< Ebhikolwa bhya Jintumwa 12 >
1 Mu mwanya ogwo omukama Herode nagolola okubhoko kwae ku bhanu abhandi bhalya abhasoka mu likofyanyisho koleleki abhanyashe.
Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke.
2 Namwita Yakobo omumula wabho Yohana kwa lipanga.
Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.
3 Ejile alola ati jabhakondela Abhayaudi, namugwata Petro lindi. Gunu gwaliga guli mwanya gwa jinsiku je emikate jinu jitalimo chifwimbhya.
Zvino wakati achiona kuti zvinofadza VaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;
4 Ejile amugwata, namuta mwibhoyelo natao kuti bhise bhina bya bhasilikale koleleki bhamulinde, aliga nenda okumusila ku bhanu ikamala okulabhao ipasaka.
akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.
5 Petro natulwa mwibhoyelo, nawe lisabhwa nilikolwa kwa mananga ne likofyanyisho lyona ingulu yae ku Nyamuanga.
Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.
6 Luchali kukinga olusiku lwa Herode okuja okumusoshamo, mugeta eyo Petro aliga amamile agati-gati ya bhasilikale bhabhili kenu abhoyelwe na mabhoyelo na bhalindi imbhele yo mulyango gwa libhoyelo.
Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.
7 Lola, Malaika wa Latabugenyi ao nao namusolomokela mu bhwelu bhunu bhaliga bhusekana namunda ya inyumba. Namubhuma Petro mulubhafu no kumulafya naika,”Imuka bhwangu.” Mbe ebhibhoyelo bhinu bhyaliga bhimubhoyele nibhisulumuka nibhisoka mu mabhoko gae.
Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.
8 Malaika namubhwila,”nufwale jingubho ne bhikwilya bhyao.” Petro nakola kutyo. Malaika namubhwila,”fwala ebhifwalo bhyao na undubhe.”
Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.
9 Kulwejo Petro namulubha malaika Mbe nauluka anja. Atekilisishe chinu chakolelwe na malaika kuti ni ja chimali. Aliga netogela ati kalola bhilolo.
Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo.
10 Ejile Alabha kwilindo lyo kwamba ne lya kabhili, nibhakinga ku lwigi lwe chuma olwo kwingilila okuja mu musi, nilubhegukila olwene ingulu ya abhene. nibhauluka anja nibhatula kumwila, okumala malaika namusiga.
Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.
11 Petro ejile emenya, naika ati, “oli nekilisha ati Latabugenyi niwe amatuma malaika wae koleleki bhansoshe mu mabhoko ga Herode, na mu bhwima bhwa bhanu bhone abha Bhayaudi.
Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yese yevanhu veVaJudha.
12 Wejile Amala okumenya ganu, naja ku nyumba ya Mariamu nyilamwene Yohana unu elindi ni Marko; Abhakristo bhafu bhekofyanyishe nibhasabhwa.
Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.
13 Ejile akonona ku lwigi lunu olwigala lilango, omukosi umwi we chiyalakaji unukatogwa Roda naja okwigula
Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.
14 . Ejile abhumenya obhulaka bhwa Petro kwo bhukondeleywe natamibhwa okugwigula omulyango; amwi nebhyo, nabhilimila munju no kubhamenyesha ati Petro emeleguyu anja imbhele yo mulyango.
Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo.
15 Kwibhyo, nibhamubhwila ati “wasala” nawe mwenene nagendelela-la okubhabhwila no kukomelesha ati ni chimali nio omwene. Nibhaika ati “oyo ni malaika wae.”
Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.
16 Mbe nawe Petro nagendelelala okukonona, bhejile bhagwigula omulyango, nibhamulola Mbe nibhatang'ang'ala muno. Petro nabhajibhisha kwo kubhoko bhujibie-jibhie no kubhabhwila lwa kutyo Latabugenyi amusolomokee mwibhoyelo. Naika,”
Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.
17 nubhamenyeshe amasango ganu Yakobo na bhaili bhae.” Okumala nasokao nagenda mwibhala lindi.
Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.
18 Mbe yejile yakinga mumwisi, nibhubhao obhusulumbhae bhwafu mu bhasilikale, okulubhana na chinu chabhonekene ku Petro.
Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.
19 Ejile Herode namuyenja nawe nalema omubhona nabhabhusha abhalindi no kulagilila bhetwe. Nasokao bhuyaudi nagenda Kaisaria no kwikala eyo.
Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.
20 Herode aliga abhanyigalie abhanu bha Tiro na Sidoni. Nibhagendela amwi ewae. Nibhabha no bhusani na Blasto omusakisi wo mkama, koleleki abhasakile. Okumala nibhasabhwa omlembe, ku nsonga echalo chebhwe chabhwene ebhilyo okusoka mu Chalo cho bhukama.
Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire neVaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo.
21 olusiku lunu Herode aliga alulamulie nafwala ebhifwalo bhye chikama no kwinyanja ku chitebhe chae eche chikama, no kubhasimulila.
Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.
22 Abhanu nibhayogana,” bhunu ni bhulaka bhwa Nyamuanga nolwo bhutali bhulaka bhwo mwana munu!”
Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.
23 Ao nao malaika namubhuma, kulwo kubha atamuyae Nyamuanga likusho; nalibhwa na liuka nafwa.
Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.
24 Mbe nawe omusango gwa Nyamuanga nigukula no kwiyongesha muno.
Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
25 Barnaba na Sauli Bhejile bhamala obhufulubhendi bhwebhwe nibhasokao ao nibhasubha Yerusalemu, nibhamugega na Yohana unu lisina lyae elyo inogwa (bhwibhulwa) ni Marko.
Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko.