ye likilisha lyeswe kumwene.
maari tine kutsunga nekupinda nechivimbo, nerutendo rwake.
13 Kulwejo enibhasabha mutaja kwitimata ku lwokunyansibhwa kwani ingulu yemwe. Ganu nikushyo lyemwe.
Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pamatambudziko angu pamusoro penyu, ndiwo kurumbidzwa kwenyu.
14 Kwa insonga eyo enibhuma ebhijwi ku Lata.
Nekuda kweizvozvi ndinofugama mabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu,
15 unu kumwene bhuli lwibhulo mulwile na ingulu ye chalo yabhilikiwe lisina.
rudzi rwese rwuri kumatenga nepanyika rwunotumidzwa mavari,
16 Enisabha ati abhone okubhabhonekesha, okulubhana no bhunibhi bhwa likusho lyae, abhakole kusimbagilila kwa managa okulabhila Omwoyo gwae, unu ali munda yemwe.
kuti vakupei, zvichienderana nefuma yekubwinya kwavo, musimbiswe musimba neMweya wake mumunhu wemukati,
17 Enisabhwa ati Kristo alame munda ye mioyo jemwe okulabhila elikilisha.
kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; mune midzi uye makateiwa nheyo murudo,
18 Enisabha ati mubhe na litako no bhwambilo bhwe lyenda lyae. Mubhe mulyenda lyae koleleki mubhone okusombokelwa, amwi na bhanu bhekilisishe, kutyo obhugaji, nobhulela bhwe lyenda lya Kristo.
kuti mugone kwazvo kunzwisisa pamwe nevatsvene vese, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii,
19 Enisabhwa ati mumenye obhukulu bhwe lyenda lya Kristo, bhunu obhukila obhwiganilisha. Mkole ganu koleleki mwijushwe no bhulengelesi bhwona bhwa Nyamuanga.
nekuziva rudo rwaKristu rwunopfuura ruzivo, kuti muzadzwe mukuzara kwese kwaMwari.
20 Nawoli kumwene unu katula okukola bhuli musango, okukila ganu echisabhwa na ganu echiganilisha, okulabhila amanaga gaye ganu agakola emilimu munda yeswe,
Zvino kune ane simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvese zvatinokumbira kana kufunga, maererano nesimba rinobata matiri,
21 kumwene libhe ekushyo munda ya likanisa na mu Kristo Yesu kwa maimbo gona kajanende na kajanende. Jibhekutyo. (aiōn g165)
kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ese narinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)

< Abhaefeso 3 >