< 2 Yohana 1 >
1 Inyarubha inu eisoka kumukaruka na eigenda kumugasi omusolwa na abhana bhaye, ahhana babho enibhenda muchimali na atali anye ela, tali na bhona bhanu bhamenyele echimali,
Mukuru, kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi,
2 okwingana ne echimali chinu chili munda yeswe na chinu chilikala neswe akajanende. (aiōn )
nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi: (aiōn )
3 Echigongo, ne echisa no omulembe bhilibha amwi neswe okusoka ku lata Nyamuangana ku Yesu Kristo Omwana wa Lata, muchimali na mukwenda.
Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo.
4 Enikondelelwa muno kutiya, namenya ati abhana abhandi bhalamile muchimali, lwakutyo chalamiye echilagilo chinu okusoka ku Lata.
Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.
5 Mbe naoli enikusabhwa awe mayi, nitali ati enikwandikila echilagilo chiyaya, tali ni ilya chaliga chilinayo okusokelela kubhwambilo, lwa kutyo jichiile okwendana eswe abhene. Na bhunu nimwo obhwenji, bhunu bhuchiile kulama nabhwo, okwingana ne echilagilo chae.
Uye zvino, mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane.
6 Chinu nicho echilagilo lwakutyo mwayunguhwe okusoka kubhwambilo, lwa kutyo jibheile kulama mucilagilo echo.
Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo.
7 Kulwokubha abhajigi bhafu bhasambalile muchalo, na bhatakwikilisha ati Yesu ejile ali mwana munu. Mbe oyo atakwikilisha kutyo niwe omujigi naunu kalema Kristo.
Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu.
8 Mbe mwimenye abhene ati mwasiga okubhusha amagambo ganu chamalile okusombola, nawe koleleki mulamile echiyanwa chingene.
Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.
9 Omunu wonawona kagendelela okuja imbele atagwatiliye eliigisho lya Kristo, atali na Nyamuanga. Oyo agwatiliye eliigisho ali na Nyamuanga no Omwana waye.
Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.
10 Labha omunu naja kwimwe atejile ne eliigisholinu, mwasiga okumukumilila munyumba jeswe na mawasiga okumukesha.
Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira.
11 Kulwokubha unu kamukesha kasasikana mubhikolwa bhaye ebhibhibhi.
Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.
12 Nili na amagambo mafu ago kukwandikila, na nitendele okugandika kulupapura no obhwino. Nawe eniikanya ukubhakingako nilome imbele yemwe, koleleki likondelwa lyemwe likumile.
Ndine zvizhinji zvokukunyorerai, asi handidi kushandisa pepa neingi. Asi, ndine tariro yokukushanyirai ndigotaura nemi chiso nechiso, kuti mufaro wedu uzadziswe.
13 Abhana bha muyala wanyu omusolwa abhabhakesha.
Vana vomununʼuna wenyu akasanangurwa vanokukwazisai.